Nations Bible

2 Reis 9

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Jehu anozodzwa kuti ave Mambo weIsraeri

1Muprofita Erisha akadana murume aibva kuboka ravaprofita akati kwaari, “Chizvisunga chiuno chako, utore chinu chamafuta ugoenda kuRamoti Gireadhi. 2Kana wasvikako, utsvake Jehu, mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi. Uende kwaari, umubvise pakati peshamwari dzake ugopinda naye muimba yomukati. 3Ipapo utore chinu ugodira mafuta pamusoro wake uchiti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.’ Ipapo ugozarura mukova utize; usanonoka!”

4Naizvozvo jaya iri, muprofita, rakaenda kuRamoti Gireadhi. 5Akati asvika, akawana vakuru vehondo vagere pamwe chete. Akati, “Ndine shoko renyu, imi mukuru.”

Jehu akamubvunza akati, “Kuna ani pakati pedu?”

Iye akapindura akati, “Kunemi imi, mutungamiri.”

6Jehu akasimuka akapinda mumba. Ipapo muprofita akadira mafuta pamusoro waJehu akati, “Zvanzi naJehovha: Mwari weIsraeri: ‘Ndakuzodza kuti uve mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsraeri. 7Unofanira kuparadza imba yaAhabhu tenzi wako, uye ini ndichatsiva ropa ravaranda vangu vaprofita uye neropa ravaranda vose vaJehovha rakadeurwa naJezebheri. 8Nokuti imba yose yaAhabhu ichaparadzwa. Ndichabvisa kubva kuna Ahabhu murume wokupedzisira wose wose muIsraeri, nhapwa kana akasununguka. 9Ndichaita imba yaAhabhu seyaJerobhoamu, mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha, mwanakomana waAhija. 10Kana ari Jezebheri, imbwa dzichamudya pamunda weJezireeri, hapana achamuviga.’ ” Ipapo akazarura mukova akatiza.

11Jehu akati aenda kuna vamwe vabati pamwe naye, mumwe wavo akamubvunza akati, “Kwakanaka here? Ko, iri benzi romurume ravingei kwauri?”

Jehu akapindura akati, “Murume uyu unomuziva nezvinhu zvaanogarotaura.”

12Ivo vakati, “Hazvisizvo! Tiudze.”

Jehu akati, “Hezvi zvaandiudza: ‘Zvanzi naJehovha: Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.’ ”

13Vakakurumidza kutora majasi avo vakaawaridza pasi pamakumbo ake pazvikwiriso. Ipapo vakaridza hwamanda vakadanidzira vachiti, “Jehu ava mambo!”

Jehu anouraya Joramu naAhazia

14Saka Jehu, mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi, akamukira Joramu. (Zvino Joramu navaIsraeri vose vakanga vadzivirira Ramoti Gireadhi nokuda kwaHazaeri mambo weAramu. 15Asi mambo Joramu akanga adzokera kuJezireeri kuti andopora maronda aakanga akuvadzwa navaAramu muhondo naHazaeri, mambo weAramu.) Jehu akati, “Kana zviri izvo zvamunoda, ngaparege kuva neanonyeruka achibuda muguta achienda kunotaura shoko muJezireeri.” 16Ipapo akakwira mungoro yake akaenda kuJezireeri, nokuti Joramu akanga akazorora ikoko uye Ahazia mambo weJudha akanga adzikako kuti andomuona.

17Nharirire yakanga yakamira pamusoro peshongwe muJezireeri yakati ichiona varwi vaJehu vava kusvika, yakadanidzira ichiti, “Ndiri kuona varwi vari kuuya.”

Joramu akamurayira akati, “Dana mutasvi webhiza. Mutume kuti anosangana navo agovabvunza kuti, ‘Muri kuuya norugare here?’ ”

18Mutasvi webhiza akakwidza kundosangana naJehu akati, “Zvanzi namambo, ‘Mauya norugare here?’ ”

Jehu akapindura akati, “Uneiko iwe norugare? Tevera shure kwangu.”

Nharirire yakazivisa kuti, “Nhume yasvika kwavari, asi haisi kudzoka.”

19Saka mambo akatumazve mumwe mutasvi webhiza. Akati achisvika kwavari akati, “Zvanzi namambo, ‘Mauya norugare here?’ ”

Jehu akapindura akati, “Uneiko norugare iwe? Tevera shure kwangu.”

20Nharirire yakazivisazve ichiti, “Asvika kwavari, asi naiyewo haasi kudzoka. Kuchaira kwacho kwakafanana nokwaJehu mwanakomana waNimishi, nokuti anochaira kunge benzi.”

21Joramu akarayira akati, “Sungai ngoro yangu.” Zvino yakati yasungwa, Joramu mambo weIsraeri naAhazia mambo weJudha vakakwira mumwe nomumwe mungoro yake, kundosangana naJehu. Vakasangana naye pamunda wakanga uri waNabhoti muJezireeri. 22Joramu akati aona Jehu akamubvunza akati, “Wauya norugare here, Jehu?”

Jehu akapindura akati, “Pangava norugare seiko, kana pachine ufeve nouroyi hwakawanda hwamai vako Jezebheri?”

23Ipapo Joramu akatendeuka akatiza, achidanidzira kuna Ahazi achiti, “Tamukirwa, Ahazi!”

24Ipapo Jehu akawembura uta hwake akapfura Joramu napakati pamapendekete. Museve wakandobaya pamwoyo wake iye ndokuwira mungoro yake. 25Jehu akati kuna Bhidhikari, muchairi wengoro, “Musimudze umukande mumunda waimbova waNabhoti muJezireeri. Rangarira pataiva mungoro iwe neni tiri shure kwababa vake Ahabhu, Jehovha paakaita chiprofita ichi pamusoro pake: 26‘Nezuro ndakaona ropa raNabhoti neropa romwanakomana wake, ndizvo zvinotaura Jehovha, uye zvirokwazvo ndichaita kuti iwe uzviripe pamunda uno, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ Naizvozvo zvino, chimusimudza umukande pamunda uyo, sezvakarehwa neshoko raJehovha.”

27Ahazia mambo weJudha akati aona zvakanga zvaitika, akatiza nenzira yokuBheti Hagani. Jehu akamudzingirira, achidanidzira achiti, “Muurayei naiyewo!” Vakamukuvadza ari mungoro yake ari munzira yaienda nokuGuri pedyo neIbhiremi, asi akapunyuka akaenda kuMegidho akandofira ikoko. 28Varanda vake vakamutakura nengoro vakaenda kuJerusarema vakandomuviga namadzibaba ake muguva rake muGuta raDhavhidhi. 29(Mugore regumi nerimwe raJoramu mwanakomana waAhabhu, Ahazia akava mambo weJudha.)

Jezebheri anourayiwa

30Zvino Jehu akaenda kuJezireeri. Jezebheri akati azvinzwa, akapenda meso ake, akashongedza bvudzi rake ndokutarira napawindo. 31Jehu akati achipinda pasuo, Jezebheri akamubvunza akati, “Wauya norugare here, Zimuri, iwe muurayi watenzi wako?”

32Jehu akatarira kumusoro pawindo akadanidzira akati, “Ndiani ari kurutivi rwangu? Ndiani?” Varanda vaviri kana vatatu vakamutarira. 33Jehu akati, “Mukandirei pasi!” Naizvozvo vakamukanda pasi, rimwe ropa rake rikapfachukira parusvingo napamabhiza paakatsikwa nawo.

34Jehu akapinda akadya uye akanwa. Akati, “Torai mukadzi akatukwa, mumuvige, nokuti akanga ari mwanasikana wamambo.” 35Asi vakati vaenda kundomuviga, havana chavakawana kunze kwedehenya rake, tsoka dzake namaoko ake chete. 36Vakadzokera vakandoudza Jehu, iye akati, “Iri ndiro shoko raJehovha raakataura kubudikidza nomuranda wake Eria muTishibhi achiti: Imbwa dzichadya nyama yaJezebheri pamunda wokuJezireeri. 37Chitunha chaJezebheri chichava somupfudze pamusoro pomunda wokuJezireeri, zvokuti hapana achagona kuti, ‘Uyu ndiye Jezebheri.’ ”

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

A unção de Jeú e a queda da casa de Acabe

  • Ramote-Gileade era uma cidade fronteiriça a leste do Jordão onde os comandantes de Israel mantinham a defesa contra Hazael, rei de Arã, enquanto o rei Jorão se recuperava em Jezreel. Foi nesse acampamento militar que um discípulo enviado pelo profeta Eliseu ungiu em segredo o comandante Jeú como rei.Fontes: Ramoth-gilead · Jehu · o próprio texto bíblico
  • Jeú ordenou que o corpo de Jorão fosse lançado na propriedade de Nabote, o jezreelita. Isso cumpriu a sentença profética contra a linhagem de Acabe devido ao assassinato de Nabote e à tomada de sua vinha ancestral perto do palácio em Jezreel.Fontes: Naboth · Jezreel · o próprio texto bíblico
  • Jezabel era filha de Etbaal, rei dos sidônios, antes de se casar com Acabe. Mesmo após ordenar a morte dela, Jeú reconheceu sua linhagem real ao mandar sepultá-la por ser filha de rei.Fontes: Jezebel · o próprio texto bíblico

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Syria · Hoje: Aram · 33.511, 36.306 · versículos 14, 15
  • Megiddo · Hoje: Tel Megiddo · 32.585, 35.184 · versículo 27
  • City of David · 31.774, 35.236 · versículo 28
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 28

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.