Nations Bible

2 Samuel 17

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

1Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, “Regai ndisarudze varume zviuru gumi nezviviri ndigosimuka usiku huno nditevere Dhavhidhi. 2Uye ndichamurwisa achakaneta uye asina simba. Ndichamutyisidzira, uye ipapo vanhu vose vaanavo vachatiza. Ndichauraya mambo chete. 3Ndichadzosera vanhu vose kwamuri. Kufa kwomunhu wamunotsvaka kuchareva kudzoka kwavose; ipapo vanhu vose vachava norugare.” 4Shoko iri rakafadza Abhusaromu navakuru vose veIsraeri.

5Asi Abhusaromu akati, “Danaiwo Hushai muAriki, kuti tigonzwa kuti anoti kudii.” 6Hushai akati asvika kwaari, Abhusaromu akati, “Ahitoferi apa zano iri. Toita zvaareva here? Kana zvisizvo, tipewo pfungwa yako.”

7Hushai akapindura Abhusaromu akati, “Zano ramapiwa naAhitoferi harina kunaka panguva ino. 8Munoziva baba venyu navanhu vavo; varwi, uye vanotyisa kunge bere rabvutirwa vana varo. Pamusoro pezvo, baba venyu murwi ano ruzivo; havangavati namauto usiku. 9Kunyange izvozvi vakavanda mubako kana pane imwe nzvimbo. Kana vakatanga kurwa navarwi venyu, ani naani anonzwa nezvazvo achati, ‘Pakati pavarwi vanotevera Abhusaromu paurayiwa vanhu.’ 10Ipapo kunyange murwi akashinga kwazvo, ane mwoyo wakaita soweshumba, achati rukutu nokutya, nokuti vaIsraeri vose vanoziva kuti baba venyu murwi uye kuti vose vavanavo vakashinga.

11“Saka zano rangu nderiri: VaIsraeri vose, kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha, vakawanda sejecha rokumhenderekedzo dzegungwa, ngavaungane kwamuri, iyemi pachenyu muchivatungamirira kundorwa. 12Ipapo tichavarwisa kwose kwavanenge vari, uye tichawira paari sedova rinowira pasi. Hakuna kana mumwe wavo zvake achasara ari mupenyu. 13Kana akadzokera muguta, ipapo vaIsraeri vose vachauya namabote kuguta iroro, uye ticharizvuzvurudzira pasi kumupata kusvikira pasisina kunyange nechimedu charo chingawanikwa.”

14Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakati, “Zano raHushai muAriki riri nani pane raAhitoferi.” Nokuti Jehovha aida kukonesa zano rakanaka raAhitoferi kuitira kuti auyise njodzi pamusoro paAbhusaromu.

15Ipapo Hushai akati kuna Zadhoki naAbhiatari, vaprista, “Ahitoferi arayira Abhusaromu navakuru veIsraeri kuti vaite ichi nechocho. 16Zvino chituma shoko nokukurumidza uye uudze Dhavhidhi kuti, ‘Musavata pamazambuko omurenje usiku huno; yambukai musamborega, nokuti mambo navanhu vose vaanavo vangamedzwa.’ ”

17Jonatani naAhimaazi vakanga vachigara paEni Rogeri uye mumwe murandakadzi ndiye aifanira kundovazivisa, uye ivo vachienda kundoudza Mambo Dhavhidhi, nokuti havazaifanira kuonekwa vachipinda muguta. 18Asi mumwe mujaya akavaona ndokubva andoudza Abhusaromu. Saka vaviri ava vakabva nokukurumidza vakaenda kumba yomumwe murume aiva muBhahurimi. Akanga ane tsime muruvazhe, uye vakapinda mariri. 19Mukadzi wake akatora chifukidzo akachiwaridza pamusoro pomuromo wetsime uye akayanika zviyo pamusoro pacho. Hakuna akaziva chinhu pamusoro pazvo.

20Varume vokwaAbhusaromu vakati vasvika kumukadzi akanga ari pamba, vakabvunza vakati, “VanaAhimaazi naJonatani varipi?”

Mukadzi akati kwavari, “Vayambuka rukova.” Varume vakatsvaka asi havana munhu wavakawana, saka vakadzokera kuJerusarema.

21Shure kwokunge varume ava vaenda, vaviri vaya vakakwira vakabuda mutsime uye vakaenda kundozivisa Mambo Dhavhidhi izvozvo. Vakati kwaari, “Simukai izvozvi muyambuke rwizi urwu; Ahitoferi apa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu.” 22Saka Dhavhidhi navanhu vose vakanga vanaye vakasimuka vakayambuka Jorodhani. Kuchiedza, hapana akanga asara asati ayambuka Jorodhani.

23Ahitoferi akati aona kuti zano rake rakanga risina kutevedzwa, akaisa chigaro pambongoro yake akaenda kumba kwake muguta rokwake. Akaronga zvose zveimba yake ndokubva azvisungirira. Saka akafa uye akavigwa muhwiro rababa vake.

24Dhavhidhi akaenda kuMahanaimi, uye Abhusaromu akayambuka Jorodhani navarume vose veIsraeri. 25Abhusaromu akanga agadza Amasa kuti ave mutungamiri wehondo pachinzvimbo chaJoabhu. Amasa akanga ari mwanakomana womumwe murume ainzi Jeteri, muIsraeri akanga awana Abhigairi, mwanasikana waNahashi uye ari mununʼuna waZeruya mai vaJoabhu. 26VaIsraeri naAbhusaromu vakadzika misasa yavo munyika yeGireadhi.

27Dhavhidhi akati asvika kuMahanaimi, Shobhi mwanakomana waNahashi aibva kuRabha ravaAmoni, naMakiri mwanakomana waAmieri weRo Dhebha, uye Bhazirai muGireadhi wokuRogerimi 28vakauya nenhoo nembiya nemidziyo yevhu. Vakauyawo negorosi nebhari, upfu hwakatsetseka nezviyo zvakakangwa, nyimo nenyemba, 29uchi namafuta, makwai uye noruomba rwaibva mumukaka wemhou, kuti Dhavhidhi navanhu vake vadye. Nokuti vakati, “Vanhu vava nenzara, vaneta uye vava nenyota murenje.”

Você sabia?

Conselhos Conflitantes e a Fuga de Davi

  • Husai aconselhou intencionalmente Absalão a adiar o ataque e reunir todo o Israel "desde Dã até Berseba", uma expressão tradicional que designava toda a extensão da terra. Esse atraso estratégico frustrou o plano de Aitofel de um ataque imediato e deu ao rei Davi tempo suficiente para conduzir seu povo através do rio Jordão.Fontes: o próprio texto bíblico · Hushai · Beersheba
  • Para transmitir informações a Davi, os jovens sacerdotes Aimaás e Jônatas posicionaram-se na fonte de En-Rogel, fora de Jerusalém. Quando os espias de Absalão os avistaram, os mensageiros esconderam-se dentro de um poço num pátio em Baurim, onde uma moradora os ocultou sob uma cobertura estendida com grãos espalhados.Fontes: o próprio texto bíblico · Ahimaaz · Jonathan · Bahurim
  • Após atravessar o Jordão, Davi encontrou refúgio em Maanaim, uma cidade fortificada a leste do rio. Ali, líderes locais proeminentes abasteceram o exausto grupo real com camas, vasilhas e alimentos como lentilhas, grãos tostados, mel e queijo.Fontes: o próprio texto bíblico · Mahanaim

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Dan · Hoje: Tel Dan · 33.249, 35.652 · versículo 11
  • Jordan · Hoje: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículos 16, 21, 22, 24
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 20
  • Gilead · Hoje: Gilead 1 · 32.187, 35.692 · versículos 26, 27
  • Ammon · 31.955, 35.934 · versículo 27
  • Rabbah · Hoje: Amman · 31.955, 35.934 · versículo 27

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.