Nations Bible

Jeremias 38

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Jeremia anokandwa muGomba

1Shefania mwanakomana waMatani naGedharia mwanakomana waPashuri mwanakomana waMarikiya vakanzwa zvaitaurwa naJeremia kuvanhu vose paakati, 2“Zvanzi naJehovha: ‘Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana denda, asi ani naani achazvipira kuvaBhabhironi achararama. Achatiza noupenyu hwake; achararama.’ 3Zvakare, zvanzi naJehovha: ‘Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, ndiye acharikunda.’ ”

4Ipapo machinda akati kuna mambo, “Munhu uyu anofanira kufa. Ari kuodza mwoyo yavarwi vakasara muguta rino, pamwe chete navanhu vose, nezvinhu zvaanotaura kwavari. Uyu munhu haatsvaki zvakanakira vanhu ava asi kuparadzwa kwavo.”

5Mambo Zedhekia akapindura akati, “Ari mumaoko enyu, Mambo haana zvaangagona kupikisana nemi.”

6Saka vakatora Jeremia vakamuisa mugomba raMarikiya, mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi. Vakaburutsira Jeremia mugomba netambo: rakanga risina mvura mariri, asi madhaka bedzi, nokudaro Jeremia akanyura mumadhaka.

7Asi Ebhedhi-Mereki muEtiopia aiva muchinda mumuzinda woushe, akazvinzwa kuti vakanga vaisa Jeremia mugomba. Panguva yakanga yakagara mambo paSuo raBhenjamini, 8Ebhedhi-Mereki akabuda mumuzinda woushe akati kwaari, “Ishe wangu mambo, varume ava vaita zvakaipa kwazvo pane zvose zvavaita kumuprofita Jeremia. 9Vamukanda mugomba umo maachaziya nenzara akafa kana chingwa chapera muguta.”

10Ipapo mambo akarayira Ebhedhi-Mereki muEtiopia, akati, “Tora varume makumi matatu pano uende navo munobudisa muprofita Jeremia mugomba asati afa.”

11Saka Ebhedhi-Mereki akatora varume akaenda navo kumba yaiva pasi pechivigiro chepfuma mumuzinda wamambo. Akatorawo mamvemve nenguo tsaru kubva ipapo ndokuzvidzikisa pasi netambo kuna Jeremia mugomba. 12Ebhedhi-Mereki muEtiopia akati kuna Jeremia, “Isa mamvemve nenguo dzakasakara idzi muhapwa dzako kuti zviputire tambo.” Jeremia akaita saizvozvo, 13ndokubva vamukweva netambo ndokumubudisa kubva mugomba. Nokudaro Jeremia akaramba ari paruvazhe rwavarindi.

Zedhekia anobvunzazve Jeremia

14Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muprofita Jeremia pamukova wechitatu wokupinda patemberi yaJehovha. Mambo akati kuna Jeremia, “Ndinoda kukubvunza chimwe chinhu. Usandivanzira chinhu.”

15Jeremia akati kuna Zedhekia, “Kana ndikakupai mhinduro, hamuzondiurayi here? Kunyange ndikakupai zano, hamunganditeereri.”

16Asi mambo Zedhekia akapikira Jeremia mhiko iyi pakavanda achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iye akatipa mweya watinofema, handingakuurayi kana kukuisa mumaoko eavo vanotsvaka kukuuraya.”

17Ipapo Jeremia akati kuna Zedhekia, “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: ‘Kana ukazvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, upenyu hwenyu hucharwirwa uye guta rino haringapiswi; imi nemhuri muchararama. 18Asi kana mukaramba kuzvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, guta rino richaiswa mumaoko avaBhabhironi uye vacharipisa; nemi pachenyu hamungapukunyuki pamaoko avo.’ ”

19Mambo Zedhekia akati kuna Jeremia, “Ndinotya vaJudha vakaenda kuvaBhabhironi, kuti vaBhabhironi vangangondiisa mumaoko avo vakandiitira zvakaipa.”

20Jeremia akati kwaari, “Havangakuisiyi kwavari. Teererai Jehovha nokuita zvandakuudzai. Ipapo zvichakunakirai imi, uye upenyu hwenyu huchararamiswa. 21Asi kana mukaramba kuzvipira, hezvino zvandakaratidzwa naJehovha. 22Vakadzi vose vakasara mumuzinda wamambo weJudha vachabudiswa vachiendeswa kumachinda amambo weBhabhironi. Vakadzi ivavo vachati kwamuri:

“ ‘Vakakutsausai uye vakakukundai,

ivo shamwari dzamaivimba nadzo.

Tsoka dzenyu dzanyura mumadhaka;

shamwari dzenyu dzakakutizai.’

23“Vakadzi venyu vose navana vachabudiswa vachiendeswa kuvaBhabhironi. Nemi pachenyu hamungapukunyuki mumaoko avo, asi muchabatwa namambo weBhabhironi; uye guta rino richapiswa.”

24Ipapo Zedhekia akati kuna Jeremia, “Ngakurege kuva nomunhu anoziva zvatakurukura izvi nokuti ungafa. 25Kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri vachiti, ‘Tiudze zvawataura kuna mambo uye zvarehwa namambo kwauri; usativanzira kuti tirege kukuuraya,’ 26ipapo uvaudze kuti, ‘Ndanga ndichikumbira kuna mambo kuti arege kundidzoserazve kuimba yaJonatani kuti ndinofirako.’ ”

27Machinda ose akauya kuna Jeremia ndokumubvunza, iye akavaudza zvinhu zvose zvaakanga arayirwa namambo kuti ataure. Naizvozvo vakarega kutaura naye zvakare, nokuti hapana akanga anzwa zvaakanga akurukura namambo.

28Naizvozvo Jeremia akaramba ari muruvazhe rwavarindi kusvikira pazuva rakapambwa Jerusarema.

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

A Cisterna e o Conselho Secreto de Zedequias

  • Quando Jeremias exortou os defensores de Jerusalém a se renderem aos babilônios em vez de perecerem pela espada, pela fome e pela peste, os oficiais de Judá o acusaram de traição e o lançaram em uma cisterna lamacenta no pátio da guarda. Um oficial do palácio chamado Ebede-Meleque interveio junto ao rei Zedequias, obtendo autorização e homens para retirar o profeta usando cordas acolchoadas com panos velhos.Fontes: o próprio texto bíblico · Ebed-melech · Shephatiah
  • O rei Zedequias reuniu-se secretamente com Jeremias na entrada do templo, confessando seu temor tanto de seus próprios nobres quanto dos judeus que já haviam desertado para os babilônios. Jeremias reiterou que render-se aos comandantes da Babilônia preservaria a vida do rei, protegeria sua família e impediria que Jerusalém fosse queimada.Fontes: o próprio texto bíblico · Zedekiah · Jeremiah

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Chaldea · 30.962, 46.104 · versículos 2, 18, 19, 23
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 2, 3, 28
  • Babylon · 32.543, 44.422 · versículos 3, 17, 18, 22, 23
  • Benjamin Gate · Hoje: in Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 7

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.