Nations Bible

2 Samuel 14

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Abhusaromu anodzokera kuJerusarema

1Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya akaziva kuti mwoyo wamambo wakanga woshuva Abhusaromu. 2Saka Joabhu akatuma munhu kuTekoa kuti andouya nomukadzi akanga akachenjera kubva ikoko. Akati kwaari, “Ita somunhu ari pakuchema. Upfeke nguo dzokuchema uye usazvizora mafuta. Uite somukadzi ava namazuva akawanda ari pakuchema vakafa. 3Ipapo ugoenda kuna mambo undotaura mashoko aya kwaari.” Uye Joabhu akaisa mashoko mumuromo make.

4Mukadzi akabva kuTekoa akati asvika kuna mambo, akawira pasi nechiso chake, kuri kupa rukudzo, akati, “Ndibatsireiwo, nhai mambo!”

5Mambo akamubvunza akati, “Watambudzwa neiko?”

Iye akati, “Zvirokwazvo ndiri chirikadzi; murume wangu akafa. 6Zvino ini muranda wenyu ndakanga ndina vanakomana vaviri. Vakarwa vari vaviri musango, uye hapana aivapo kuti avarandutsire. Mumwe akarova mumwe uye akamuuraya. 7Zvino mhuri yose yamukira murandakadzi wenyu. Vari kuti, ‘Tipei uyo akauraya mununʼuna wake, kuti timuuraye nokuda kwoupenyu hwomununʼuna wake waakauraya; kunyange tichizobvisa mudyi wenhaka zvakare.’ Saka vachadzima zimbe rangu rimwe ranga rasara, vakasasiyira murume wangu zita kana rudzi panyika.”

8Mambo akati kumukadzi, “Enda hako kumba kwako, ini ndicharayira shoko pamusoro pako.”

9Asi mukadzi weTekoa akati kwaari, “Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, uye mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva.”

10Mambo akapindura akati, “Kana munhu akataura chinhu kwauri, uya naye kwandiri, haangozokunetsizve.”

11Iye akati, “Naizvozvo mambo ngaataure naIshe Mwari wake kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, kuti mwanakomana wangu arege kuparadzwa.”

Mambo akati, “NaJehovha mupenyu, hapana ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako ruchawira pasi.”

12Ipapo mukadzi uya akati, “Tenderai muranda wenyu kuti ataure shoko kuna ishe mambo wangu.”

Iye akati, “Taura hako.”

13Mukadzi uya ndokuti, “Zvino seiko makarongera vanhu vaMwari zvakadai? Kana mambo vachitaura zvakadai, havasi kuzvipa mhosva here, nokuti mambo havana kudzosa mwanakomana uya akambenge adzingwa. 14Semvura yadeukira pasi, isingazogoni kudyorerwa, saizvozvo tinofanira kufa. Asi Mwari haaurayi munhu; pachinzvimbo chaizvozvo anotoronga zano rokuti akadzingwa arege kuraswa zvachose naye.

15“Zvino ini ndauya kuzotaura izvi kuna ishe mambo wangu nokuti vanhu vandityisidzira. Murandakadzi wenyu akafunga akati, ‘Rega ndinotaura namambo zvimwe vangaitira muranda wavo zvaanokumbira. 16Zvimwe mambo vangabvuma kurwira murandakadzi wavo kubva paruoko rwomunhu anotsvaka kuparadza zvose ini nomwanakomana wangu kuti tirege kugara nhaka yatakapiwa naMwari.’

17“Zvino murandakadzi wenyu anoti, ‘Ndinokumbira kuti shoko rashe mambo wangu rindinyaradze, nokuti ishe wangu mambo akafanana nomutumwa waMwari pakuziva zvakanaka nezvakaipa. Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi.’ ”

18Ipapo mambo akati kumukadzi, “Usandivanzira hako shoko randichakubvunza.”

Mukadzi akati, “Ishe mambo wangu ngavataure havo.”

19Mambo akabvunza akati, “Ko, ruoko rwaJoabhu harusi kubatsirana newe pazvinhu zvose izvi here?”

Mukadzi akapindura akati, “Noupenyu hwenyu, ishe wangu mambo, hapana munhu angatendeukira kurudyi kana kuruboshwe kubva pane zvinenge zvataurwa nashe mambo wangu. Ichokwadi, muranda wenyu Joabhu ndiye andirayira kuti ndiite izvi uye ndiye aisa mashoko ose aya mumuromo womurandakadzi wenyu. 20Muranda wenyu Joabhu akaita izvi kuti ashandure mamiriro ezvinhu. Ishe wangu ano uchenjeri sehwomutumwa waMwari, anoziva zvose zvinoitika panyika.”

21Mambo akati kuna Joabhu, “Zvakanaka chose, ndichaita saizvozvo. Chienda, unouya nejaya Abhusaromu.”

22Joabhu akawira pasi nechiso chake achipa rukudzo, uye akaropafadza mambo. Joabhu akati, “Nhasi muranda wenyu aziva kuti awana nyasha pamberi penyu, ishe wangu mambo, nokuti mambo aita zvandakumbira ini muranda wake.”

23Saka Joabhu akaenda kuGeshuri akandouya naAbhusaromu kuJerusarema. 24Asi mambo akati, “Anofanira kuenda kuimba yake; haafaniri kuona chiso changu.” Saka Abhusaromu akaenda kumba kwake akasaona chiso chamambo.

25MuIsraeri mose makanga musina murume airumbidzwa navanhu nokuda kworunako rwake saAbhusaromu. Kubva kumusoro wake kusvikira kutsoka dzake pakanga pasina panonzi apa pakaipa. 26Pose paaigurira bvudzi rake, aigurira bvudzi rake nguva nenguva parainge rava kumuremera, airiyera, uye uremu hwaro hwaisvika mashekeri mazana maviri kana zvichierwa nechiereso chamambo.

27Abhusaromu akaberekerwa vanakomana vatatu nomwanasikana mumwe chete. Zita romwanasikana rainzi Tamari, uye akanga ari mukadzi akanaka pachiso.

28Abhusaromu akagara kwamakore maviri muJerusarema asina kumboona chiso chamambo. 29Ipapo Abhusaromu akadana Joabhu kuti amutume kuna mambo, asi akaramba kuenda kwaari. Saka akatumazve shoko kechipiri, asi akaramba kuuya. 30Ipapo akati kumuranda wake, “Onaka, munda waJoabhu wakaganhurana nowangu, uye ane bhari imomo. Enda unoupisa.” Naizvozvo varanda vaAbhusaromu vakapisa munda.

31Ipapo Joabhu akaenda kumba kwaAbhusaromu akandoti kwaari, “Ko, varanda vako vapisirei munda wangu?”

32Abhusaromu akati kuna Joabhu, “Tarira, ndakatuma shoko kwauri ndikati, ‘Uya kuno kuti ndikutume kuna mambo unobvunza kuti, “Ko, zvino ndakabvirei hangu kuGeshuri? Zvingadai zviri nani dai ndanga ndichiriko zvangu!” ’ Naizvozvo, ndinoda kuona chiso chamambo, uye kana ndine mhosva yechimwe chinhu, ngavandiuraye havo.”

33Saka Joabhu akaenda kuna mambo akandotaura saizvozvo. Ipapo mambo akadana Abhusaromu, uye akauya akasvikokotamisa uso hwake pasi pamberi pamambo. Uye Mambo akatsvoda Abhusaromu.

Você sabia?

O retorno de Absalão a Jerusalém

  • Tecoa era uma cidade de Judá situada a cerca de vinte quilômetros ao sul de Jerusalém. Joabe recrutou de lá uma mulher sábia para apresentar um caso fictício a Davi, usando uma parábola para persuadir o rei a permitir o retorno de Absalão.Fontes: Tekoa · o próprio texto bíblico
  • Absalão havia se refugiado em Gesur, um território na Síria governado por seu avô materno, após matar Amnom. O texto bíblico destaca sua notável beleza física e sua volumosa cabeleira, que era cortada anualmente e pesava duzentos siclos pelo padrão real.Fontes: Absalom · Geshur · o próprio texto bíblico
  • Mesmo após retornar a Jerusalém, Absalão viveu dois anos inteiros proibido de ver o rei, até que mandou atear fogo à plantação de cevada de Joabe para forçar uma audiência.Fontes: o próprio texto bíblico

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Tekoa · Hoje: Khirbet Teku’a · 31.632, 35.210 · versículos 2, 4, 9
  • Geshur · 32.767, 35.700 · versículos 23, 32
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 23, 28

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.