Nations Bible

1 Samuel 4

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

1Uye shoko raSamueri rakasvika kuIsraeri yose.

VaFiristia vanopamba Areka

Zvino vaIsraeri vakaenda kundorwa navaFiristia. VaIsraeri vakaungana paEbhenezeri, vaFiristia vakavaka misasa yavo paAfeki. 2VaFiristia vakagadzirira varwi vavo kuti vandosangana neIsraeri, uye hondo payakanga yava kupararira, Israeri yakakundwa navaFiristia avo vakauraya varume zviuru zvina zvavo pavairwira. 3Varwi pavakadzoka kumusasa, vakuru veIsraeri vakabvunza vakati, “Sei Jehovha aita kuti tikundwe nhasi pamberi pavaFiristia? Ngatitorei areka yesungano yaJehovha kubva kuShiro, kuti igoenda nesu uye igotiponesa kubva muruoko rwavavengi vedu.”

4Naizvozvo vanhu vakatuma varume kuShiro, uye vakadzosa areka yaJehovha Wamasimba Ose uye agere pachigaro choushe pakati pamakerubhi. Zvino vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vaivapo neareka yesungano yaMwari.

5Areka yesungano yaJehovha payakauya mumusasa, Israeri yose yakapururudza uye vakaita ruzha rukuru zvokuti pasi pakatinhira. 6Pavakanzwa mheremhere, vaFiristia vakabvunza vakati, “Mheremhere iri mumusasa wavaHebheru ndeyei?”

Vakati vazvinzwa kuti areka yaJehovha yakanga yauya mumusasa, 7vaFiristia vakatya. Vakati, “Mwari asvika mumusasa. Tava munhamo! Hapana chinhu chakadai seichi chati chamboitika. 8Tine nhamo! Ndianiko achatirwira pamaoko avamwari ava vane simba? Ndivo vamwari vakarova vaIjipita namarudzi ose amatambudziko mugwenga. 9Simbai vaFiristia! Ivai varume, mukasadaro muchava varanda vavaHebheru sezvavakanga vakaita kwamuri. Ivai varume, murwe!”

10Saka vaFiristia vakarwa, vaIsraeri vakakundwa uye munhu wose akatiza achidzokera kutende rake. Pakava nokuurayiwa kukuru; Israeri yakarasikirwa navarwi vetsoka zviuru makumi matatu. 11Areka yaJehovha yakapambwa uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vakafa.

Kufa kwaEri

12Zuva rimwe chetero, mumwe murume weBhenjamini akamhanya achibva kuhondo akaenda kuShiro, nguo dzake dzakabvaruka uye ane guruva pamusoro wake. 13Paakasvikako, Eri akanga akagara pachigaro chake parutivi rwenzira, akangotarisa, nokuti mwoyo wake waityira areka yaJehovha. Murume uyu paakapinda muguta akataura zvakanga zvaitika, guta rose rakachema.

14Eri akanzwa kuchema akandobvunza achiti, “Mheremhere iyi yose ndeyeiko?”

Murume uyu akachimbidza kuenda kuna Eri, 15akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namasere okuberekwa uye meso ava norutara zvokuti akanga asisaoni. 16Akati kuna Eri, “Ndiri kubva kuhondo izvozvi; ndatotizako nhasi chaiye.”

Eri akabvunza akati, “Chiiko chaitika mwanakomana wangu?”

17Murume akauya neshoko akapindura achiti, “Israeri yatiza vaFiristia, uye hondo yarasikirwa zvikuru. Uyewo vanakomana venyu vaviri Hofini naFinehasi vafa, uye areka yaMwari yapambwa.”

18Paakataura nezveareka yaMwari, Eri akawa negotsi kubva pachigaro chake parutivi rwesuo. Mutsipa wake wakatyoka akabva afa nokuti aiva murume akanga akwegura uye ari mukobvu. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi mana.

19Muroora wake, mukadzi waFinehasi, akanga ane pamuviri ava pedyo nokuda kubatsirwa. Paakanzwa nhau idzi dzokuti areka yaJehovha yakanga yapambwa uye kuti vatezvara vake nomurume wake vakanga vafa, akarwadziwa napamuviri akabereka mwana, asi akakurirwa namarwadzo ake pakusununguka. 20Paakanga ava kufa madzimai aimubatsira akati, “Usaora mwoyo wabatsirwa nomwana mukomana.” Asi haana kumbopindura kana kuzviteerera.

21Akatumidza mukomana uyu kuti Ikabhodhi, achiti, “Kubwinya kwabva muIsraeri,” nokuda kwokutorwa kweareka yaMwari uye nokufa kwatezvara vake nomurume wake. 22Akati, “Kubwinya kwabva muIsraeri, nokuti areka yaMwari yapambwa.”

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

A Arca capturada e a queda da casa de Eli

  • O nome do local Ebenézer, que significa pedra de ajuda, aparece aqui por antecipação. Samuel ergueu e nomeou a pedra memorial apenas anos mais tarde, após uma vitória posterior sobre os filisteus.Fontes: Ebenezer · o próprio texto bíblico
  • Os filisteus ficaram aterrorizados quando a Arca chegou ao acampamento hebreu, demonstrando que o conhecimento sobre as pragas enviadas contra o Egito havia se espalhado entre os povos vizinhos no antigo Oriente Próximo.Fontes: o próprio texto bíblico
  • Eli julgou Israel durante quarenta anos antes de morrer com o pescoço quebrado ao saber da captura da Arca e da morte de seus filhos Hofni e Fineias na batalha.Fontes: Eli · Hophni · Phinehas · o próprio texto bíblico

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Aphek · Hoje: Tell Ras el Ain · 32.105, 34.930 · versículo 1
  • Shiloh · Hoje: Khirbet Seilun · 32.056, 35.290 · versículos 3, 4, 12, 13

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.