Nations Bible

Daniel 2

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Kurota kwaNebhukadhinezari

1Mugore rechipiri rokutonga kwake, Nebhukadhinezari akarota hope; pfungwa dzake dzikashushikana uye akashaya hope. 2Saka mambo akarayira nʼanga, navanofarira mazango, navaroyi, navafemberi vezvenyeredzi kuti vamuudze zvaakanga arota. Vakati vapinda vakamira pamberi pamambo, 3iye akati kwavari, “Ndakarota hope dzinonditambudza zvino ndinoda kuziva zvadzinoreva.”

4Ipapo vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo norurimi rwavaAramu vachiti, “Haiwa mambo, raramai nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigodudzira.”

5Mambo akapindura vachenjeri vezvenyeredzi achiti, “Izvi ndizvo zvandafunga chaizvoizvo: Kana imi mukasandiudza kuti kurota kwangu kwaiva kupi uye mukadudzira, ndichaita kuti mugurwe-gurwe uye dzimba dzenyu dziitwe mirwi yamarara. 6Asi kana mukandiudza zvandakarota mukazvidudzira, muchagamuchira zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru zvinobva kwandiri. Saka ndiudzei chiroto mugochidudzira kwandiri.”

7Ivo vakapindurazve vachiti, “Mambo ngaaudze varanda vake chiroto, uye isu tichachidudzira.”

8Ipapo mambo akapindura akati, “Ndinoziva kwazvo kuti imi munongoda kuwedzera nguva, nokuti munoziva kuti izvi ndizvo zvandatema: 9Kana musingandiudzi zvandarota, panongova nechirango chimwe chete. Imi makarangana kundiudza zvinhu zvinonyengera uye zvakaipa, muchifunga kuti zvinhu zvichashanduka. Saka zvino, ndiudzei zvandakarota, ndigoziva kuti muchagona kundidudzira chiroto.”

10Vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo vachiti, “Hakuna munhu panyika angagona kuita zvinodiwa namambo! Hakuna mambo, kunyange mukuru kana ane simba, akambotsvaka chinhu chakadai kunʼanga ipi zvayo kana vaya vanoita zvamazango kana vachenjeri vezvenyeredzi. 11Zvinhu zvinodikanwa namambo zvakaoma kwazvo. Hakuna munhu angazvizivisa kuna mambo izvozvo kunze kwavamwari, uye vasingagari pakati pavanhu.”

12Izvi zvakaita kuti mambo ashatirwe zvikuru uye akava nehasha zvokuti akarayira kuti vakachenjera vose veBhabhironi vaurayiwe. 13Saka chirevo chakapiwa kuti vachenjeri vaurayiwe, uye varume vakatumwa kundotsvaka Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurayiwewo.

14Arioki, mukuru wavarindi vamambo, akati abudisa kundouraya vachenjeri veBhabhironi, Dhanieri akataura kwaari nouchenjeri uye nokungwara. 15Akabvunza muchinda wamambo achiti, “Seiko mambo akatema chirevo chakadai?” Arioki akatsanangurira Dhanieri nyaya yacho. 16Nokudaro, Dhanieri akapinda kuna mambo akandokumbira nguva kwaari, kuitira kuti agomududzira chiroto chiya.

17Ipapo Dhanieri akadzokera kumba kwake akandotsanangurira nyaya yacho kushamwari dzake vanaHanania, Mishaeri naAzaria. 18Akavakurudzira kuti vakumbire nyasha kubva kuna Mwari wokudenga pamusoro pechakavanzika ichi, kuitira kuti iye neshamwari dzake varege kuurayiwa pamwe chete navakachenjera veBhabhironi. 19Chakavanzika ichi chakazoratidzwa kuna Dhanieri usiku muchiratidzo. Ipapo Dhanieri akarumbidza Mwari wokudenga 20akati:

“Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperi-peri;

uchenjeri nesimba ndezvake.

21Anoshandura nguva nemwaka;

ndiye anogadza madzimambo uye ndiye anoabvisa.

Anopa uchenjeri kuna vakachenjera

nezivo kuna vanonzvera.

22Anozarura zvakadzika nezvakavanzika;

anoziva zviri murima,

uye chiedza chinogara maari.

23Ndinokuvongai uye ndinokurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu:

Makandipa uchenjeri nesimba,

makandizivisa zvatakakumbira kwamuri,

makazivisa kwatiri kurota kwamambo.”

Dhanieri anodudzira Chiroto

24Ipapo Dhanieri akaenda kuna Arioki, uya akanga agadzwa namambo kuti auraye varume vakachenjera veBhabhironi, akati kwaari, “Musauraya vachenjeri veBhabhironi. Ndiendesei kuna mambo, ndinomududzira zvaakarota.”

25Arioki akaenda naDhanieri kuna mambo nokukurumidza uye akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavakatapwa vokwaJudha anogona kuudza mambo zvinoreva chiroto chavo.”

26Mambo akabvunza Dhanieri (iye ainziwo Bheriteshazari), “Iwe unogona here kundiudza zvandakaona pakurota uye ugozvidudzira?”

27Dhanieri akapindura akati, “Hakuna munhu akachenjera, kana wamazango, kana nʼanga kana mufemberi angagona kurondedzera kuna mambo chakavanzika chaanobvunza pamusoro pacho 28asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi:

29“Pamakanga muvete ipapo, imi mambo, pfungwa dzenyu dzakaenda kuzvinhu zvichauya, uye muzivisi wezvakavanzika akakuratidzai zvichaitika. 30Asi ini chakavanzika ichi chakaziviswa kwandiri, kwete nokuda kwokuti ndine njere huru kupfuura vamwe vanhu vanorarama asi kuti imi mambo, mugoziva dudziro uye kuti mugonzwisisa zvakapinda mundangariro dzenyu.

31“Imi mambo, makatarira, uye ipapo pamberi penyu pakanga pamire chifananidzo, chakakura kwazvo, chaibwinya, chaityisa pakuonekwa kwacho. 32Musoro wechifananidzo ichi wakanga wakaitwa negoridhe rakanatswa, chipfuva chacho namaoko zvakanga zviri zvesirivha; dumbu racho nezvidyiro zvaiva zvendarira, 33makumbo acho akanga ari esimbi, tsoka dzacho dzaiti pamwe simbi pamwe ivhu. 34Muchakatarisa, makaona ibwe richivezwa, asi kwete namaoko omunhu. Rakarova chifananidzo patsoka dzacho dzesimbi nevhu ndokuzvipwanya. 35Ipapo simbi, ivhu, ndarira, sirivha, negoridhe zvakaputsanyiwa nenguva imwe cheteyo zvikaita sehundi iri paburiro panguva yechirimo. Mhepo yakazvikukura pakasava nechinhu chakasara. Asi ibwe riya rakarova chifananidzo rakazova gomo guru rikazadza nyika yose.

36“Uku ndiko kwaiva kurota kwenyu, uye zvino tichakududzira kwamuri mambo. 37Imi mambo, muri mambo wamadzimambo. Mwari wokudenga akakupai ushe nesimba noukuru nokubwinya, 38akaisa marudzi avanhu mumaoko enyu nezvikara zvenyika neshiri dzedenga. Akakuitai mutongi pamusoro pazvo, pose pazvinogara. Ndimi musoro uya wegoridhe.

39“Shure kwenyu, humwe umambo huchamuka, hudiki kuno hwenyu. Umambo hwechitatu huchatevera, umambo hwendarira, huchatonga pamusoro penyika yose. 40Pakupedzisira kuchava noushe hwechina, hwakasimba sesimbi, nokuti simbi inopwanya uye inoputsanya zvinhu zvose, uye sokuputsanya kunoita simbi zvinhu, saizvozvo huchapwanya uye hugoputsanya humwe hwose. 41Sezvamakaona kuti tsoka nezvigunwe zvakanga zvakavhenganiswa ivhu nesimbi, saizvozvo umambo uhu huchava hwakaganhurwa, asi huchava nerimwe simba resimbi mahuri, sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu. 42Sezvo zvigunwe zvakanga zvakati pamwe simbi pamwe ivhu, saizvozvo umambo uhu huchava hwakasimba kuno rumwe rutivi uye husina kusimba kuno rumwe rutivi. 43Uye sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu, saizvozvo vanhu vachavhengana uye havangarambi vakabatana, sezvinoita ivhu nesimbi zvakavhengana.

44“Mumazuva amadzimambo ayo, Mwari wokudenga achagadza ushe husingazoparadzwi, uye hahungazombosiyirwi vamwe vanhu. Huchapwanya ushe hwose hugohugumisa, asi ihwo huchagara nokusingaperi. 45Izvi ndizvo zvinoreva chiratidzo chedombo rakavezwa pagomo, asi kwete namaoko omunhu, dombo rakaputsa simbi, ndarira, ivhu, sirivha negoridhe zvikati mwarara.

“Mwari mukuru akaratidza mambo zvichaitika pamazuva anouya. Kurota uku ndokwechokwadi uye nedudziro yacho ndeyechokwadi.”

46Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake pamberi paDhanieri akamuremekedza akarayira kuti apiwe chipo nezvinonhuhwira. 47Mambo akati kuna Dhanieri, “Zvirokwazvo Mwari wako ndiMwari wavamwari naIshe wamadzimambo uye nomuzivisi wezvakavanzika, nokuti iwe wakagona kuzivisa chakavanzika ichi.”

48Ipapo mambo akaisa Dhanieri pachinzvimbo chakakwirira akapa zvipo zvizhinji kwaari. Akamuita mutongi pamusoro penyika yose yeBhabhironi akamuita mukuru wavachenjeri vose. 49Pamusoro paizvozvo, Dhanieri akakumbira mambo kuti agadze vanaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego kuti vave vatariri vamatunhu eBhabhironi, iye Dhanieri pachake achiramba ari paruvazhe rwamambo.

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

O sonho da estátua de Nabucodonosor

  • Nabucodonosor exigiu que os astrólogos e mágicos babilônicos não apenas interpretassem seu sonho perturbador, mas também descrevessem o próprio sonho. Quando eles afirmaram que apenas os deuses poderiam revelar tal segredo, o rei furioso decretou a execução de todos os sábios da Babilônia, colocando Daniel e seus companheiros em perigo iminente.Fontes: o próprio texto bíblico · Nebuchadnezzar
  • O sonho revelou uma estátua impressionante feita de quatro metais—ouro, prata, bronze e ferro misturado com barro—representando uma sucessão de reinos terrenos. Uma pedra cortada sem mãos humanas atingiu a estátua e a despedaçou, tornando-se depois uma grande montanha que encheu a terra, simbolizando o reino eterno de Deus.Fontes: o próprio texto bíblico
  • Depois que Daniel atribuiu a revelação ao Deus dos céus, o rei Nabucodonosor prostrou-se, reconheceu a Deus como o Senhor dos reis e cobriu Daniel de presentes. Daniel foi nomeado chefe de todos os sábios e governador da província da Babilônia, enquanto seus companheiros Sadraque, Mesaque e Abede-Nego foram nomeados administradores da província.Fontes: o próprio texto bíblico · Shadrach · Meshach · Azariah

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Chaldea · 30.962, 46.104 · versículos 2, 4, 5, 10
  • Babylon · 32.543, 44.422 · versículos 12, 14, 18, 24, 48, 49

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.