Nations Bible

2 Samuel 3

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

1Hondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi yakatora nguva refu isati yapera. Dhavhidhi akaramba achisimba asi imba yaSauro yakaramba ichipererwa nesimba. 2Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni:

Dangwe rake raiva Amunoni mwanakomana waAbhinoami weJezireeri;

3wechipiri, Kiriabhu mwanakomana waAbhigairi chirikadzi yaNabhari weKarimeri;

wechitatu, Abhusaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri;

4wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti;

wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari;

5uye wechitanhatu, Itireamu mwanakomana womukadzi waDhavhidhi Egira.

Abhineri anoenda kudivi raDhavhidhi

6Munguva yehondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi, Abhineri akanga achisimbisa chinzvimbo chake muimba yaSauro. 7Zvino Sauro aiva nomukadzi womurongo ainzi Rizipa mwanasikana waAiya. Uye Ishi-Bhosheti akati kuna Abhineri, “Wakararirei nomurongo wababa vangu?”

8Abhineri akatsamwa zvikuru nezvakanga zvataurwa naIshi-Bhosheti ndokupindura achiti, “Ko, ndiri musoro wembwa kurutivi rwaJudha here? Nhasi uno ndakatendeka, kuimba yababa vako Sauro nokumhuri yake zvose neshamwari dzake. Handina kukuisa mumaoko aDhavhidhi. Kunyange zvakadaro iye zvino unondipomera mhaka pamusoro pomukadzi uyu! 9Mwari ngaarove Abhineri, zvive zvinorwadza kwazvo, kana ndikasaitira Dhavhidhi izvo zvaakapikirwa naJehovha 10nokubvisa umambo muimba yaSauro ndichisimbisa chigaro choushe chaDhavhidhi pamusoro peIsraeri neJudha kubva paDhani kusvikira kuBheerishebha.” 11Ishi-Bhosheti haana kuzomboti bufuzve kuna Abhineri, nokuti akanga ava kumutya.

12Ipapo Abhineri akatumira nhume kuna Dhavhidhi kuti dzindopa mashoko ake okuti, “Ko, nyika ino ndeyani? Itai sungano neni, uye ini ndichakubatsirai kuti Israeri yose iuye kwamuri.”

13Dhavhidhi akati, “Zvakanaka, ndichaita sungano newe. Asi ndinoda chinhu chimwe chete kubva kwauri: Usasvika pamberi pangu kunze kwokunge wauya naMikari mwanasikana waSauro paunouya kuzondiona.” 14Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro, kundoti, “Ndipe Mikari mudzimai wangu, wandakatsidzirana naye nezvikanda zvokudzingiswa zvapamberi zvavaFiristia vane zana.”

15Naizvozvo Ishi-Bhosheti akatuma nhume kundomutora kumurume wake Paritieri mwanakomana waRaishi. 16Zvisinei, murume wake akamuperekedza, achichema ari mumashure make dakara vanosvika kuBhahurimi. Ipapo Abhineri akati kwaari, “Dzokera kumba!” iye ndokudzokera hake.

17Abhineri akakurukura navakuru veIsraeri akati, “Pava nenguva muchida kugadza Dhavhidhi kuti ave mambo wenyu. 18Saka chizviitai iye zvino! Nokuti Jehovha akavimbisa Dhavhidhi achiti, ‘Noruoko rwomuranda wangu Dhavhidhi ndichanunura vanhu vangu Israeri kubva muruoko rwavavengi vavo vose.’ ”

19Abhineri akataura navaBhenjamini pachake. Ipapo akabva akaenda kundoudza Dhavhidhi paHebhuroni zvose zvakanga zvichida kuzoitwa navaIsraeri neimba yose yaBhenjamini. 20Zvino Abhineri, uyo akanga ana varume makumi maviri, akati asvika kuna Dhavhidhi paHebhuroni, Dhavhidhi akamugadzirira mabiko pamwe chete navarume vaaiva navo. 21Ipapo Abhineri akati kuna Dhavhidhi, “Nditenderei kuti ndiende iye zvino ndinounganidzira ishe wangu mambo Israeri yose, kuti vaite sungano nemi, uye kuti mubate ushe pamusoro pezvose zvinodiwa nomwoyo wenyu.” Saka Dhavhidhi akaendesa Abhineri, iye akaenda norugare.

Joabhu anouraya Abhineri

22Panguva iyoyo varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka kubva kundopamba uye vakauya nezvakawanda zvavakanga vapamba. Asi Abhineri akanga achisiri pamwe naDhavhidhi muHebhuroni, nokuti Dhavhidhi akanga amutendera kuenda, uye akanga aenda norugare. 23Joabhu paakasvika navarwi vose vaaiva navo, akaudzwa kuti Abhineri mwanakomana waNeri akanga auya kuna mambo uye kuti mambo akanga amutendera kuti aende, uye akanga aenda norugare.

24Naizvozvo Joabhu akaenda kuna mambo akati, “Ko, chii chamaita? Tarirai, Abhineri akauya kwamuri. Ko, makaregerei achienda? Zvino atoenda zvake! 25Munomuziva imi Abhuneri mwanakomana waNeri; anga auya kuzokunyengerai uye kuzoongorora mafambiro enyu nokusora zvose zvamuri kuita.”

26Ipapo Joabhu akabva pana Dhavhidhi ndokutumira nhume kuti dzitevere Abhineri, uye vakadzoka naye kubva patsime reSira. Asi Dhavhidhi haana kuzviziva. 27Kuzoti Abhineri adzoka paHebhuroni, Joabhu akamutora akaenda naye parutivi, pakati pesuo sokunge aida kutaura naye muchivande. Zvino ipapo, kuti atsive ropa raAsaheri mununʼuna wake, Joabhu akamubaya padumbu, ndokubva afa.

28Shure kwokunge Dhavhidhi anzwa nezvazvo, akati, “Ini noushe hwangu hatina mhosva nokusingaperi pamberi paJehovha pamusoro peropa raAbhuneri mwanakomana waNeri. 29Ropa rake ngarive pamusoro waJoabhu nepaimba yababa vake yose! Imba yaJoabhu ngairege kushaya munhu ane ronda risingapori, kana ana maperembudzi, kana anofamba nomudonzvo, kana anourayiwa nomunondo, kana anoshayiwa zvokudya.”

30(Joabhu nomununʼuna wake Abhishai vakaponda Abhineri nokuti akanga auraya Asaheri mununʼuna wavo muhondo paGibheoni.)

31Ipapo Dhavhidhi akati kuna Joabhu navanhu vose vaiva naye, “Bvarurai nguo dzenyu mupfeke masaga mufambe muchiungudza pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi pachake akafamba ari shure kwengoro yaiva nechitunha. 32Vakaviga Abhineri paHebhuroni, uye mambo akaridza mhere paguva raAbhineri. Vanhu vose vakachemawo.

33Mambo akaimba rwiyo urwu rwokuchema Abhineri:

“Ko, Abhineri aifanira kufa nomufiro webenzi here?

34Maoko ako akanga asina kusungwa,

makumbo ako akanga asina kuiswa mumatare.

Wakafa sokufa kwomunhu anofira pamberi pavanyangadzi.”

Uye vanhu vose vakamuchemazve.

35Ipapo vose vakauya vakagombedzera Dhavhidhi kuti awane chaangadya achiri masikati; asi Dhavhidhi akaita mhiko, achiti, “Mwari ngaandirove, uye zvakanyanyisa, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva risati ravira!”

36Vanhu vose vakazviona uye vakafara; zvirokwazvo, chose chakaitwa namambo chakavafadza. 37Naizvozvo musi uyu vanhu vose neIsraeri yose, vakaziva kuti mambo akanga asingatenderani nokuurayiwa kwaAbhineri mwanakomana waNeri.

38Ipapo mambo akati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti nhasi kwafa jinda uye munhu anokosha muIsraeri? 39Uye kuti nhasi, kunyange ndiri mambo akazodzwa, handina simba, uye vanakomana vaZeruya ava vava nesimba kupfuura ini. Jehovha ngaaripire munyangadzi zvinoenderana nokuipa kwamabasa ake!”

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

A deserção e morte de Abner

  • Quando Abner rompeu com Is-Bosete, prometeu unir todo o reino sob Davi de Dã a Berseba. Essa expressão geográfica era a forma tradicional de designar toda a Terra Prometida, estendendo-se por cerca de 144 milhas desde o extremo norte até a fronteira sul.Fontes: o próprio texto bíblico · Beersheba · Dan
  • Antes de firmar uma aliança com Abner, Davi exigiu o retorno da filha de Saul, Mical, que havia sido dada em casamento a Paltiel após a fuga de Davi. O retorno de Mical reafirmou o casamento legítimo de Davi e manteve seu vínculo político e dinástico com a casa de Saul.Fontes: o próprio texto bíblico · Michal
  • Joabe assassinou Abner no portão de Hebrom para vingar o sangue de seu irmão Asael, morto por Abner na batalha de Gibeom. Para provar a Israel que não teve participação no assassinato, o rei Davi lamentou publicamente, compôs uma elegia e jejuou até o pôr do sol.Fontes: o próprio texto bíblico · Joab · Asahel · Hebron

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Hebron · Hoje: Tel Rumeida · 31.525, 35.102 · versículos 2, 5, 12, 19, 20, 22, 27, 32
  • Geshur · 32.767, 35.700 · versículo 3
  • Dan · Hoje: Tel Dan · 33.249, 35.652 · versículo 10
  • Gibeon · Hoje: El Jib · 31.847, 35.183 · versículo 30

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.