Nations Bible

1 Reis 3

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Soromoni anokumbira Uchenjeri

1Soromoni akaita ukama naFaro, mambo weIjipiti akawana mwanasikana wake. Akauya naye kuGuta raDhavhidhi kusvikira apedza kuvaka muzinda wake netemberi yaJehovha, norusvingo runopoteredza Jerusarema. 2Asi, vanhu vakanga vachibayira zvibayiro panzvimbo dzakakwirira nokuti hapana temberi yakanga yati yavakirwa zita raJehovha. 3Soromoni akada Jehovha akafamba nomumitemo yababa vake Dhavhidhi, asi akabayira nokupisa zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira.

4Zvino mambo akaenda kuGibheoni kundobayira, nokuti ndiyo yaiva nzvimbo yakakwirira huru, Soromoni akabayira zvipiriso zvinopiswa zvinokwana chiuru paaritari. 5PaGibheoni Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku muchiroto, Mwari akati, “Kumbira chipi nechipi chaunoda kuti ndikupe.”

6Soromoni akapindura akati, “Makaratidza muranda wenyu, baba vangu Dhavhidhi, tsitsi dzenyu huru nokuti akanga akavimbika kwamuri uye akarurama uye akachena mumwoyo. Muchiri kumuratidza unyoro hwenyu hukuru uye mamupa mwanakomana kuti agare pachigaro chake chokutonga iye nhasi.

7“Zvino, Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi. Asi ini ndinongova hangu mwana mudiki uye handizivi mashandiro andingaita mabasa angu. 8Muranda wenyu ari pakati pavanhu venyu vamakasarudza, vanhu vazhinji kwazvo, vasingagoni kuverengwa nokuwanda kwavo. 9Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti atonge vanhu venyu, kuti ndikwanise kuziva zvakanaka nezvakaipa; nokuti ndiani angagone kutonga vanhu venyu vakawanda kudai?”

10Jehovha akafara nokuti Soromoni akanga akumbira chinhu ichi. 11Naizvozvo Jehovha akati kwaari, “Sezvo wakumbira chinhu ichi ukasazvikumbirira upenyu hurefu kana upfumi, ukasakumbira kuti vavengi vako vaurayiwe, asi wakumbira kunzwisisa pakutonga zvakarurama, 12ndichaita zvawakumbira. Ndichakupa mwoyo wakachenjera unonzwisisa, zvokuti hakuna kumbova nomumwe akafanana newe uye hakuchazova nomumwe akafanana newe mushure mako. 13Pamusoro pezvo, ndichakupawo zvausina kukumbira, zvose upfumi nokukudzwa, zvokuti muupenyu hwako hapana mumwe anozoenzana newe pakati pamadzimambo. 14Kana ukafamba munzira dzangu nokuteerera mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaita Dhavhidhi baba vako, ndichakupa upenyu hurefu.” 15Ipapo Soromoni akamuka, akabva aziva kuti kwakanga kuri kurota.

Akadzokera kuJerusarema, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuwadzana. Ipapo akaitira varanda vake vose mutambo.

Soromoni anotonga noUchenjeri

16Zvino vakadzi vaviri vaiva zvifeve vakauya kuna mambo vakamira pamberi pake. 17Mumwe wavo akati, “Ishe wangu, mukadzi uyu neni tinogara muimba imwe chete. Ini ndakapona mwana iye aripowo. 18Zvino nezuva rechitatu mushure mokuberekwa kwomwana wangu, mukadzi uyu akaponawo mwana. Takanga tiri toga; hapana mumwe munhu akanga ari mumba kunze kwedu isu vaviri.

19“Usiku ihwohwo mwana womukadzi uyu akafa, nokuti akavata pamusoro pake. 20Saka akamuka pakati pousiku akatora mwanakomana wangu kubva parutivi pangu, ini muranda wenyu ndivete. Akamuisa pachipfuva chake akaisa mwanakomana wake akafa pachipfuva changu. 21Pandakamuka mangwanani kuti ndiyamwise mwanakomana wangu ndakaona kuti akanga afa; asi pandakazotarisisa mangwanani, ndakaona zviri pachena kuti haasiriye mwanakomana wandakanga ndapona.”

22Asi mukadzi mumwe uya akati, “Kwete, mwanakomana mupenyu ndowangu, mwanakomana akafa ndowako.”

Asi wokutanga akaramba akati, “Kwete, akafa ndowako; mupenyu ndiye wangu.” Naizvozvo vakaitirana nharo pamberi pamambo.

23Ipapo mambo akati, “Mumwe anoti, ‘Mwanakomana wangu ndiye mupenyu, uye mwanakomana wako ndiye akafa,’ mumwewo achiti, ‘Kwete! Mwanakomana wako ndiye akafa, uye mwanakomana wangu ndiye mupenyu.’ ”

24Ipapo mambo akati, “Nditorerei munondo.” Naizvozvo vakauya nomunondo kuna mambo. 25Akati, “Chekai mwana mupenyu napakati mugopa hafu kuno mumwe uye imwe hafu kuno mumwe.”

26Mukadzi aiva nomwana mupenyu akanzwira mwanakomana wake tsitsi akati kuna mambo, “Ndapota ishe wangu, mupei zvenyu mwana ari mupenyu! Musamuuraya!”

Asi mumwe wacho akati, “Iwe neni hapana ari kuzomuwana. Muchekei napakati!”

27Ipapo mambo akapa mutongo wake akati, “Ipai mwana mupenyu kumukadzi wokutanga. Musamuuraya; ndiye mai vake.”

28VaIsraeri vose vakati vanzwa matongero akanga aita mambo, vakatya mambo, nokuti vakaona kuti uchenjeri hwaibva kuna Mwari hwaiva maari, kuti atonge zvakarurama.

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

A Sabedoria e o Julgamento de Salomão

  • Salomão formou uma aliança com o Egito ao se casar com a filha do faraó, marcando a primeira menção nas Escrituras de uma ligação entre Israel e o Egito desde o Êxodo. Ela residiu na Cidade de Davi enquanto o palácio real de Salomão, o templo e os muros ao redor de Jerusalém estavam sendo construídos.Fontes: Daughter of Pharaoh · o próprio texto bíblico
  • Antes da construção do templo em Jerusalém, o povo e o rei Salomão ofereciam sacrifícios nos lugares altos locais. Gibeão era considerado o principal lugar alto porque o tabernáculo havia sido instalado ali após a destruição de Nobe, permanecendo no local até que Salomão concluísse o templo.Fontes: Gibeon · o próprio texto bíblico
  • Tendo sucedido a Davi no trono em sua juventude, Salomão descreveu a si mesmo como uma criança pequena quando Deus lhe apareceu em sonho em Gibeão. Em vez de pedir riquezas, vida longa ou a derrota de seus inimigos, ele pediu um coração compreensivo para julgar o povo e discernir entre o bem e o mal.Fontes: Solomon · o próprio texto bíblico

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • City of David · 31.774, 35.236 · versículo 1
  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículo 1
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 1, 15
  • Gibeon · Hoje: El Jib · 31.847, 35.183 · versículos 4, 5

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.