1 Samuel 2
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Munyengetero waHana
1Ipapo Hana akanyengetera achiti:
“Mwoyo wangu unofara muna Jehovha;
muna Jehovha runyanga rwangu rwasimudzirwa kumusoro.
Muromo wangu unotaura usingatyi pamusoro pavavengi vangu,
nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
2“Hakuna mutsvene akaita saJehovha;
hakuna mumwe kunze kwenyu;
hakuna Dombo rakaita saMwari wedu.
3“Usaramba uchitaura uchizvikudza
uye manyawi ngaarege kubuda mumuromo mako,
nokuti Jehovha ndiMwari anoziva,
uye naye mabasa anoyerwa.
4“Uta hwavarwi hwatyorwa,
asi avo vakagumburwa vashongedzwa simba.
5Avo vaiva vakaguta vakandoshandira zvokudya zvavo,
asi avo vaiva nenzara havachanzwi nzara zvakare.
Uyo aiva asingabereki abereka vana vanomwe,
asi iye akanga ana vana vazhinji oshayiwa simba.
6“Jehovha ndiye anouraya uye ndiye anoraramisa;
anodzikisa kuguva uye anomutsawo.
7Jehovha ndiye anopa urombo uye noupfumi;
uye anoninipisa uye anosimudzira.
8Anosimudza varombo kubva paguruva
uye anosimudza vanoshaya kubva padurunhuru ramadota;
anovagarisa namachinda
uye anovaita kuti vagare nhaka yechigaro choumambo chokukudzwa.
“Nokuti nheyo dzenyika ndedzaJehovha,
pamusoro padzo akamisa nyika.
9Acharinda tsoka dzavatsvene vake,
asi vakaipa vachanyaradzwa murima.
“Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.
10Avo vanopikisa Jehovha vachaparadzwa.
Achavatinhirira ari kudenga;
Jehovha achatonga magumo enyika.
“Achapa simba kuna mambo wake,
uye achasimudzira runyanga rwomuzodziwa wake.”
11Zvino Erikana akaenda kumusha kwake kuRama, asi mukomana akashumira pamberi paJehovha ari pasi paEri muprista.
Vanakomana vaEri vakanga vakaipa
12Vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaipa; vakanga vasina hanya naJehovha. 13Zvino yakanga iri tsika yavaprista kuvanhu kuti munhu paaibayira chibayiro uye nyama ichiri kubikwa, muranda womuprista aiuya neforogo ine zvibayiso zvitatu muruoko rwake. 14Aiinyudza mugango, kana muhadyana, kana mugate kana mupoto, ipapo muprista ozvitorera chero zvainge zvabudiswa neforogo. Aya ndiwo mabatiro avaiita nawo vaIsraeri vose vaiuya kuShiro. 15Asi, kunyange mafuta asati atsva, muranda womuprista aiuya achiti kumurume aibayira chibayiro, “Ipa muprista nyama yokugocha; haasi kuzogamuchira nyama yakabikwa kubva kwauri, asi mbishi chete.”
16Kana murume uya aiti kwaari, “Rega mafuta ambotanga atsva uye iwe ugozotora chero zvaunoda,” muranda aibva apindura achiti, “Kwete, ndipe kuno izvozvi; kana ukasandipa ndichaitora nechisimba.”
17Ichi chivi chamajaya aya chaiva chakakura kwazvo pamberi paJehovha, nokuti vaizvidza chipo chaJehovha.
18Asi Samueri aishumira pamberi paJehovha, mukomana aive akapfeka efodhi yomucheka. 19Gore rimwe nerimwe, mai vake vaimuitira nguo diki uye vaienda nayo kwaari pavaienda nomurume wavo kundopa chibayiro chegore. 20Eri aibva aropafadza Erikana nomukadzi wake achiti, “Jehovha ngaakupe vana nomukadzi uyu kuti vatore nzvimbo youyo waakakumbira uye akamupa kuna Jehovha.” Ipapo vaibva vaenda kumusha kwavo. 21Zvino Jehovha akava nenyasha kuna Hana; akabata pamuviri akabereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Zvichakadaro, mukomana uyu Samueri akakura ari pamberi paJehovha.
22Zvino Eri, uyo akanga akwegura kwazvo, akanzwa zvose zvaiitwa navanakomana vake kuvaIsraeri vose zvokuti vairara namadzimai aishumira pasuo reTende Rokusangana. 23Saka akati kwavari, “Sei muchiita zvinhu zvakadai? Ndinonzwa navanhu vose pamusoro pezviito zvenyu zvakaipa izvi. 24Kwete, vana vangu; harisi shoko rakanaka randinonzwa richipararira pakati pavanhu vaJehovha. 25Kana munhu akatadzira mumwe munhu, Mwari angamumiririre, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndiani angamumiririre?” Kunyange zvakadaro, vanakomana vake havana kuteerera kutsiura kwababa vavo, nokuti kwaiva kuda kwaJehovha kuti avauraye.
26Zvino mukomana uyu Samueri akaramba achikura pamumhu uye napakudiwa naJehovha navanhu.
Chiprofita pamusoro peimba yaEri
27Zvino munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Handina kuzviratidza pachena kuimba yababa vako here pavaiva muIjipiti pasi paFaro? 28Ndakasarudza baba vako kubva kumarudzi ose aIsraeri kuti vave muprista wangu, kuti vakwire kuaritari yangu, kundopisa zvinonhuhwira, uye kuti vapfeke efodhi pamberi pangu. Ndakapawo imba yababa vako zvose zvipiriso zvaipiswa navaIsraeri. 29Sei muchizvidza chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakarayira mumba mangu? Sei muchikudza vanakomana venyu kudarika ini nokuzvikudza pachenyu nezvikamu zvakanakisisa zvezvipiriso zvose zvinopiwa navanhu vangu veIsraeri?’
30“Naizvozvo Jehovha, Mwari weIsraeri, anoti, ‘Ndakavimbisa kuti imba yako neimba yababa vako dzichashumira pamberi pangu nokusingaperi.’ Asi zvino Jehovha anoti, ‘Ngazvive kure neni! Avo vanondikudza ndichavakudza, asi avo vanondizvidza vachadzikisiswa. 31Nguva iri kuuya yandichagura simba rako nesimba reimba yababa vako, zvokuti hakuchazova nomutana mumhuri yako 32uye uchaona kutambudzika muimba yangu. Kunyange zvazvo zvakanaka zvichizoitirwa Israeri, mumhuri yako hamuzofi makava nomutana. 33Mumwe nomumwe wenyu wandisingabvisi paaritari yangu achasiyiwa kuti apofumadze meso enyu nemisodzi uye kuti arwadzise mwoyo yenyu, uye zvizvarwa zvako zvose zvichafa zvichine simba.
34“ ‘Uye zvichaitika kuvanakomana vako vaviri, Hofini naFinehasi zvichava chiratidzo kwauri, vachafa vose zuva rimwe chete. 35Ndichazvimutsira muprista akatendeka, achaita zvinoenderana nezviri mumwoyo mangu nomundangariro dzangu. Ndichamisa imba yake zvakasimba, uye achashumira pamberi pomuzodziwa wangu nguva dzose. 36Ipapo wose achasara mumhuri yako achauya agokotama pamberi pake kuti apiwe mari yesirivha nechimedu chechingwa agokumbirisa achiti, “Dondipaiwo rimwe basa rouprista kuti ndingowana zvokudya.” ’ ”

Você sabia?
O Cântico de Ana e o Sacerdócio em Siló
- Os filhos de Eli, Hofni e Fineias, violavam os costumes do santuário ao exigir carne crua antes que a gordura fosse queimada no altar e ao usar um garfo de três dentes para tirar carne das panelas. Suas exigências agressivas tratavam as ofertas do Senhor com desprezo.Fontes: o próprio texto bíblico · Hophni · Phinehas
- Enquanto servia perante Eli em Siló, o jovem Samuel vestia um éfode de linho. A cada ano, quando seus pais iam oferecer o sacrifício anual, sua mãe Ana lhe trazia uma pequena túnica feita por ela.Fontes: o próprio texto bíblico · Samuel · Hannah
- Um homem de Deus anunciou juízo contra a casa de Eli por profanar os sacrifícios e honrar seus filhos corruptos mais do que a Deus. A profecia advertiu que a linhagem sacerdotal de Eli seria cortada, tendo como sinal a morte de Hofni e Fineias no mesmo dia.Fontes: o próprio texto bíblico · Eli · Hophni
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org