Nations Bible

1 Reis 10

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Mambokadzi weShebha anoshanyira Soromoni

1Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa nezvomukurumbira waSoromoni noukama hwake nezita raJehovha, akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma. 2Akasvika paJerusarema navanhu vakawanda, nengamera dzakanga dzakatakura zvinonhuhwira, goridhe rakawanda kwazvo, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye pamusoro pezvose zvaiva mupfungwa dzake. 3Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hapana chakanga chakanyanya kuomera mambo kuti amutsanangurire. 4Mambokadzi weShebha akati aona uchenjeri hwose hwaSoromoni nomuzinda waakanga avaka, 5zvokudya zvaiva patafura yake, urongwa hwokugara kwamachinda ake, varanda vake vaimushandira nezvipfeko zvavo, vadiri vake, nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha, akapererwa.

6Akati kuna mambo, “Zvose zvandakanzwa munyika mangu pamusoro pamabasa enyu nouchenjeri hwenyu zvaiva zvechokwadi. 7Asi handina kutenda zvinhu izvi kusvikira ndauya ndikazviona nameso angu chaiwo. Zvechokwadi, zvandakaudzwa hazvisviki pahafu yezviripo; muuchenjeri nomuupfumi mapfuura zvose zvandakanzwa. 8Vanhu venyu vanofanira kuva vanofara sei! Machinda enyu anofara sei, ivo vanomira pamberi penyu nguva dzose nokunzwa uchenjeri hwenyu! 9Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, iye akafadzwa nemi akakuisai pachigaro choushe chaIsraeri. Jehovha akada Israeri nokusingaperi, nokuda kwaizvozvo akuitai mambo kuti muchengetedze kururamisira noutsvene.”

10Akapa mambo matarenda zana namakumi maviri egoridhe, zvinonhuhwira kwazvo, namatombo anokosha. Hapana mumwe akazouya nezvinonhuhwira zvakawanda sezvakauyiwa nazvo namambokadzi weShebha kuna Mambo Soromoni.

11Zvikepe zvaHiramu zvakauya negoridhe kubva kuOfiri; uyewo zvakauya nemiti yemiarumugi namatombo anokosha kubva ikoko. 12Mambo akashandisa miarumugi iyi kuita mbiru dzetemberi yaJehovha, nedzomuzinda wamambo, uye kugadzira mbira nemitengeranwa zvaishandiswa navaimbi. Miti yemiarumugi yakawanda kudai haina kuzombouyiswa munyika zvakare kana kuonekwa zvakare kubvira musi iwoyo.

13Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvaaida nezvaakakumbira, pamusoro pezvaakamupa zvaibva papfuma yake youmambo. Ipapo akabva asimuka navaranda vake akadzokera kunyika yake.

Pfuma yaSoromoni nembiri yake

14Uremu hwegoridhe raitambirwa naSoromoni gore negore hwaisvika matarenda mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu, 15pasingaverengerwi mari yomutero yairipiswa vatengesi vakuru navatengesi vadiki, namadzimambo ose eArabhia navabati venyika.

16Mambo Soromoni akaita mazana maviri enhoo huru dzegoridhe rakarohwa nenyundo; nhoo imwe neimwe yaiva yakagadzirwa namazana matanhatu amashekeri egoridhe. 17Akaitawo mazana matatu enhoo diki dzegoridhe rakarohwa nenyundo, nhoo imwe neimwe yakagadzirwa nemamina matatu egoridhe. Mambo akadziisa muMuzinda weSango reRebhanoni.

18Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou akachifukidza negoridhe rakanakisisa. 19Chigaro ichi chaiva namatanhiko matanhatu, uye musoro wechigaro wakanga uri wedenderedzwa shure kwacho. Kumativi maviri echigaro kwaiva nezvitsigiro zvamaoko zviviri, uye shumba mbiri dzakanga dzakamira pamativi ezvitsigiro zviviri izvi. 20Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pamatanhiko matanhatu, imwe chete kwaiperera danhiko rimwe nerimwe. Hakuna zvakadai zvakanga zvamboitirwa humwe umambo. 21Midziyo yose yaMambo Soromoni yokunwira yaiva yegoridhe rakanakisisa. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti sirivha yakanga isingakoshi zvikuru mumazuva aSoromoni. 22Mambo aiva nechitsama chezvikepe zveTashishi pagungwa izvo zvaiva pamwe chete nezvikepe zvaHiramu. Zvikepe zveTashishi izvi zvaiuya kamwe chete mumakore matatu zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou, mapikoko namakudo.

23Mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose panyika paupfumi napauchenjeri. 24Nyika yose yakada kuzosangana naSoromoni kuti inzwe uchenjeri hwakanga waiswa mumwoyo make naMwari. 25Gore negore munhu wose aiuya nechipo, zvinhu zvakagadzirwa nesirivha nezvegoridhe, mbatya, zvombo nezvinonhuhwira, namabhiza namanyurusi.

26Soromoni akaunganidza ngoro namabhiza; akanga ane ngoro dzinokwana chiuru namazana mana namabhiza anokwana zviuru gumi nezviviri, zvaaichengeta kumaguta engoro nomuJerusarema maaivawo. 27Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye misidhari yakawanda kunge mionde yomuzasi mamakomo. 28Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe vatengesi vamambo vainoatengera kuKuwe. 29Vakatenga imwe ngoro kuIjipiti namashekeri esirivha mazana matanhatu, rimwe bhiza rikaita zana namakumi mashanu. Vaitengeserawo kumadzimambo avaHiti navaAramu.

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

O Esplendor de Salomão e a Rainha de Sabá

  • Sabá é identificada com Sabá no sul da Arábia, um reino famoso no mundo antigo pelo lucrativo comércio de especiarias e aromas. A visita da rainha com uma grande caravana de camelos trazendo especiarias, ouro e pedras preciosas refletia interesses diplomáticos e a riqueza comercial de sua região.Fontes: Sheba · o próprio texto bíblico
  • Salomão aliou-se ao rei Hirão de Tiro para realizar expedições marítimas a terras distantes como Ofir e Társis. Essas frotas retornavam com mercadorias raras, incluindo madeira de almugue, marfim, pedras preciosas e ouro, enriquecendo ainda mais a corte real em Jerusalém.Fontes: Hiram · Ophir · Tarshish · o próprio texto bíblico
  • O texto bíblico descreve o elaborado trono de marfim de Salomão revestido de ouro puro, situado sobre seis degraus ladeados por doze leões esculpidos. Essa mobília extravagante e os recipientes de ouro para beber destacavam a prosperidade sem precedentes de seu reinado.Fontes: o próprio texto bíblico

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Sheba · 15.348, 44.206 · versículos 1, 4, 10, 13
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 2, 26, 27
  • Arabia · Hoje: Arabian Peninsula · 23.000, 46.000 · versículo 15
  • House of the Forest of Lebanon · Hoje: in Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 17, 21
  • Shephelah · 31.692, 34.875 · versículo 27
  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículos 28, 29
  • Syria · Hoje: Aram · 33.511, 36.306 · versículo 29

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.