2 Crônicas 32
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Senakeribhi anovhundutsira Jerusarema
1Mushure mezvose zvakaitwa naHezekia nokutendeka kwakadai, Senakeribhi mambo weAsiria akauya akapamba Judha. Akakomba maguta aiva namasvingo achifunga kuapamba kuti ave ake. 2Hezekia paakaona kuti Senakeribhi akanga auya uye kuti aida kurwisa Jerusarema, 3akabvunza machinda ake navatungamiri vehondo nezvekuvharwa kwemvura yaibva muzvitubu zvaiva kunze kweguta uye vakamubatsira. 4Hondo huru kwazvo yakaungana, vakavhara zvitubu zvose norukova rwaiyerera ruchipfuura nomunyika iyi. Vakati, “Ko, madzimambo eAsiria angauyirei achizowana mvura zhinji.” 5Ipapo akashanda nesimba akagadziridza zvikamu zvose zvorusvingo zvakanga zvakoromoka akavaka shongwe parwizi. Akavakazve rumwe rusvingo kunze kwerwakanga rwuripo akasimbisa Miro yaitsigira guta raDhavhidhi. Akagadzirawo zvombo zvakawanda nenhoo.
6Akagadza vakuru vehondo pamusoro pavanhu akavaunganidza pamberi pake pachivara chepasuo reguta akavakurudzira namashoko aya: 7“Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuora mwoyo nokuda kwamambo weAsiria nehondo huru yaanayo, nokuti kune simba guru kwatiri kupinda raanaro. 8Iye ane ruoko rwenyama chete, asi isu tina Jehovha Mwari wedu kuti atibatsire uye anotirwira hondo dzedu.” Vanhu vakawana kusimbisiswa nokushinga kubva pane zvakanga zvataurwa naHezekia mambo weJudha.
9Shure kwaizvozvo, Senakeribhi mambo weAsiria nehondo yake pavakanga vakakomba guta reRakishi, akatumira vakuru vehondo yake kuJerusarema neshoko iri kuna Hezekia mambo weJudha nokuvanhu vose veJudha vaivako achiti:
10“Zvanzi naSenakeribhi mambo weAsiria: Munozvisimbisa neiko, kuti mungaramba muri muJerusarema rakakombwa? 11Hezekia paanoti, ‘Jehovha Mwari wedu achatinunura kubva muruoko rwamambo weAsiria,’ ari kukureverai nhema kuti mufe nenzara nenyota. 12Hezekia haana here kubvisa nzvimbo dzakakwirira dzamwari iyeyu nearitari achiti kuJudha neJerusarema, ‘Munofanira kunamata pamberi pearitari imwe chete uye munofanira kubayira zvipiriso pairi’?
13“Hamuzivi here zvandakaita namadzibaba angu kuvanhu vedzimwe nyika? Vamwari venyika idzodzo vakagona here kununura nyika yavo kubva muruoko rwangu? 14Ndoupi mwari wenyika dzose dzakaparadzwa namadzibaba angu akagona kuponesa vanhu vake kubva kwandiri? Zvino mwari wenyu angagona sei kukununurai kubva muruoko rwangu? 15Zvino musatendera Hezekia kuti akureverei nhema uye akutsausei zvakadai. Musamutende, nokuti hakuna mwari worudzi rupi kana umambo hupi zvahwo akagona kurwira vanhu vake kubva muruoko rwangu kana ruoko rwamadzibaba angu. Mwari wenyu achakundikana zvakadii kukurwirai kubva muruoko rwangu!”
16Makurukota aSenakeribhi akataurazve zvimwe zvakawanda achishora Jehovha Mwari uye achipikisana naHezekia muranda wake. 17Mambo akanyorazve tsamba achituka Jehovha, Mwari weIsraeri achitaura izvi pamusoro pake: “Sokukundikana kwavamwari vedzimwe nzvimbo kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu, saizvozvo mwari waHezekia achakundikana kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu.” 18Ipapo vakadaidzira muchiHebheru kuvanhu veJerusarema vakanga vari parusvingo, vachivatyisidzira vachivaita kuti vatye kuti ivo vagopamba guta. 19Vakataura pamusoro paMwari weJerusarema zvavaiita pamusoro pavamwe vamwari namamwe marudzi enyika, mabasa amaoko avanhu.
20Mambo Hezekia nomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi vakachema mumunyengetero kudenga pamusoro penyaya iyi. 21Uye Jehovha akatuma mutumwa akaparadza varwi vose navatungamiri navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka akadzokera kunyika yake achinyara kwazvo uye paakapinda mutemberi yamwari wake vamwe vavanakomana vake vakamuuraya neminondo.
22Saka Jehovha akanunura Hezekia navanhu veJerusarema kubva muruoko rwaSenakeribhi mambo weAsiria uye kubva muruoko rwavamwe vose. Akavachengeta kumativi ose. 23Vazhinji vakavigira Jehovha zvipo kuJerusarema nezvipo zvinokosha kuna Hezekia mambo weJudha. Kubva ipapa akatanga kuremekedzwa zvikuru nendudzi dzose.
Kufa kwaHezekia
24Pamazuva iwayo Hezekia akarwara akasvika pakuda kufa. Akanyengetera kuna Jehovha iye akamupindura akamupa chiratidzo chechishamiso. 25Asi mwoyo waHezekia wakazvikudza uye haana kugamuchira tsitsi dzaakanga aratidzwa. Saka hasha dzaJehovha dzakava pamusoro pake napamusoro peJudha neJerusarema. 26Ipapo Hezekia akatendeuka kubva mukuzvikudza kwomwoyo wake, sezvakaitawo vanhu veJerusarema, naizvozvo hasha dzaMwari hadzina kuuya kwavari pamazuva aHezekia.
27Hezekia akanga ane pfuma yakawanda kwazvo uye nokukudzwa, uye akavaka matura okuchengeta sirivha yake negoridhe namatombo anokosha, nezvinonhuhwira, nenhoo nezvimwe zvinokosha zvose. 28Akavakawo matura okuchengetera zviyo zvaaikohwa, waini itsva, namafuta; uye akavaka matanga emombe dzamarudzi akasiyana-siyana namatanga amakwai. 29Akavaka misha uye akatenga makwai nemombe zhinji nokuti Mwari akanga amupa pfuma yakawanda.
30Hezekia ndiye akavhara mvura yaibuda muchitubu chepaGihoni ichiyerera nokumusoro akaivhurira kuti iende nezasi kumavirazuva kweGuta raDhavhidhi. Akabudirira mune zvose zvaiita. 31Asi pakatumwa nhume navatongi veBhabhironi kuti vamubvunze pamusoro pechiratidzo chechishamiso chakanga chaitika munyika, Mwari akamusiya kuti amuedze uye kuti azive zvose zvaiva mumwoyo make.
32Zvimwe zvakaitwa naHezekia panguva yokutonga kwake zvakanyorwa muchiratidzo chomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri. 33Hezekia akazorora namadzibaba ake akavigwa pachikomo pane makuva ezvizvarwa zvaDhavhidhi. Judha yose navanhu veJerusarema vakamuremekedza paakafa. Uye mwanakomana wake Manase akamutevera paumambo.

Você sabia?
A invasão de Senaqueribe e o livramento
- Diante da ameaça do cerco assírio, Ezequias e seus líderes taparam todas as fontes naturais fora de Jerusalém para privar os invasores de água. O rei também canalizou as águas da fonte superior de Giom diretamente para o lado ocidental da Cidade de Davi, assegurando o abastecimento interno da cidade.Fontes: o próprio texto bíblico · Gihon
- Enquanto Senaqueribe sitiava a fortaleza judaica de Laquis, ele enviou emissários a Jerusalém para desmoralizar os defensores. Os mensageiros assírios gritaram em alta voz em hebraico para o povo que vigiava sobre as muralhas da cidade, tentando aterrorizá-los para que se rendessem.Fontes: o próprio texto bíblico · Lachish · Sennacherib
- Em resposta às ameaças assírias, o rei Ezequias e o profeta Isaías, filho de Amoz, uniram-se em oração ao céu por livramento. O relato bíblico registra que outros detalhes do reinado e da devoção de Ezequias foram preservados na visão de Isaías, nos anais reais.Fontes: o próprio texto bíblico · Isaiah · Amoz
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
- Assyria · 36.359, 43.153 · versículos 1, 4, 7, 9, 10, 11, 13, 21, 22
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 2, 9, 10, 12, 18, 19, 22, 23, 25, 26, 33
- City of David · 31.774, 35.236 · versículos 5, 30
- Lachish · Hoje: Tell ed Duweir · 31.565, 34.849 · versículo 9
- Gihon · Hoje: Gihon Spring · 31.773, 35.236 · versículo 30
- Babylon · 32.543, 44.422 · versículo 31
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org