Ezequiel 14
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Vanonamata Zvifananidzo Vanotongwa
1Vamwe vavakuru veIsraeri vakauya kwandiri vakagara pasi pamberi pangu. 2Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 3“Mwanakomana womunhu, ava vanhu vakaisa zvifananidzo mumwoyo yavo vakaisa zvigumbuso zvakaipa pamberi pavo. Ndingavatendera kuti vatombondibvunza here? 4Naizvozvo taura navo ugovaudza kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muIsraeri upi zvake akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita, ini Jehovha ndichamupindura pachangu zvinoenderana nokunamata kwake zvifananidzo zvake zvikuru. 5Ndichaita izvi kuti ndibatezve mwoyo yavanhu veIsraeri, ivo vakandisiya vose kuti vatevere zvifananidzo zvavo.’
6“Naizvozvo uti kuimba yeIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Tendeukai! Dzokai mufuratire zvifananidzo zvenyu musiye mabasa enyu ose anonyangadza!
7“ ‘Kana muIsraeri upi zvake, kana mutorwa agere muIsraeri, akazvitsaura kubva pandiri akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita kunobvunza nezvangu, ini Jehovha ndichamupindura pachangu. 8Ndicharinzira chiso changu pamusoro pomunhu uyo kuti ndimurwise uye ndichamuita muenzaniso netsumo. Ndichamubvisa pakati pavanhu vangu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
9“ ‘Uye kana muprofita akanyengerwa kuti ataure chiprofita, ini Jehovha ndini ndamunyengera, uye ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pake ndigomuparadza pakati pavanhu veIsraeri. 10Vachatakura mhosva yavo ivo, muprofita achava nemhosva zvakangoenzana naiye auya kuzomubvunza. 11Ipapo vanhu veIsraeri havangazotsaukizve vachibva kwandiri kana kuzvisvibisazve nezvivi zvavo zvose. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Kutongwa Kusingapunyukwi
12Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 13“Mwanakomana womunhu, kana nyika ikanditadzira nokusatendeka kwayo uye ini ndikatambanudza ruoko rwangu pamusoro payo kuti ndiparadze kugoverwa kwayo zvokudya nokutumira nzara pamusoro payo nokuuraya vanhu vayo nezvipfuwo zvayo, 14kunyange dai varume vatatu ava, Noa, Dhanieri naJobho, vaiva mairi vaingogona kuzviponesa ivo pachavo nokuda kwokururama kwavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15“Kana dai ndikatumira zvikara munyika imomo, izvo zvikaisiya isina kana mwana uye ikazoparadzwa zvokuti pashayikwe anopfuura nomo nokuda kwezvikara, 16zvirokwazvo, noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai varume vatatu ava vaivamo, havaizogona kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo. Ivo chete ndivo vaingopona, asi nyika yaizoparadzwa.
17“Kana dai ndaiuyisa munondo kuzorwisa nyika iyo ndikati, ‘Munondo ngaupfuure nomunyika yose,’ uye ndikauraya vanhu vayo nezvipfuwo zvavo, 18zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai varume ava vatatu vaivamo, havaizogona kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo. Ivo voga ndivo vaizoponeswa.
19“Kana dai ndikatuma denda munyika ndikadurura hasha dzangu pamusoro payo nokuteura ropa, ndichauraya vanhu vayo nezvipfuwo zvavo, 20zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai Noa, naDhanieri naJobho vaivamo, havaigona kuponesa mwanakomana kana mwanasikana. Vaingozviponesa ivo chete nokuda kwokururama kwavo.
21“Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Zvichaipisisa sei kana ndikatuma pamusoro peJerusarema zvinotyisa zvina zvandakatonga, zvinoti munondo, nzara, zvikara nedenda, kuzouraya vanhu varo nezvipfuwo zvaro! 22Kunyange zvakadaro hazvo pachava navanosara, vanakomana navanasikana vachabudiswa mairi. Vachauya kwamuri, uye pamunoona tsika dzavo namabasa avo, muchanyaradzwa pamusoro penjodzi yandakauyisa pamusoro peJerusarema, njodzi dzose dzandakauyisa pairi. 23Muchanyaradzwa pamunoona tsika dzavo namabasa avo, nokuti muchaziva kuti hapana chandakaita mariri pasina chikonzero, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Você sabia?
Idolatria no Coração e Responsabilidade Pessoal
- Quando os anciãos de Israel procuraram Ezequiel para consultar o Senhor, o profeta foi informado de que eles haviam levantado ídolos em seus corações. O texto estabelece que tanto o consulente hipócrita quanto o profeta seduzido compartilham a mesma culpa, convocando a casa de Israel a um arrependimento interior genuíno.Fontes: o próprio texto bíblico
- Ezequiel destaca Noé, Daniel e Jó como figuras exemplares de justiça e integridade. Diante do julgamento divino sobre uma terra infiel, a passagem enfatiza a responsabilidade individual: nem mesmo a retidão desses três homens ilustres poderia salvar seus próprios filhos ou filhas, mas apenas a si mesmos.Fontes: o próprio texto bíblico · Job · Noah · Daniel
- O capítulo descreve quatro juízos severos advertidos contra uma terra infiel: fome, feras selvagens, espada e peste. Quando essas calamidades atingissem Jerusalém, a conduta dos sobreviventes levados ao exílio demonstraria publicamente que a punição da cidade não ocorreu sem causa.Fontes: o próprio texto bíblico · Jerusalem
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org