Deuteronômio 3
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Kukundwa kwaOgi mambo weBhashani
1Mushure maizvozvo takadzoka tikakwidza nenzira inoenda kuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose vakauya kuzorwa nesu paEdhirei. 2Jehovha akati kwandiri, “Usatya nokuda kwake, nokuti ndakamuisa kwauri uye nenyika yake. Muitire sezvamakaita kuna Sihani mambo wavaAmoni, akanga achitonga muHeshibhoni.”
3Naizvozvo Jehovha Mwari wedu akaisawo Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose mumaoko edu. Takavaparadza tikasasiya kana mumwe chete mupenyu. 4Panguva iyoyo takatora maguta ake ose. Hapana kana guta rimwe chete ratisina kuvatorera pamaguta makumi matanhatu, nyika yose yeArigobhu, noushe hwaOgi muBhashani. 5Maguta ose iwaya akanga akapoteredzwa namasvingo marefu namasuo namazariro, uye kwakanga kunewo misha mizhinji kwazvo yakanga isina kukomberedzwa namasvingo. 6Takaaparadza zvachose, sezvatakaitira Sihoni mambo weHeshibhoni, takaparadza guta rimwe nerimwe, varume, navakadzi uye navana. 7Asi zvipfuwo zvose nezvatakapamba kubva mumaguta avo takazvitora zvikava zvedu.
8Saka nenguva iyoyo takatorera madzimambo maviri aya avaAmoni nyika yokumabvazuva kweJorodhani, kubva paMupata weArinoni kusvikira kuGomo reHerimoni. 9(Herimoni rinonzi Sirioni navaSidhoni; vaAmori vanoriti Seniri). 10Takatora maguta ose enzvimbo yakakwirira neGireadhi yose, uye neBhashani yose kusvikira paSareka neEdhirei, maguta oushe hwaOgi muBhashani. 11(Ogi mambo weBhashani ndiye chete akasara pane vakasara vevaRefaiti. Mubhedha wake wakanga wakagadzirwa nesimbi uye wakanga wakareba makubhiti mapfumbamwe uye makubhiti mana paupamhi. Uchiriko muRabha ravaAmoni.)
Kugoverwa kweNyika
12Panyika yatakatora panguva iyoyo, ndakapa vaRubheni navaGadhi nyika yokumusoro kweAroeri Mupata weArimoni, kusanganisira nehafu yenyika yamakomo yeGireadhi, pamwe chete namaguta ayo. 13Imwe nyika yose yeGireadhi uyewo neBhashani yose, muumambo hwaOgi ndakapa kuhafu yorudzi rwaManase. (Nyika yose yeArigobhu muBhashani yaimbozivikanwa senyika yavaRefaimu. 14Jairi mwana waManase, akatora nyika yose yeArigobhu, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri navaMaakati, akaitumidza zita rake zvokuti nanhasi Bhashani inonzi Havhoti Jairi.) 15Uye ndakapa Gireadhi kuna Makiri. 16Asi vaRubheni navaGadhi ndakavapa nyika inobva paGireadhi zvichidzika kusvikira paMupata weArinoni (pakati pemupata uriwo muganhu) uye kubuda kusvikira kuRwizi Jabhoki, unova ndiwo muganhu wavaAmoni. 17Muganhu wayo wokumavirira waiva Jorodhani muArabha, kubva Kinereti kusvika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), mujinga mamawere ePisiga.
18Panguva iyo ndakakurayirai, ndikati, “Jehovha Mwari wenyu akakupai nyika iyi kuti ive yenyu. Asi varume vose vakasimba vanofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu vaIsraeri, vakashonga nhumbi dzokurwa. 19Asi, vakadzi venyu navana venyu uye nezvipfuwo zvenyu (ndinoziva kuti mune zvipfuwo zvakawanda) zvinosara mumaguta andakakupai, 20kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo sezvaakarayira kwamuri, uye naivowo vatora nyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani. Shure kwaizvozvo mumwe nomumwe wenyu achadzoka kunhaka yandakakupai.”
Mozisi anorambidzwa kuyambuka Jorodhani
21Panguva iyo ndakarayira Joshua, ndikati, “Wakaona nameso ako zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wako kumadzimambo maviri aya. Jehovha achaita zvimwe chetezvo kuushe hwose mhiri uko kwamunoenda. 22Usavatya; Jehovha Mwari wako pachake achakurwira.”
23Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha panguva iyo, ndikati, 24“Imi Ishe Jehovha, makatanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu noruoko rwenyu rune simba. Nokuti ndoupiko Mwari kudenga kana panyika angaita zvakafanana namabasa enyu uye namabasa makuru amunoita? 25Nditenderei henyu kuti ndiyambuke ndinoona nyika yakanaka iri mhiri kwaJorodhani, iyo nyika yamakomo yakanaka neRebhanoni.”
26Asi nokuda kwenyu, Jehovha akanditsamwira akasandinzwa Jehovha akati kwandiri, “Zvaringana. Usataurazve kwandiri pamusoro peshoko iri. 27Kwira pamusoro pegomo rePisiga ugotarisa kumadokero nokumusoro nezasi nokumabvazuva, uone nyika yacho nameso ako, sezvo usingazoyambuki Jorodhani urwu. 28Asi rayira Joshua, ugomukurudzira nokumusimbisa nokuti achatungamirira vanhu ava pakuyambuka uye achaita kuti vagare nhaka yenyika yauchaona.” 29Saka takagara mumupata uri pedyo neBheti Peori.

Você sabia?
Vitória em Basã e a sucessão de Josué
- Ogue, o rei de Basã derrotado pelos israelitas em Edrei, é descrito como o último remanescente dos refains. Deuteronômio relata que seu leito de ferro ou sarcófago, medindo nove côvados de comprimento por quatro de largura, foi preservado em Rabá dos amonitas.Fontes: Og · o próprio texto bíblico
- A região de Argobe, em Basã, era notável por suas sessenta cidades fortificadas com muros altos e portas com ferrolhos. Após a vitória de Israel, esse território rochoso foi entregue à meia tribo de Manassés e conquistado por Jair, um de seus descendentes.Fontes: Argob · o próprio texto bíblico
- Embora Moisés tenha recebido permissão para contemplar a Terra Prometida em todas as direções do cume do Pisga, ele foi proibido de atravessar o Jordão. Moisés foi instruído a comissionar e encorajar Josué, que conduziria o povo para herdar a terra.Fontes: Joshua · o próprio texto bíblico
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
- Bashan · 32.781, 35.935 · versículos 1, 3, 4, 6, 10, 11, 13, 14
- Argob · 32.969, 36.455 · versículos 4, 13, 14
- Jordan · Hoje: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículos 8, 17, 18, 20, 21, 25, 27, 28
- Mount Hermon · 33.400, 35.850 · versículos 8, 9
- Valley of the Arnon · Hoje: Wadi Mujib · 31.466, 35.573 · versículos 8, 12, 16
- Senir · Hoje: Mount Hermon · 33.400, 35.850 · versículo 9
- Gilead · Hoje: Gilead 1 · 32.187, 35.692 · versículos 10, 12, 13, 15, 16
- Ammon · 31.955, 35.934 · versículos 11, 16
- Rabbah · Hoje: Amman · 31.955, 35.934 · versículo 11
- Havvoth-jair · 32.588, 35.726 · versículo 14
- Jabbok · Hoje: Zarqa River · 32.115, 35.543 · versículo 16
- Arabah · 30.417, 35.151 · versículo 17
- Salt Sea · Hoje: Dead Sea · 31.500, 35.500 · versículo 17
- Lebanon · 33.540, 35.584 · versículo 25
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org