Nations Bible

Juízes 7

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Gidheoni anokunda vaMidhiani

1Mangwanani-ngwanani, Jerubhi-Bhaari (ndiye Gidheoni) navanhu vose vaiva naye vakadzika matende avo patsime raHarodhi. Musasa wavaMidhiani wakanga uri nechokumusoro kwavo mumupata waiva pedyo nechikomo cheMore. 2Jehovha akati kuna Gidheoni, “Varume vaunavo vakawandisa kuti ini ndiise vaMidhiani mumaoko avo. Kuti vaIsraeri varege kuzvikudza pamberi pangu vachiti, simba ravo ndiro ravaponesa, 3zivisa vanhu izvozvi kuti, ‘Ani naani ari kudedera nokutya ngaadzoke hake abve paGomo reGireadhi.’ ” Saka varume vanosvika zviuru makumi maviri nezviviri vakabva, kukasara zviuru gumi.

4Asi Jehovha akati kuna Gidheoni, “Vanhu vachakangowandisa. Enda navo kumvura, uye ini ndichavasanangurira ikoko. Kana ndikati, ‘Uyu achaenda newe,’ ndiye achaenda; asi kana ndikati, ‘Uyu haafaniri kuenda newe,’ iyeye haaendi.”

5Saka Gidheoni akatora varume akaburuka navo kumvura. Jehovha akamuudza ikoko kuti, “Paradzanisa avo vanonwa mvura vachikapa norurimi rwavo sezvinoita imbwa kubva kuna avo vanonwa vakapfugama.” 6Zvino uwandu hweavo vakanwa vachikapa, vachiisa maoko kumiromo yavo, hwakasvika mazana matatu. Vamwe vose vakanwa vakapfugama namabvi avo.

7Jehovha akati kuna Gidheoni, “Namazana matatu avarume vanwa mvura vachikapa ava, ndichakuponesai uye ndichaisa vaMidhiani mumaoko enyu. Vamwe vanhu vose ngavaende zvavo, mumwe nomumwe kunzvimbo yake.” 8Saka Gidheoni akaendesa vamwe vose vavaIsraeri kumatende avo asi akasara namazana matatu, avo vakazotora mbuva nehwamanda dzavaya vamwe.

Zvino musasa wavaMidhiani wakanga uri nechezasi mumupata. 9Usiku ihwohwo, Jehovha akati kuna Gidheoni, “Simuka, buruka uende kumusasa, nokuti ndiri kuzouisa mumaoko ako. 10Asi kana uchitya kuenda, buruka uende kumusasa naPura muranda wako. 11Uchanzwa zvavanotaura. Shure kwaizvozvo uchanzwa kukurudzirwa kuti urwise musasa.” Saka iye naPura muranda wake vakaburuka vakasvika kuvarindi vokunze kwomusasa. 12VaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vose vokumabvazuva vakanga vagara mumupata, vakawanda semhashu. Ngamera dzavo dzakanga dzisingaverengeki, dzakawanda sejecha remahombekombe egungwa.

13Gidheoni akasvika mumwe munhu achiri kurondedzera shamwari yake kurota kwake, achiti, “Ndarota chingwa chakaurungana chichikungurukira mumusasa wavaMidhiani. Charova tende nesimba guru zvokuti tende rakudubuka rikawa.”

14Shamwari yake yakapindura ikati, “Hachingavi chimwe chinhu kunze kwomunondo waGidheoni mwanakomana waJoashi, muIsraeri. Mwari aisa vaMidhiani nomusasa wose mumaoko ake.”

15Gidheoni akati anzwa kurota uku nokududzirwa kwokurota kwacho, akanamata Mwari. Akadzoka kumusasa wavaIsraeri akadanidzira achiti, “Simukai! Jehovha aisa musasa wavaMidhiani mumaoko enyu.” 16Akakamura varume mazana matatu akavaisa mumapoka matatu, akaisa hwamanda nezvirongo zvisina chinhu, asi mwenje mukati, mumaoko avo.

17Akati kwavari, “Mutarise kwandiri uye mutevedzere zvandinoita. Pandinosvika kumucheto kwomusasa, mubve maita sezvandinoita. 18Kana ini navose vandinavo tikaridza hwamanda dzedu, ipapo imi mose makapoteredza musasa muridzewo dzenyu mugodanidzira muchiti, ‘Rwirai Jehovha naGidheoni!’ ”

19Gidheoni navarume zana vaiva naye vakasvika kumucheto kwomusasa pakutanga kwenguva yapakati pousiku yokurinda, pachangoiswa mumwe murindi. Vakaridza hwamanda dzavo uye vakaputsa zvirongo zvaiva mumaoko avo. 20Mapoka matatu akaridza hwamanda uye akaputsawo zvirongo. Vakabata mwenje mumaoko avo oruboshwe uye vakabata noruoko rworudyi hwamanda dzavaizoridza, vakadanidzira vachiti, “Munondo waJehovha nowaGidheoni!” 21Murume mumwe nomumwe akaramba ari panzvimbo yake vakapoteredza musasa, vaMidhiani vose vakamhanya vachiridza mhere, vachitiza.

22Vane mazana matatu pavakaridza hwamanda, Jehovha akaita kuti varume vose mumusasa vapandukirane, vabayane neminondo yavo. Hondo yakatizira kuBheti Shita yakananga kuZerera kusvikira kumuganhu weAbheri Mehora pedyo neTabhati. 23VaIsraeri vakadanwa kubva kuNafutari, Asheri neManase yose, uye vakatevera vaMidhiani. 24Gidheoni akatuma nhume munyika yose yezvikomo yaEfuremu achiti, “Burukai tindorwa navaMidhiani titore mvura zhinji dzeJorodhani mberi kwavo kusvikira kuBheti Bhara.”

Saka varume vose veEfuremu vakadanwa uye vakatora mvura zhinji dzeJorodhani kusvikira kuBheti Bhara. 25Vakatapawo vatungamiri vaviri vavaMidhiani, Orebhi naZeebhi. Vakauraya Orebhi paruware rwaOrebhi, uye Zeebhi vakamuurayira pachisviniro chewaini chaZeebhi. Vakatevera vaMidhiani uye vakauya nemisoro yaOrebhi naZeebhi kuna Gidheoni, akanga ari paJorodhani.

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

Os trezentos de Gideão

  • Antes da batalha, a tropa de 32.000 homens de Gideão foi reduzida a apenas 300 junto à fonte de Harode. Primeiro, 22.000 homens temerosos foram autorizados a voltar para casa, e os 10.000 restantes foram testados pelo modo como bebiam água na fonte, restando apenas os que levaram a água à boca com as mãos.Fontes: o próprio texto bíblico · Harod
  • Gideão utilizou táticas noturnas e surpresa psicológica ao dividir seus 300 homens em três companhias armadas apenas com trombetas de chifre de carneiro, tochas e jarros de barro. Ao cercarem o acampamento dos midianitas e nômades do oriente junto à colina de Moré na troca da vigília noturna, o barulho repentino de jarros se quebrando e trombetas soando fez os inimigos se atacarem no escuro.Fontes: o próprio texto bíblico · Moreh (little Hermon) · East
  • Enquanto os midianitas fugiam em direção ao rio Jordão, a tribo de Efraim foi convocada para interceptar a retirada nas passagens das águas. Os efraimitas capturaram e executaram dois líderes midianitas, Orebe (que significa 'corvo') e Zeebe (que significa 'lobo').Fontes: o próprio texto bíblico · Oreb · Zeeb · Ephraim

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Midian · 28.495, 35.012 · versículos 1, 2, 7, 8, 12, 13, 14, 15, 23, 24, 25
  • Amalek · 30.648, 34.422 · versículo 12
  • East · Hoje: region around Amman · 31.955, 35.934 · versículo 12
  • Jordan · Hoje: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículos 24, 25

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.