Jeremias 29
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Tsamba kuVatapwa
1Zvino aya ndiwo mashoko etsamba yakatumwa nomuprofita Jeremia kubva kuJerusarema ichienda kuvakuru vakanga vachiri vapenyu pakati pavatapwa, nokuvaprista navaprofita, navamwe vanhu vose vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi naNebhukadhinezari vachibviswa kuJerusarema. 2(Izvi zvakaitika shure kwokunge Mambo Jehoyakini namai vake, namachinda omuruvazhe rwamambo, navatungamiri veJudha neJerusarema, navavezi, navapfuri, vaendeswa kuutapwa vachibviswa kuJerusarema.) 3Akaendesa tsamba iyi noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria mwanakomana waHirikia, avo vakatumwa naZedhekia mambo waJudha kuna Mambo Nebhukadhinezari kuBhabhironi. Yaiti:
4Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, kuna vose vandakaendesa kuutapwa kuBhabhironi vachibva kuJerusarema: 5“Zvivakirei dzimba mugare; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo. 6Wananai mugova navanakomana navanasikana; tsvakirai vanakomana venyu vakadzi uye muwanise vanasikana venyu, kuti naivowo vave navanakomana navanasikana. Muwande ikoko; musadzikira pakuwanda. 7Uyezve, mutsvake rugare nokubudirira kweguta randakakuendesai kuutapwa. Murinyengeterere kuna Jehovha, nokuti kana rikabudirira, nemiwo muchabudirira.” 8Nokuti, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Musarega vaprofita navavuki vari pakati penyu vachikunyengerai. Musateerera kurota kwamunovakurudzira kuti varote. 9Vanokuprofitirai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
10Nokuti zvanzi naJehovha: “Panopera makore makumi manomwe eBhabhironi, ndichauyazve kwamuri ndigozadzisa zvakanaka zvandakavimbisa kuti ndichakudzoserai kunzvimbo ino. 11Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka. 12Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. 13Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose. 14Ndichawanikwa nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzosai kubva kuutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai kuutapwa.”
15Imi mungati henyu, “Jehovha akatimutsira vaprofita muBhabhironi,” 16asi zvanzi naJehovha pamusoro pamambo achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi navanhu vose vanosara vari muguta rino, vanhu venyika yenyu vasina kuenda nemi kuutapwa, 17hongu, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ndichatuma munondo, nzara nedenda pamusoro pavo uye ndichavaita samaonde akaipa akaora zvokuti haangadyiwi. 18Ndichavatevera nomunondo, nzara nedenda uye ndichavaita chinhu chinovengwa noushe hwose hwenyika uye chinhu chinotukwa, nechinotyisa, nechinosekwa, nechinoshorwa pakati pendudzi dzose kwandakavadzingira. 19Nokuti havana kuteerera kumashoko angu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mashoko andakatuma ndatumazve kwavari navaranda vangu vaprofita. Nemiwo vakatapwa makaramba kuateerera,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
20Naizvozvo, chinzwai shoko raJehovha, imi mose makatapwa vandakadzingira kuBhabhironi muchibva kuJerusarema. 21Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, pamusoro paAhabhu mwanakomana waKoraya naZedhekia mwanakomana waMaaseya, vari kukuprofitirai nhema muzita rangu: “Ndichavaisa muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye achavauraya pamberi penyu muchizviona. 22Nokuda kwavo, vatapwa vose vakabva kuJudha vari muBhabhironi vachashandisa chituko ichi: ‘Jehovha akuitire sezvaakaita kuna Zedhekia naAhabhu avo vakapiswa mumoto namambo weBhabhironi.’ 23Nokuti vakaita zvinhu zvinonyangadza muIsraeri; vakaita upombwe navakadzi vavavakidzani vavo uye vakareva nhema muzita rangu, izvo zvandisina kuvaudza kuti vaite. Ndinozviziva uye ndiri chapupu chazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shoko kuna Shemaya
24Udza Shemaya muNeherami kuti, 25“Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Wakatumira matsamba muzita rako kuvanhu vose vomuJerusarema, kuna Zefania mwanakomana waMaaseya muprista, nokuna vamwe vaprista vose. Wakati kuna Zefania, 26‘Jehovha akakugadza kuva muprista panzvimbo yaJehoyadha kuti uve mutariri weimba yaJehovha; unofanira kuisa muchitokisi nomumangetani munhu upi zvake anopenga achiita somuprofita. 27Saka wakaregererei kuranga Jeremia weAnatoti, anozviti muprofita pakati penyu? 28Akatuma shoko iri kwatiri paBhabhironi, achiti: Zvichatora nguva yakareba. Naizvozvo zvivakirei dzimba mugogara; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.’ ”
29Uye, Zefania muprista akaverengera muprofita Jeremia tsamba iyi. 30Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti, 31“Tumira shoko iri kuvatapwa vose, uti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaya, muNeherami: Nokuti Shemaya akuprofitirai, kunyange ini ndisina kumutuma, uye aita kuti mutende nhema, 32zvanzi naJehovha: Zvirokwazvo ndicharanga Shemaya muNeherami nezvizvarwa zvake. Haangavi nomunhu achasara pakati pavanhu ava, kana kuona zvinhu zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti akaparidza zvokundimukira.’ ”

Você sabia?
A carta de Jeremias aos exilados na Babilônia
- Jeremias enviou sua carta aos exilados por meio de Elasa, filho de Safã, e Gemarias, filho de Hilquias, emissários reais enviados pelo rei Zedequias a Nabucodonosor na Babilônia. Em vez de esperar um retorno imediato, os deportados foram aconselhados a construir casas, plantar hortas, casar-se e orar pelo bem-estar e paz da cidade onde viviam.Fontes: o próprio texto bíblico · Elasah · Gemariah
- O profeta advertiu a comunidade a não confiar em adivinhos e falsos profetas que prometiam um fim rápido ao cativeiro. Em vez disso, a mensagem divina declarou que o exílio sob o domínio babilônico duraria setenta anos antes que Deus os restaurasse a Jerusalém.Fontes: o próprio texto bíblico
- O capítulo registra uma troca de cartas entre Jerusalém e a Babilônia. Um profeta rival chamado Semaías, o neelamita, enviou cartas da Babilônia ao sacerdote Sofonias em Jerusalém, exigindo que Jeremias fosse colocado no tronco por orientar os exilados a se estabelecerem para uma longa permanência.Fontes: o próprio texto bíblico · Shemaiah · Zephaniah
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
- Babylon · 32.543, 44.422 · versículos 1, 3, 4, 8, 10, 15, 16, 20, 21, 22, 24, 28, 31
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 1, 2, 4, 16, 20, 25
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org