Nations Bible

Deuteronômio 9

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Kwete nokuda kwokururama kwaIsraeri

1Inzwa, iwe Israeri. Wava kuda kuyambuka Jorodhani zvino kuti upinde ugotorera ndudzi dzakakura uye dzakasimba kukupfuura, dzina maguta makuru ane masvingo akareba kwazvo. 2Vanhu vacho vakasimba uye varefu vaAnaki! Unoziva nezvavo uye wakanzwa zvichinzi, “Ndiani angamira kuti arwise vaAnaki?” 3Asi nhasi uzive kuti Jehovha Mwari wako ndiye achayambuka ari pamberi pako somoto unoparadza. Achavaparadza; achavakunda pamberi pako. Uye uchavadzinga ugovaparadza nokukurumidza sezvawakavimbiswa naJehovha.

4Shure kwokunge Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumwoyo mako uchiti, “Jehovha akandiuyisa muno kuti nditore nyika ino nokuda kwokururama kwangu.” Kwete, Jehovha achadzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwadzo. 5Haupindi munyika yavo kuti ive yako nokuda kwokururama kwako kana kururama kwomwoyo wako; asi Jehovha Mwari wako achadzinga ndudzi idzi pamberi pako, nokuda kwokuipa kwadzo, kuti azadzise zvaakapika kumadzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho. 6Naizvozvo nzwisisa kuti Jehovha Mwari wako haakupi nyika iyi yakanaka kuti ive yako nokuda kwokururama kwako, nokuti uri rudzi rune mutsipa mukukutu.

Chimhuru cheGoridhe

7Rangarirai izvi uye musakanganwa kuti makatsamwisa Jehovha Mwari wenyu sei murenje. Kubva nezuva ramakabuda muIjipiti kusvikira muchisvika pano, makaramba muchimukira Jehovha. 8PaHorebhi makamutsa hasha dzaJehovha zvokuti akatsamwa zvokuda kukuparadzai. 9Pandakakwira pagomo kundogamuchira mahwendefa amabwe, iwo mahwendefa esungano iyo yakanga yaitwa naJehovha nemi, ndakagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya kana kunwa mvura. 10Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari. Paari pakanga pakanyorwa mirayiro yose yakanga yataurwa kwamuri naJehovha pagomo ari mukati memoto, nezuva reungano.

11Pakupera kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, iwo mahwendefa esungano. 12Ipapo Jehovha akandiudza kuti, “Buruka ubve pano iye zvino, nokuti vanhu vako vawakabudisa kubva muIjipiti vaita zvakaipa. Vatsauka nokukurumidza kubva pane zvandakavarayira uye vazviitira chifananidzo chakaumbwa.”

13Uye Jehovha akati kwandiri, “Ndaona rudzi urwu, uye rudzi rune mutsipa mukukutu kwazvo! 14Rega ndivaparadze ndigodzima zita ravo pasi pedenga. Uye ndichakuita rudzi rwakasimba rwakawanda kupfuura zvavari.”

15Saka ndakadzoka ndikaburuka kubva pagomo richiri kupfuta nomoto. Uye ndakanga ndine mahwendefa maviri esungano mumaoko angu. 16Pandakatarira, ndakaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira chifananidzo chakaumbwa mumufananidzo wemhuru. Makanga matsauka nokukurumidza kubva panzira yamakanga marayirwa naJehovha. 17Saka ndakatora mahwendefa maviri ndikaakanda pasi kubva mumaoko angu, akaputsika kuita zvimedu zvimedu muchizviona.

18Ipapo zvakare ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; handina kudya zvokudya kana kunwa mvura, nokuda kwechivi chose chamakanga maita, muchiita zvakanga zvakaipa pamberi paJehovha nokudaro mukamutsa hasha dzake. 19Ndakatya hasha nokutsamwa kwaJehovha, nokuti akanga atsamwa zvokuti angakuparadzai. Asi Jehovha akandinzwa. 20Uye Jehovha akatsamwira Aroni zvokuti akada kumuparadza, asi panguva iyoyo ndakanyengetererawo Aroni. 21Uyezve ndakatora chitadzo chenyu, chimhuru chamakanga magadzira, ndikachipisa mumoto. Mushure maizvozvo ndakachiparadza ndikachikuya kusvikira chakuyika seguruva uye ndikakanda guruva racho murukova rwaiyerera kubva mugomo.

22Makatsamwisazve Jehovha paTabhera, napaMasa uye napaKibhuroti Hataavha.

23Zvino nenguva iyo makatumwa naJehovha kubva paKadheshi Bharinea, iye akati, “Endai mundotora nyika iyo yandakakupai.” Asi imi makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu. Hamuna kuvimba naye kana kumuteerera. 24Makagara muchimukira Jehovha kubvira pazuva randakatanga kukuzivai.

25Ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva iwayo ane makumi mana nousiku huna makumi mana nokuda kwokuti Jehovha akanga ati aizokuparadzai. 26Ndakanyengetera kuna Jehovha ndikati, “Nhai imi Ishe Jehovha, musaparadza vanhu venyu, nhaka yenyu yamakadzikinura nesimba renyu guru mukavabudisa kubva kuIjipiti noruoko rune simba. 27Rangarirai varanda venyu Abhurahama, Isaka naJakobho. Musatarira kusindimara kworudzi urwu, uipi hwavo nechivi chavo. 28Nokuti nyika yamakatibudisa kubva mairi ingazoti, ‘Jehovha akavabudisa akavaurayira murenje, nokuti akanga asingagoni kuvapinza munyika yaakanga avapikira, uye nokuti akanga achivavenga.’ 29Asi ava vanhu venyu, nhaka yenyu yamakabudisa nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa.”

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

Não pela justiça de Israel

  • Moisés adverte Israel de que a posse de Canaã não foi conquistada por sua própria retidão moral, chamando o povo expressamente de obstinado ou de dura cerviz. Em vez disso, a conquista é atribuída à corrupção das nações locais e à fidelidade divina à aliança jurada a Abraão, Isaque e Jacó.Fontes: o próprio texto bíblico · Abraham · Isaac · Jacob (Israel)
  • O texto menciona os anaquins, descendentes de Anaque famosos por sua alta estatura e força, que habitavam cidades fortemente fortificadas em Canaã. Sua reputação anteriormente havia intimidado os israelitas a tentar entrar na terra.Fontes: o próprio texto bíblico · Anak
  • Para enfatizar o histórico de rebeldia de Israel, Moisés relembra o bezerro de ouro em Horebe, onde despedaçou as duas tábuas de pedra e intercedeu pelo povo e por Arão. Ele também destaca crises repetidas durante a marcha pelo deserto, incluindo incidentes em Taberá, Massá e Quibrote-Hataavá.Fontes: o próprio texto bíblico · Horeb · Aaron · Taberah

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Jordan · Hoje: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículo 1
  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículos 7, 12, 26, 29
  • Mount Horeb · Hoje: Jebel Musa · 28.540, 33.973 · versículo 8

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.