1 Reis 18
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Eria naObhadhia
1Zvino mushure menguva huru, mugore rechitatu, shoko raJehovha rakauya kuna Eria richiti, “Enda undozviratidza kuna Ahabhu, uye ini ndichanayisa mvura panyika.”
2Saka Eria akaenda kundozviratidza kuna Ahabhu.
Zvino nzara yakanga yanyanya kwazvo muSamaria, 3uye Ahabhu akanga adana Obhadhia uyo akanga ari mutariri womuzinda wake. (Obhadhia akanga achitenda kuna Jehovha zvikuru kwazvo. 4Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha, Obhadhia akanga atora vaprofita zana akavaviga mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe. Uye akavapa kudya nemvura.) 5Ahabhu akanga ati kuna Obhadhia, “Enda munyika umu kuzvitubu zvose nemipata yose. Zvimwe tingawana uswa tiraramise mabhiza namanyurusi kuitira kuti tirege kuzouraya kana chimwe chete chezvipfuwo zvedu.” 6Saka vakagovana nzvimbo dzavaizoenda, Ahabhu achienda kune rimwe divi, Obhadhia kune rimwewo divi.
7Obhadhia akati achifamba, Eria akasangana naye. Obhadhia akamuziva akakotamira pasi, akati, “Chaizvoizvo chokwadi, ndimi here ishe wangu Eria?”
8Akapindura akati, “Hongu. Enda undoudza ishe wako kuti, ‘Eria ari kuno.’ ”
9Obhadhia akabvunza akati, “Ndatadzeiko zvamava kuendesa muranda wenyu kuna Ahabhu kuti andourayiwa? 10Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, hakuna rudzi kana nyika, ishe wangu, kwaasina kutuma mumwe munhu kuti andokutsvagai. Uye kana pane nyika kana rudzi vaiti makanga musiko, aitovamanikidza kuti vapike kuti vakanga vakushayai. 11Asi zvino mava kundiudza kuti ndiende kuna ishe wangu ndinoti, ‘Eria ari kuno.’ 12Ini handizivi kuti Mweya waJehovha uchakuendesai kupi kana ndabva pano pamuri. Kana ndikaenda kundoudza Ahabhu, iye akazokushayai, anondiuraya. Asi ini muranda wenyu ndakashumira Jehovha kubvira pauduku hwangu. 13Ishe wangu, hamuna kunzwa here zvandakaita, Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha? Ndakaviga vaprofita vaJehovha zana mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe uye ndakavapa kudya nemvura. 14Zvino mava kundiudza kuti ndiende kuna ishe wangu ndinoti, ‘Eria ari kuno.’ Anondiuraya!”
15Eria akati, “NaJehovha Wamasimba Ose mupenyu, wandinoshandira, zvirokwazvo ndichazvipira kuna Ahabhu nhasi.”
Eria paGomo reKarimeri
16Saka Obhadhia akaenda kundosangana naAhabhu akamuudza, uye Ahabhu akaenda kundosangana naEria. 17Paakaona Eria, akati kwaari, “Ndiwe here, iwe mutambudzi weIsraeri?”
18Eria akapindura akati, “Handina kuuyisa dambudziko kuIsraeri, asi imi nemhuri yenyu ndimi makadaro. Makasiya mirayiro yaJehovha mukatevera Bhaari. 19Zvino danai vanhu muIsraeri yose kuti vazosangana neni paGomo reKarimeri. Muuyewo namazana mana namakumi mashanu avaprofita vaBhaari namazana mana avaprofita vaAshera vanodya patafura yaJezebheri.”
20Saka Ahabhu akatuma shoko muIsraeri yose akaunganidza vaprofita paGomo reKarimeri. 21Eria akaenda pamberi pavanhu akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, muteverei; asi kana Bhaari ari Mwari, muteverei.”
Asi vanhu havana chavakataura.
22Zvino Eria akati kwavari, “Ini chete pavaprofita vaJehovha ndini ndasara, asi Bhaari ane vaprofita mazana mana namakumi mashanu. 23Titorerei hando mbiri. Ivo ngavazvisarudzire yavo, uye ngavaicheke-cheke kuita zvidimbu zvidimbu vagoiisa pamusoro pehuni, asi havafaniri kudzitungidza nomoto. Ini ndichagadzira imwe hando yacho ndigoiisa pamusoro pehuni asi handizodzitungidzi nomoto. 24Ipapo mudane kuzita ramwari wenyu, uye ini ndichadana kuzita raJehovha. Mwari achapindura nomoto ndiye Mwari.”
Ipapo vanhu vose vakati, “Zvawataura zvakanaka.”
25Eria akati kuvaprofita vaBhaari, “Sarudzai imwe yehando idzi mugotanga imi kuigadzira, sezvo makawanda. Danai kuzita ramwari wenyu, asi musatungidza moto.” 26Saka vakatora hando yavakanga vapiwa vakaigadzira.
Ipapo vakadana kuzita raBhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati. Vakadanidzira vakati, “Bhaari, tipindure!” Asi mhinduro haina kuwanikwa; hapana akapindura. Vakatamba vachipoterera aritari yavakanga vaita.
27Ava masikati, Eria akatanga kuvatuka akati, “Danidzirisai! Zvirokwazvo ndimwari! Zvichida ari kufunga zvakadzama kwazvo, kana kuti ane basa kwazvo, kana kuti ari parwendo. Zvimwe akavata zvokuti anotofanira kumutswa.” 28Saka vakatonyanyisa kudanidzira, vakazvicheka-cheka neminondo namapfumo, setsika yavo, kusvikira ropa ravo raerera. 29Masikati akapfuura, ivo vakaramba vachiprofita zveshungu kusvikira nguva yechibayiro chamanheru. Asi hapana chakaitika, hapana akapindura, hapana akaratidza hanya.
30Ipapo Eria akati kuvanhu vose, “Uyai kuno kwandiri.” Vakauya kwaari, iye akagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa. 31Eria akatora mabwe gumi namaviri, rimwe chete rakamirira rudzi rumwe chete rwavanakomana vaJakobho, uyo akanga audzwa naJehovha kuti, “Zita rako richava Israeri.” 32Akashandisa mabwe aya kuvaka aritari muzita raJehovha, uye akachera mugero waipoteredza aritari wakanga wakakura zvokuti waikwana maseya maviri embeu. 33Akaronga huni, akacheka hando kuita zvidimbu zvidimbu, akaiisa pamusoro pehuni. Ipapo akati kwavari, “Zadzai zvirongo zvikuru zvina nemvura mugoidira pamusoro pechipiriso napamusoro pehuni.”
34Akati, “Pamhidzai zvakare,” ivo vakapamhazve.
Akatizve, “Pamhidzai kechitatu.” 35Mvura yakaerera ichipoteredza aritari ikazadzawo nomugero.
36Panguva yechibayiro, muprofita Eria akaenda pamberi akanamata akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari munyika yeIsraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uyewo kuti ndaita zvinhu zvose izvi sezvamakandirayira. 37Haiwa Jehovha, ndipindurei, ndipindurei, kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari, uye kuti muri kudzora mwoyo yavo zvakare.”
38Ipapo moto waJehovha wakaburuka ukapisa chibayiro, nehuni namabwe nevhu, ukananzva mvura yose yaiva mumugero.
39Vanhu vose pavakaona izvi, vakawira pasi nezviso zvavo, vakadanidzira vachiti, “Jehovha ndiye Mwari! Jehovha ndiye Mwari!”
40Ipapo Eria akavarayira akati, “Batai vaprofita vaBhaari. Musarega kana mumwe chete achipunyuka!” Vakavabata, uye Eria akaita kuti vaendeswe zasi kuMupata weKishoni vakandourayirwako.
41Uye Eria akati kuna Ahabhu, “Chienda undodya uye unwe, nokuti kune kutinhira kwemvura zhinji.” 42Saka Ahabhu akaenda kundodya nokunwa, asi Eria akakwira pamusoro pegomo reKarimeri, akakotamira pasi akaisa chiso chake pakati pamabvi ake.
43Akaudza muranda wake kuti, “Enda undotarisa kwakadziva kugungwa.” Akakwira akandotarisa.
Akati, “Hakuna chiriko uku.”
Eria akati, “Dzokerazve,” kanomwe.
44Kechinomwe muranda akati, “Gore duku rakaenzana nechanza chomunhu riri kukwira richibva mugungwa.”
Saka Eria akati, “Enda undoudza Ahabhu kuti, ‘Sunga ngoro yako uburuke usati wadzivirirwa nemvura.’ ”
45Panguva imwe cheteyo denga rakasviba namakore, mhepo ikavhuvhuta, mvura zhinji ikauya, Ahabhu akaenda nengoro kuJezireeri. 46Simba raJehovha rakauya pana Eria, akasunga jasi rake nebhanhire, akamhanya pamberi paAhabhu nzira yose kusvika kuJezireeri.

Você sabia?
O confronto no Monte Carmelo
- Obadias, o administrador do palácio do rei Acabe, manteve sua fidelidade a Deus e escondeu secretamente cem profetas do Senhor em cavernas, cinquenta em cada uma, sustentando-os com comida e água quando a rainha Jezabel procurava matá-los.Fontes: Obadiah · Jezebel · o próprio texto bíblico
- Baal era a principal divindade masculina dos fenícios, cujo culto se espalhou pelo reino do norte de Israel sob o rei Acabe e sua esposa fenícia, Jezabel. A assembleia no Monte Carmelo reuniu 450 profetas de Baal contra Elias para verificar qual divindade responderia com fogo.Fontes: Baal · Jezebel · Mount Carmel · o próprio texto bíblico
- O Quisom, para onde os profetas de Baal foram levados após o confronto, é uma torrente de inverno que corre na base do Monte Carmelo em direção ao mar Mediterrâneo. Depois de orar no cume pela chuva, Elias correu à frente da carruagem de Acabe até Jezreel, uma importante residência real.Fontes: Kishon · Jezreel · o próprio texto bíblico
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org