Jeremias 3
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
1“Kana murume akaramba mukadzi wake,
iye akamusiya hake akandowanikwa nomumwe murume,
murume uyu angadzokerazve kwaari here?
Ko, nyika haingasvibiswi here?
Asi iwe wakararama sechifeve navadiwa vazhinji,
zvino ungadzokera kwandiri here?”
2“Tarira kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti uone.
Iripo here nzvimbo yausina kumboitira ufeve?
Mujinga menzira wakagaramo wakamirira zvikomba,
wakagara kunge vanhu vouragu vari murenje.
Wakasvibisa nyika noufeve hwako
uye nezvakaipa zvako.
3Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha,
uye nemvura yomuchirimo haina kunaya.
4Ko, handiti uchangobva pakundidana here uchiti,
‘Baba vangu, shamwari yangu kubva pauduku hwangu,
5muchagara makatsamwa here?
Kutsamwa kwenyu kucharamba kuripo nokusingaperi here?’
Aya ndiwo matauriro ako,
asi unoita zvakaipa zvose zvaunogona kuita.”
Israeri woKusatendeka
6Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, “Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo. 7Ndakafunga kuti mushure mokuita kwake izvi zvose, achadzokera kwandiri asi iye haana, uye mununʼuna wake Judha wokusatendeka akazviona. 8Ndakapa Israeri wokusatendeka tsamba yokurambana ndikamudzinga nokuda kwoufeve hwake. Kunyange zvakadaro ndakaona kuti Judha mununʼuna wake wokusatenda haatyi; naiyewo akabuda akandoita ufeve. 9Nokuti ufeve hwaIsraeri hahuna zvahwakareva kwaari, akasvibisa nyika nokufeva namabwe namatanda. 10Kunyange izvi zvakadaro, mununʼuna wake Judha wokusatendeka haana kudzokera kwandiri nomwoyo wake wose, asi kunyengera chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
11Jehovha akati kwandiri, “Israeri wokusatenda akarurama kukunda Judha wokusatendeka. 12Enda undoparidza shoko iri kurutivi rwokumusoro uchiti,
“ ‘Dzokai imi Israeri vokusatenda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha,
‘Handichazorambi ndakafinyamisa chiso changu kwamuri,
nokuti ndizere nengoni,’ ndizvo zvinotaura Jehovha,
‘handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi.
13Imi zivai mhosva yenyu chete,
kuti makamukira Jehovha Mwari wenyu,
mukafadza vamwari
vavatorwa muri pasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira,
uye hamuna kunditeerera,’ ”
14“Dzokai, imi vanhu vokusatenda,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni. 15Ipapo ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, ivo vachakutungamirirai noruzivo nokunzwisisa. 16Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve. 17Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti Chigaro choUshe chaJehovha, uye ndudzi dzose dzichaungana muJerusarema kuzokudza zita raJehovha. Havachazoteverizve kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa. 18Mumazuva iwayo imba yaJudha ichabatana neimba yaIsraeri, uye vose pamwe chete vachauya vachibva kunyika yokumusoro vachienda kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka.
19“Ini pachangu ndakati,
“ ‘Ndichafara sei pakukubatai savanakomana vangu
uye ndichikupai nyika inoyevedza,
iyo nhaka yakaisvonaka yorudzi rupi zvarwo.’
Ndakafunga kuti muchanditi ‘Baba’
mukasazotsauka pakunditevera.
20Asi sezvinoita mukadzi asina kutendeka kumurume wake,
saizvozvo makanga musina kutendeka kwandiri, imi imba yaIsraeri,”
21Kuchema kunonzwika panzvimbo dzakakwirira dzisina miti,
iko kuchema nokuteterera kwavanhu veIsraeri,
nokuti vakaminamisa nzira dzavo
uye vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.
22“Dzokai, imi vanhu vokusatenda;
ndichakurapai pakudzokera kwenyu shure.”
“Hongu, tichauya kwamuri,
nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu.
23Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo,
napamakomo unyengeri;
zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedu
ndimo mune ruponeso rwaIsraeri.
24Kubva pauduku hwedu nyadzi dzakadya
zvibereko zvamabasa amadzibaba edu,
makwai avo, nemombe dzavo,
vanakomana navanasikana vavo.
25Ngativatei pasi munyadzi dzedu,
uye kunyara kwedu ngakutifukidze.
Takatadzira Jehovha Mwari wedu,
isu tose namadzibaba edu;
kubva pauduku hwedu kusvikira nhasi
hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu.”

Você sabia?
Um chamado ao retorno das irmãs infiéis
- Durante o reinado do rei Josias de Judá, Jeremias recebeu profecias que comparavam o reino do norte de Israel e o reino do sul de Judá a duas irmãs. Embora o reino do norte já tivesse sido repudiado por sua idolatria, Judá não aprendeu com o destino de sua irmã e retornou apenas em fingimento.Fontes: o próprio texto bíblico · Josiah
- O profeta antevê uma restauração futura na qual o povo disperso é trazido de volta a Sião, a colina histórica de Jerusalém. Naquele tempo, a própria Jerusalém seria chamada de Trono do SENHOR, e a arca da aliança não seria mais lembrada nem reconstruída.Fontes: o próprio texto bíblico · Zion · Jerusalem
- Utilizando a imagem de leis matrimoniais e divórcio, o texto retrata o culto a deuses estrangeiros em colinas e debaixo de árvores verdes como infidelidade conjugal. Apesar dessa traição, o SENHOR convida repetidamente Seus filhos infiéis a reconhecerem a sua culpa e a retornarem para Ele.Fontes: o próprio texto bíblico
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org