Atos 22
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
1“Hama nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwangu zvino.” 2Pavakanzwa achitaura kwavari nechiHebheru, vakanyanya kunyarara.
Ipapo Pauro akati, 3“Ini ndiri muJudha, akaberekerwa kuTasasi yeSirisia, asi ndakarerwa muguta rino. Pasi paGamarieri ndakanyatsodzidziswa mutemo wamadzibaba edu uye ndakanga ndichishingairira Mwari sezvamunoita imi nhasi. 4Ndakatambudza vateveri veNzira iyi kusvikira pakufa kwavo, ndichisunga zvose varume navakadzi ndichivaisa mutorongo, 5sezvandingapupurirwawo nomuprista mukuru namakurukota ose. Ndakapiwa matsamba aibva kwavari okuenda nawo kuhama dzavo dzaiva muDhamasiko, ndikaenda ikoko kuti ndinouya navanhu ava kuJerusarema savasungwa kuti vazorangwa.
6“Nenguva dzinenge dzamasikati pandakanga ndoswedera pedyo neDhamasiko, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikandipenyera kumativi ose. 7Ndakawira pasi ndikanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko?’
8“Ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’
“Iye akati, ‘Ndini Jesu weNazareta, wauri kutambudza.’ 9Shamwari dzangu dzakaona chiedza, asi hadzina kunzwa inzwi raiye akanga achitaura neni.
10“Ndakabvunza ndikati, ‘Munoda kuti ndiiteiko Ishe?’
“Ishe akati, ‘Simuka, upinde muDhamasiko. Imomo ndimo mauchandoudzwa zvose zvawakatarirwa kuti uite.’ 11Shamwari dzangu dzakandisesedza pakupinda kwangu muDhamasiko, nokuti kuvaima kwechiedza kwakanga kwandipofumadza.
12“Murume ainzi Ananiasi akauya kuzondiona. Akanga akazvipira pakunamata Mwari nokucherechedza murayiro uye aikudzwa zvikuru navaJudha vose vaigaramo. 13Akamira neni akati, ‘Hama Pauro, chiona!’ uye nenguva yakare iyoyo ndakakwanisa kumuona.
14“Ipapo akati, ‘Mwari wamadzibaba edu akusarudza iwe kuti uzive kuda kwake uone Iye Akarurama uye unzwe mashoko anobva mumuromo make. 15Uchava chapupu chake kuvanhu vose, chezvawakaona nezvawakanzwa. 16Saka zvino wakamirireiko? Simuka ubhabhatidzwe usukwe zvivi zvako, udane kuzita rake.’
17“Pandakadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera ndiri mutemberi, ndakabatwa nomweya 18ndikaona Ishe achitaura kwandiri achiti, ‘Kurumidza kubva muJerusarema izvozvi, nokuti vanhu havangagamuchiri uchapupu hwako.’
19“Ndakapindura ndikati, ‘Ishe, vanhu ava vanoziva kuti ndakanga ndichienda musinagoge rimwe nerimwe kuti ndinosunga uye ndirove vaya vaitenda kwamuri. 20Uye pavakateura ropa raSitefani chapupu chenyu, ndakanga ndimirepo ndichitenderana nazvo uye ndakachengeta nhumbi dzaivo vaimuuraya.’
21“Ipapo Ishe akati kwandiri, ‘Enda, nokuti ndichakutuma kure kune veDzimwe Ndudzi.’ ”
Pauro muRoma
22Vanhu vakamuteerera kusvikira ataura izvi. Ipapo vakadanidzira vachiti, “Mubvisei panyika! Haafaniri kurarama!”
23Pavakanga vachiita mheremhere vachikanda nguo dzavo pasi, uye vachikushira ivhu mudenga, 24mukuru wavarwi akarayira kuti Pauro aendeswe kudzimba dzavarwi. Akarayira kuti arohwe uye abvunzwe kuitira kuti vazive kuti nemhaka yei vanhu vakanga vachimupopotera kudai. 25Pavakamusunga kuti vamurove, Pauro akati kumukuru wezana akanga amirepo, “Munotenderwa here nomutemo kuti murove muRoma, asina kana kutombowanikwa ane mhosva?”
26Mukuru wezana akati anzwa izvi, akaenda kumukuru wavarwi akandomuzivisa izvozvo, akati, “Muchaita seiko zvino? Munhu uyu muRoma.”
27Mukuru wavarwi akaenda kuna Pauro akati, “Nditaurire, uri muRoma here iwe?”
Akapindura akati, “Hongu, ndiri muRoma.”
28Mukuru wehondo akati, “Ini ndakaita zvokutenga nomutengo mukuru kuti ndive muRoma.”
Pauro akati, “Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.”
29Vaya vakanga voda kumubvunza vakabva varega pakarepo. Mukuru wamauto pachake akatya paakaona kuti akanga asunga Pauro, muRoma, nengetani.
Pauro pamberi peDare Guru ravaJudha
30Zuva rakatevera, sezvo mukuru wavarwi aida kuziva chaizvoizvo kuti sei Pauro akanga achipomerwa mhosva navaJudha, akamusunungura akarayira kuti vaprista vakuru neDare Guru ravaJudha vaungane. Ipapo akatora Pauro akamumisa pamberi pavo.

Você sabia?
A defesa de Paulo em Jerusalém
- Paulo começou sua defesa em hebraico, e a multidão ficou ainda mais silenciosa. Apresentou-se como judeu, nascido em Tarso da Cilícia, criado em Jerusalém e educado aos pés de Gamaliel, em estrita conformidade com a lei dos pais. Um dicionário descreve Gamaliel como um fariseu erudito, neto do rabino Hilel e presidente do Sinédrio nos reinados de Tibério, Calígula e Cláudio.Fontes: o próprio texto bíblico · Gamaliel
- Paulo recordou que prendeu e espancou crentes, e que esteve ali aprovando, enquanto guardava as vestes dos que mataram Estêvão. Um dicionário chama Estêvão, um dos sete diáconos, de primeiro mártir cristão, e observa que os apedrejadores depositaram as roupas aos pés do jovem fariseu Saulo de Tarso, cena que deixou uma impressão profunda, a qual Paulo recorda neste discurso.Fontes: o próprio texto bíblico · Stephen
- A multidão ouviu Paulo até ele dizer que seria enviado para longe, aos gentios; então gritaram que ele não era digno de viver, atiraram os mantos e lançaram poeira para o ar. Quando o estenderam para amarrá-lo, ele perguntou ao centurião se era lícito açoitar um cidadão romano sem julgamento, e disse ao comandante que havia nascido cidadão, enquanto o comandante havia pago um alto preço pela dele. Uma cronologia data este testemunho, e sua apresentação diante do Conselho no dia seguinte, de 54 d.C.Fontes: o próprio texto bíblico · Paul gives his testimony · Paul goes before the Council
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
- Cilicia · 36.913, 34.892 · versículo 3
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 3, 5, 17, 18
- Tarsus · 36.913, 34.892 · versículo 3
- Damascus · 33.511, 36.306 · versículos 5, 6, 10, 11, 12
- Nazareth · 32.702, 35.298 · versículo 8
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org