Ezequiel 11
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Kutongwa kwaVatungamiri veIsraeri
1Ipapo Mweya wakandisimudza ukaenda neni pasuo reimba yaJehovha rakatarira kumabvazuva. Pamukova wesuo ipapo, pakanga pane varume makumi maviri navashanu, uye ndakaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri naPeratia mwanakomana waBhenaya, vatungamiri vavanhu. 2Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanorangana zvakaipa nokupa mano akaipa muguta rino. 3Vanoti, ‘Ko, nguva haisati yasvika here yokuvaka dzimba? Guta rino ihari yokubikira, uye isu tisu nyama.’ 4Naizvozvo profita pamusoro pavo; profita, mwanakomana womunhu.”
5Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pangu, iye akanditaurira kuti nditi: “Zvanzi naJehovha: Ndizvo zvamunotaura, imi imba yaIsraeri, asi ndinoziva zvamunofunga mundangariro dzenyu. 6Makauraya vanhu vazhinji muguta rino uye mukazadza nzira dzaro nevakafa.
7“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Zvitunha zvamakandamo ndiyo nyama uye guta rino ndiyo hari, asi ini ndichakubudisai mariri. 8Munotya munondo, zvino munondo ndiwo wandichauyisa kuzokurwisai, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 9Ndichakubudisai kunze kweguta ndigokuisai mumaoko avatorwa uye ndichakurangai. 10Muchaurayiwa nomunondo, uye ini ndichakutongai pamiganhu yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. 11Guta rino haringavi hari kwamuri, nemi hamungavi nyama mariri; ndichakutongai ini pamiganhu yeIsraeri. 12Uye muchaziva kuti ndini Jehovha, nokuti hamuna kutevera mitemo yangu kana kuchengeta mirayiro yangu asi makafamba netsika dzendudzi dzakakupoteredzai.”
13Zvino ndakati ndichiprofita, Peratia mwanakomana waBhenaya akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso ndikachema zvikuru ndichiti, “Haiwa Ishe Jehovha! Ko, muchaparadza chose vakasara vaIsraeri here?”
14Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, 15“Mwanakomana womunhu, hama dzako, hama dzako dzeropa neimba yose yaIsraeri, ndivo vainzi navanhu veJerusarema, ‘Vari kure kwazvo naJehovha; nyika ino takaipiwa kuti ive yedu.’
Kudzoswa kwaIsraeri kunovimbiswa
16“Naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kunyange ndakavaendesa kure pakati pendudzi uye ndikavaparadzira pakati penyika, asi kwechinguva chiduku ndakanga ndiri nzvimbo yavo tsvene munyika dzavakaenda.’
17“Naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuunganidzai kubva kundudzi ndigokudzosai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa uye ndichakupaizve nyika yaIsraeri.’
18“Vachadzokera kwairi vagobvisa zvifananidzo zvayo zvose zvakaipisisa nezvifananidzo zvinonyangadza. 19Ndichavapa mwoyo mumwe uye ndichaisa mweya mutsva mukati mavo; ndichabvisa mwoyo webwe mukati mavo ndigovapa mwoyo wenyama. 20Ipapo vachatevera mitemo yangu uye vachachenjerera kuchengeta mirayiro yangu. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo. 21Asi kana vari vaya vane mwoyo inotevera zvakaumbwa zvavo zvakaipisisa nezvifananidzo zvinonyangadza, ndichaburutsa pamisoro yavo chaiyo zvavakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
22Ipapo makerubhi namavhiri parutivi pawo akatambanudza mapapiro awo, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo. 23Kubwinya kwaJehovha kwakakwira kuchibva mukati meguta kukandomira pamusoro pegomo nechokumabvazuva kwaro. 24Mweya wakandisimudza ukaenda neni kuna vakatapwa vari muBhabhironi muchiratidzo chakapiwa noMweya waMwari.
Ipapo chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa kubva pandiri, 25uye ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha.

Você sabia?
Julgamento de Jerusalém e esperança para os exilados
- Na porta oriental do templo em Jerusalém, Ezequiel viu vinte e cinco líderes, incluindo Jazanias, filho de Azur, e Pelatias, filho de Benaia, dando maus conselhos e alegando que a cidade os protegeria como uma panela. Enquanto Ezequiel profetizava a mensagem de julgamento, Pelatias morreu repentinamente, levando o profeta a clamar com angústia pelo restante de Israel.Fontes: o próprio texto bíblico · Pelatiah · Jaazaniah · Azur
- Enquanto os habitantes que permaneceram em Jerusalém afirmavam que a comunidade no exílio havia sido rejeitada e estava longe do SENHOR, Deus declarou que seria um santuário para os exilados entre as nações. Ele prometeu reuni-los, retirar o coração de pedra e dar-lhes um coração de carne obediente aos seus preceitos.Fontes: o próprio texto bíblico
- Ezequiel observou os querubins estenderem suas asas enquanto a glória do SENHOR se afastava do meio de Jerusalém e pairava sobre o monte a leste da cidade. A visão terminou quando o Espírito transportou o profeta de volta aos exilados na Caldeia, onde ele relatou tudo o que havia visto.Fontes: o próprio texto bíblico · Chaldea · Jerusalem
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
- East Gate · Hoje: in Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 1
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 9, 15, 24
- Chaldea · 30.962, 46.104 · versículo 24
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org