Nations Bible

Ezequiel 20

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Israeri yokumukira

1Mugore rechinomwe, nomwedzi wechishanu pazuva regumi, vamwe vavakuru vavaIsraeri vakauya kuzobvunza Jehovha, vakagara pasi pamberi pangu.

2Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 3“Mwanakomana womunhu, taura kuvakuru veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mauya kuzondibvunza ini here? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, handisi kuzobvuma kuti mundibvunze imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’

4“Ungavatonga here? Ungavatonga here, iwe mwanakomana womunhu? Zvino chivazivisa mabasa anonyangadza amadzibaba avo, 5uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randakasarudza Israeri, ndakapika ndakasimudzira ruoko kuzvizvarwa zveimba yaJakobho ndikazviratidza kwavari muIjipiti. Ndakasimudza ruoko rwangu, ndikati kwavari, “Ndini Jehovha Mwari wenyu.” 6Pazuva iro ndakapika kwavari kuti ndichavabudisa kubva munyika yeIjipiti ndigovapinza munyika yandakavatsvakira, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose. 7Uye ndakati kwavari, “Mumwe nomumwe wenyu ngaarase zviumbwa zvenyu zvinonyangadza zvamakaringira kwazviri, uye murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”

8“ ‘Asi vakandimukira vakasada kunditeerera; havana kuda kurasa zvifananidzo zvavairingira kwazviri nameso avo, kana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo muIjipiti. 9Asi nokuda kwezita rangu, ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzamaigara pakati padzo uye avo vandakanga ndazviratidza pamberi pavo kuvaIsraeri nokuvabudisa kubva muIjipiti. 10Naizvozvo ndakavabudisa kubva muIjipiti ndikaenda navo kugwenga. 11Ndakavapa mitemo yangu ndikavazivisa mirayiro yangu, nokuti munhu achaiteerera achararama nayo. 12Uyezve ndakavapa maSabata angu sechiratidzo pakati pedu, kuti vagoziva kuti ini Jehovha ndini ndakavaita vatsvene.

13“ ‘Asi vanhu veIsraeri vakandimukira mugwenga. Havana kutevera mitemo yangu asi vakaramba mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakazvidza chose maSabata angu. Saka ndakati kwavari ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigovaparadza mugwenga. 14Asi nokuda kwezita rangu ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzandakavabudisa kubva madziri pamberi padzo. 15Uyezve ndakavapikira mugwenga noruoko rwakasimudzwa ndichiti handizovaisi munyika yandakavapa, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose, 16nokuti vakaramba mirayiro yangu uye havana kutevera mitemo yangu, vakasvibisa maSabata angu. Nokuti mwoyo yavo yakanga yakazvipira kuzvifananidzo zvavo. 17Kunyange zvakadaro hazvo, ndakavatarisa ndikavanzwira tsitsi ndikasavaparadza kana kuvapedza chose mugwenga. 18Ndakati kuvana vavo mugwenga, “Regai kutevera mitemo yamadzibaba enyu kana kuchengeta mirayiro yavo kana kuzvisvibisa nezvifananidzo zvavo. 19Ndini Jehovha Mwari wenyu; teverai mitemo yangu uye muchenjerere kuchengeta mirayiro yangu. 20Chengetai maSabata angu ave matsvene, kuti ave chiratidzo pakati pedu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.”

21“ ‘Asi vana vakandimukira: havana kutevera mitemo yangu, vakanga vasina kuchenjerera kuchengeta mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakasvibisa maSabata angu. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo uye ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo mugwenga. 22Asi ndakadzora ruoko rwangu, uye nokuda kwezita rangu ndakaita zvairichengetedza kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi dzandakavabudisa pamberi padzo. 23Uyezve, ndakasimudza ruoko, ndikapika mugwenga kuti ndichavaparadzira pakati pendudzi uye ndigovadzingira kune dzimwe nyika, 24nokuti vakanga vasina kuteerera mirayiro yangu asi vakanga varamba mitemo yangu uye vakasvibisa maSabata angu, uye meso avo akachiva zvifananidzo zvamadzibaba avo. 25Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka uye nemirayiro yavakanga vasingagoni kurarama nayo, 26ndakaita kuti vasvibiswe nezvipo zvavo, zvibayiro zvamatangwe ose, kuti ndivazadze nokutya kukuru kuti vagoziva kuti ndini Jehovha.’

27“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, taura kuvanhu veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muna izvozviwo madzibaba enyu akandimhura nokundisiya: 28Pandakavauyisa munyika yandakanga ndapika kuti ndichavapa uye vakaona chikomo chipi zvacho chakakwirira kana muti upi zvawo una mashizha, vakabayira zvibayiro zvavo ipapo, vakapa zvipiriso zvakanditsamwisa, vachipa zvinonhuhwira zvavo uye vakadurura zvipiriso zvavo zvinonwiwa ipapo. 29Ipapo ndakati kwavari: Ko, nzvimbo iyi yakakwirira yamunoenda kwairi ndeyei?’ ” (Zita rayo inonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.)

Kutongwa noKudzorerwa

30“Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muchazvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here nokuchiva zvifananidzo zvavo zvinonyangadza? 31Pamunopa zvipo zvenyu, zvibayiro zvavanakomana venyu mumoto, munoramba muchizvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira nhasi. Ini ndingatenda kubvunzwa nemi here imi imba yaIsraeri? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handizombokutenderei kuti mundibvunze.

32“ ‘Imi munoti, “Tinoda kufanana nendudzi, savanhu vedzimwe nyika, vanoshumira matanda namatombo.” Asi zviri mundangariro dzenyu hazvimboitiki. 33Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakutongai nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa. 34Ndichakudzosai kubva kundudzi ndigokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri, nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa. 35Ndichakuyisai kurenje rendudzi ndigokutongai ikoko takatarisana chiso nechiso. 36Sokutonga kwandakaita madzibaba enyu mugwenga renyika yeIjipiti, saizvozvo ndichakutongai imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 37Ndichakuverengai pamunopfuura napasi petsvimbo yangu, uye ndichakuisai muchisungo chesungano. 38Ndichakubvisa pakati penyu vaya vanondipandukira navaya vanondimukira. Kunyange hazvo ndichizovabudisa munyika yavagere, asi havangapindi munyika yeIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.

39“ ‘Asi kana murimi, iyemi imba yaIsraeri, zvanzi naIshe Jehovha: Endai mundoshumira zvifananidzo zvenyu, mumwe nomumwe wenyu! Asi shure kwaizvozvo zvirokwazvo muchanditeerera uye hamungazosvibisizve zita rangu dzvene nezvipo zvenyu nezvifananidzo zvenyu. 40Nokuti pagomo rangu dzvene, iro gomo refu raIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, munyika imomo imba yose yaIsraeri ichashumira ipapo, uye ndichavagamuchira ipapo. Ndipo pandichada zvipiriso zvenyu nezvipo zvenyu zvokuzvisarudzira pamwe chete nezvibayiro zvenyu zvitsvene. 41Ndichakugamuchirai somunhuwi unonhuhwira pandichakubudisai kubva kundudzi nokukuunganidzai muchibva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri uye ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene kwamuri pamberi pendudzi. 42Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakuisai munyika yeIsraeri, nyika yandakapikira kupa madzibaba enyu noruoko rwakasimudzwa. 43Mucharangarira mafambiro enyu ikoko nezviito zvose zvamakazvisvibisa nazvo uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvakaipa zvose zvamakaita. 44Muchaziva kuti ndini Jehovha, pandichakuitirai izvozvo nokuda kwezita rangu kwete nokuda kwenzira dzenyu dzakaipa nezvakaora zvamakaita imi imba yaIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Chiprofita pamusoro poRutivi rweZasi

45Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 46“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rwezasi; uparidze pamusoro porutivi rwezasi uye uprofite pamusoro pesango renyika yezasi. 47Uti kusango rezasi, ‘Inzwa shoko raJehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokukupisa nomoto, uye uchaparadza miti yako yose, zvose minyoro neyakaoma. Kuririma kwomurazvo hakungadzimwi, uye zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo. 48Mumwe nomumwe achaona kuti ini Jehovha ndini ndaubatidza; haungadzimwi.’ ”

49Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha! Vanoti pamusoro pangu, ‘Ko, haasi kungotaura mifananidzo here?’ ”

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

A história de rebelião de Israel e a floresta do Neguebe

  • Quando os anciãos de Israel procuraram Ezequiel para consultar a Deus, o profeta foi instruído a não lhes dar resposta direta, mas a expor gerações de idolatria que vinham desde os antepassados no Egito e por todo o deserto.Fontes: o próprio texto bíblico · Egypt
  • O capítulo destaca o culto contínuo de Israel em lugares altos não autorizados, chamados coletivamente de Bamá, onde sacrifícios e incenso eram oferecidos de forma ilícita sob árvores frondosas e no topo das colinas.Fontes: o próprio texto bíblico · Bamah
  • No final do capítulo, Ezequiel recebe a ordem de profetizar contra o sul, proclamando um fogo inextinguível contra a floresta do Neguebe, a região árida situada ao sul de Judá.Fontes: o próprio texto bíblico · Negeb

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículos 5, 6, 7, 8, 9, 10, 14, 22, 36
  • Negeb · 31.245, 34.841 · versículos 46, 47

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.