Deuteronômio 20
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Kuenda kundorwa
1Kana muchienda kundorwa navavengi venyu uye mukaona mabhiza nengoro nehondo huru kupfuura yenyu, musavatya, nokuti Jehovha Mwari, uyo akakubudisai kubva muIjipiti, achava nemi. 2Kana muchinge mava kuda kurwa, muprista anofanira kuuya kuzotaura kuvarwi. 3Achati, “Inzwai, imi Israeri, nhasi muri kuenda kundorwa navavengi venyu. Mwoyo yenyu ngairege kupera simba kana kutya; regai kutyiswa kana kuvhundutswa pamberi pavo. 4Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anoenda nemi kundokurwirai kuvavengi venyu kuti akukundisei.”
5Vakuru vachatiwo kuvarwi, “Pane akavaka imba yake itsva here asati aikumikidza? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazoikumikidza. 6Pane akarima munda womuzambiringa here uye asati atanga kudya michero yawo? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazodya michero yawo. 7Pane akatsidzirana nomusikana here uye asati amuwana? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazomuwana.” 8Ipapo vakuru vachati zvakare, “Pane anotya here kana ane mwoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake kuitira kuti hama dzake dzisazorwadziwawo mwoyo saiye.” 9Kana vakuru vachinge vapedza kutaura kuvarwi, vanofanira kugadza vatungamiri vehondo.
10Pamunofamba muchinorwisa guta, munofanira kuriparidzira rugare. 11Kana varugamuchira vakazarura masuo avo, vanhu vose vomo vanofanira kumanikidzwa kushanda uye vanofanira kukushandirai. 12Kana vakaramba rugare uye vakarwa nemi, munofanira kukomba guta iroro. 13Kana Jehovha Mwari wenyu achinge ariisa mumaoko enyu, muuraye varume vose vari mariri. 14Asi kana vari vakadzi, navana nezvipfuwo uye nezvimwe zvose zviri muguta, munogona kuzvitora sezvakapambwa. Uye mungashandisa zvenyu zvakapambwa izvi zvamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kubva kuvavengi venyu. 15Izvi ndizvo zvamunofanira kuita kumaguta ose ari chinhambwe kubva kwamuri uye asiri maguta endudzi dziri pedyo.
16Asi, mumaguta endudzi amuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, musasiya chinhu chipi zvacho chipenyu. 17Vaparadzei zvachose, ivo vaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi, sezvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu. 18Nokuti vangazokudzidzisai tsika dzavo dzinonyangadza dzavanoita vachinamata vamwari wavo, mugotadzira Jehovha Mwari wenyu.
19Kana mukakomba guta kwenguva refu, muchirirwisa kuti muripambe, musaparadza miti yaro nokuitema nokuti munogona kudya michero yayo. Musaitema. Ko, miti yomusango vanhu here, zvokuti mungaikomba? 20Zvisinei, mungatema zvenyu miti yamunoziva kuti haisi miti yemichero mugoshandisa pakukomba kusvikira makunda guta ramuri kurwa naro.

Você sabia?
Leis sobre a Guerra
- Antes de entrar em combate, os oficiais israelitas anunciavam isenções específicas do serviço militar, dispensando homens que tivessem construído uma casa ainda não dedicada, plantado uma vinha ainda não colhida, ficado noivos ou sentissem medo.Fontes: o próprio texto bíblico
- A lei estabelecia políticas de guerra diferentes para cidades distantes em comparação com as cidades da Terra Prometida; às cidades distantes ofereciam-se primeiro termos de paz, enquanto os habitantes das nações locais deviam ser totalmente destruídos para evitar a idolatria.Fontes: o próprio texto bíblico
- Durante longos cercos, as forças israelitas eram proibidas de cortar árvores frutíferas para construir estruturas de cerco, limitando o corte de madeira apenas a árvores que sabiam não produzir alimento.Fontes: o próprio texto bíblico
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
- Egypt · 30.129, 31.308 · versículo 1
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org