Nations Bible

João 4

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Jesu Anotaura noMukadzi weSamaria

1VaFarisi vakanzwa kuti Jesu akanga achiteverwa navanhu vazhinji uye achibhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johani, 2kunyange zvake akanga asiri Jesu aibhabhatidza, asi vadzidzi vake. 3Ishe akati anzwa izvi, akabva kuJudhea akadzokera kuGarirea zvakare.

4Zvino akanga achifanira kupfuura nomuSamaria. 5Saka akasvika paguta romuSamaria rainzi Saika, pedyo nomunda wakanga wapiwa kuna Josefa nababa vake Jakobho. 6Tsime raJakobho raiva ipapo, uye Jesu, aneta sezvo akanga achibva parwendo, akagara pasi patsime ipapo. Yakanga iri nguva inenge yechitanhatu.

7Mukadzi muSamaria akati auya kuzochera mvura, Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa?” 8(Vadzidzi vake vakanga vapinda muguta kuti vandotenga zvokudya.)

9Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.)

10Jesu akamupindura akati, “Dai waiziva chipo chaMwari uye kuti ndiani anokumbira mvura kwauri, ungadai wakumbira kwaari uye angadai akupa mvura mhenyu.”

11Mukadzi akati, “Ishe, hamuna chamungacheresa nacho uye tsime rakadzika. Ko, mvura mhenyu mungaiwanepi? 12Ko, imi muri mukuru here, kuna baba vedu Jakobho, avo vakatipa tsime uye vakanwa pariri ivo pachavo, sezvakaitawo vanakomana vavo namakwai avo nemombe?”

13Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achava nenyotazve, 14asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.”

15Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi kuitira kuti ndirege kuzova nenyotazve uye ndirege kuramba ndichingouya kuzochera mvura pano.”

16Iye akati, “Enda, undodana murume wako ugodzoka pano.”

17Akapindura akati, “Handina murume.”

Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka pawati hauna murume. 18Chokwadi ndeichi, wakava navarume vashanu, uye murume waunaye zvino haazi murume wako. Zvawabva mukutaura ndicho chokwadi.”

19Mukadzi akati, “Ishe, ndinoona kuti muri muprofita. 20Madzibaba edu ainamata pagomo iri, asi imi vaJudha munoti, nzvimbo yatinofanira kunamata tiri ndimo muJerusarema.”

21Jesu akati, “Mai, nditendei, nguva inouya yamuchanamata Baba musiri pagomo rino kana muJerusarema. 22Imi vaSamaria munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. 23Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate. 24Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi.”

25Mukadzi akati, “Ndinoziva kuti Mesiya, anonzi Kristu, ari kuuya. Paanouya, acharondedzera zvinhu zvose kwatiri.”

26Ipapo Jesu akataura akati, “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.”

Vadzidzi vanodzokerazve kuna Jesu

27Pakarepo vadzidzi vake vakadzokera kwaari uye vakashamiswa vachiona achitaura nomukadzi. Asi hapana akamubvunza kuti, “Unodei?” kana kuti “Munotaurireiko naye?”

28Ipapo, asiya chirongo chake, mukadzi akadzokera kuguta akandoti kuvanhu, 29“Uyai, muone murume anditaurira zvinhu zvose zvandakaita. Kuti uyu angava iye Kristu here?” 30Vakabuda muguta vakapinda munzira yavo vakananga kwaari.

31Vanhu vasati vasvika, vadzidzi vake vakafanomukurudzira vachiti, “Rabhi, imbowanai chamungadya.”

32Asi iye akati kwavari, “Ndine chokudya chandinodya chamusingazivi.”

33Ipapo vadzidzi vake vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Asi pano munhu amuvigira zvokudya kanhi?”

34Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake. 35Ko, imi hamuti here, ‘Kwasara mwedzi mina ipapo kucheka kwobva kwasvika?’ Ndinoti kwamuri, svinurai meso enyu uye mutarise kuminda! Yatoibva kuti ikohwewe. 36Kunyange iye zvino mukohwi anopiwa mubayiro wake, kunyange izvozvi anokohwa zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuitira kuti mukushi nomukohwi vagofara pamwe chete. 37Nokuti tsumo inoti, ‘Mumwe anokusha uye mumwe anokohwa ndeyezvokwadi.’ 38Ndakakutumai kunokohwa zvamusina kushandira. Vamwe vakaita basa rakaoma, uye imi makakohwa mubayiro wokubata kwavo.”

VaSamaria vazhinji vanotenda

39VaSamaria vazhinji vaibva muguta iro vakatenda kwaari nokuda kwouchapupu hwomukadzi hwokuti, “Akanditaurira zvose zvandakaita.” 40Saka vaSamaria vakasvika kwaari, vakamukumbira kuti agare navo, nokudaro akagarapo kwamazuva maviri. 41Uye nokuda kwamashoko ake vamwezve vazhinji vakava vatendi.

42Vakati kumukadzi uya, “Hatichatongotendi nokuda kwezvawataura chete; zvino tazvinzwira pachedu, uye tinoziva kuti murume uyu chokwadi ndiye Muponesi wenyika.”

Jesu Anoporesa Mwanakomana woMutariri

43Mazuva maviri akati apfuura, akabva akaenda kuGarirea. 44Zvino Jesu pachake akanga ambopupura kuti muprofita haakudzwi munyika yokwake. 45Akati asvika muGarirea, vaGarirea vakamugamuchira. Vakanga vaona zvose zvaakanga aita muJerusarema pamutambo wePasika, nokuti naivowo vaivapo.

46Akashanyirazve Kana yomuGarirea, uko kwaakanga ashandura mvura ikava waini. Uye ikoko kwakanga kuno mumwe mutariri wamambo akanga ane mwanakomana wake akanga avete achirwara paKapenaume. 47Murume uyu akati anzwa kuti Jesu asvika muGarirea achibva kuJudhea, akaenda kwaari akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake, uyo akanga ava pedyo nokufa.

48Jesu akati kwaari, “Kana imi vanhu musina kuona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.” 49Mutariri wamambo akati, “Ishe, burukai muuye mwana wangu asati afa.”

50Jesu akapindura akati, “Enda hako. Mwanakomana wako achararama.”

Murume uyu akagamuchira shoko raJesu akaenda. 51Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mukomana akanga apora. 52Akati abvunza nguva yakatanga mwana kunzwa zviri nani, ivo vakati kwaari, “Fivha yakabva paari nezuro panguva dzechinomwe.”

53Ipapo baba vaya vakayeuka kuti ndiyo yakanga iri nguva chaiyo paakanzi naJesu, “Mwanakomana wako achararama.” Saka iye neimba yake yose vakatenda.

54Ichi ndicho chakanga chiri chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva kuJudhea ava kuGarirea.

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

Água viva na Samaria

  • Jesus deixou a Judeia para voltar à Galileia, e o Evangelho diz que ele precisava passar pela Samaria. Sob os romanos, no tempo de Jesus, a Judeia era a mais ao sul das três divisões da Palestina, distinta da Samaria e da Galileia, e a narrativa observa que os judeus não se relacionavam com os samaritanos.Fontes: o próprio texto bíblico · Judea
  • Ele chegou a Sicar, perto do terreno que Jacó tinha dado a seu filho José e, cansado da viagem, sentou-se junto ao poço de Jacó. O dicionário bíblico de Easton (1897) registra que, desde o tempo das Cruzadas, Sicar costumava ser identificada com Siquém, mas que explorações a identificaram com 'Askar, um pequeno povoado samaritano na base sul de Ebal, cerca de uma milha ao norte do poço.Fontes: o próprio texto bíblico · Sychar
  • A mulher contrastou a adoração neste monte com a afirmação dos judeus de que era preciso adorar em Jerusalém, e falou de um Messias que havia de vir, chamado Cristo. Quando os discípulos voltaram de comprar comida na cidade, ficaram surpresos de que Jesus estivesse falando com uma mulher.Fontes: o próprio texto bíblico

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Galilee · 32.760, 35.527 · versículos 3, 43, 45, 46, 47, 54
  • Judea · Hoje: Judea 1 · 31.777, 35.234 · versículos 3, 47, 54
  • Samaria · Hoje: Samaria 2 · 32.276, 35.195 · versículos 4, 5, 7, 9
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 20, 21, 45
  • Mount Gerizim · 32.199, 35.273 · versículo 20

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.