Rut 2
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Naomi anosangana naBhoazi
1Zvino Naomi aiva nehama yokumurume wake, aibva kuimba yaErimereki, murume akasimukira, zita rake richinzi Bhoazi.
2Zvino Rute muMoabhu akati kuna Naomi, “Regai ndiende kuminda ndinonongera zviyo zvinosara ndiri shure kwaani zvake achandiitira nyasha.”
Naomi akati kwaari, “Enda hako mwanasikana wangu.” 3Naizvozvo akaenda kuminda akatanga kunongera ari muminda achitevera shure kwavacheki. Zvakaitika ndezvokuti akabva angoenda kundoshanda mumunda waBhoazi, uyo aibva kuimba yaErimereki.
4Panguva iyoyo Bhoazi akasvika achibva kuBheterehema ndokukwazisa vacheki achiti, “Jehovha ave nemi!”
Ivo vakapindura vachiti, “Jehovha akuropafadzei!”
5Bhoazi akabvunza mutariri wavacheki akati, “Ko, mukadzi wechidiki uyo ndewani?”
6Mutariri akapindura akati, “Mukadzi wechiMoabhu akadzoka pamwe chete naNaomi vachibva kuMoabhu. 7Ati, ‘Ndapota nditenderei kunongera ndichiunganidza pakati pezvisote ndiri mushure mavacheki.’ Abva aenda mumunda akashanda nesimba kubva mangwanani kusvikira zvino, kunze kwenguva pfupi yaazorora ari mudumba iro.”
8Saka Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa, mwanasikana wangu. Usaenda kunonongera uri kuno mumwe munda uye usaenda kure uchibva pano. Gara pano navashandi vangu vechisikana ava. 9Utarire munda uyo waunoona varume vachicheka, ugotevera mushure mavasikana. Ndarayira majaya kuti arege kukubata. Uye paunonzwira nyota, uende kunonwa mvura mumidziyo iyo yazadzwa namajaya.”
10Ipapo, akawira pasi nechiso chake akatsikitsira pasi. Akashamisika, akati, “Zvaita sei kuti ndiwane nyasha dzakadai pamberi penyu kuti mundione ini mutorwa?”
11Bhoazi akapindura achiti, “Ndakaudzwa pamusoro pezvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, uye kuti wakasiya sei baba vako namai vako uye nenyika yokwako ukauya kuzogara navanhu vawakanga usingazivi. 12Jehovha ngaakuripire pane zvawakaita. Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaakupe mubayiro uzere, iye wawakauya ukavanda pasi pamapapiro ake.”
13Rute akati, “Regai ndirambe ndichiwana nyasha pamberi penyu, ishe wangu. Mandinyaradza uye mataura netsitsi kumurandakadzi wenyu kunyange ndisina kufanana navamwe varandakadzi venyu.”
14Panguva yokudya, Bhoazi akati kwaari, “Uya kuno. Tora chingwa udye uchiseva muvhiniga iyi.”
Akati agara pasi navacheki, Bhoazi akamupa zviyo zvakakangwa. Akadya zvose zvaaida zvimwe zvikasara. 15Paakasimuka kuti anongere, Bhoazi akarayira majaya ake achiti, “Kunyange akaunganidza pakati pezvisote, musamudzivisa. 16Asi, mumuvhomorere dzimwe tsama, kubva pamasumbu enyu mumusiyire agononga, uye musamutsiura.”
17Naizvozvo Rute akanongera ari mumunda kusvikira manheru. Ipapo akapura bhari raakanga aunganidza, rikasvika pachiero cheefa. 18Akaritakura akaenda naro kuguta, vamwene vake vakaona kuti akanga aunganidza zvakadini. Rute akavigirawo vamwene vake zvaakanga asiya paakanga adya akaguta.
19Vamwene vake vakamubvunza vakati, “Nhasi wanga uchinongera uri kupiko? Washandirepi? Ngaaropafadzwe murume uyo akuona.”
Ipapo Rute akaudza vamwene vake pamusoro pomunhu akanga ari mwene wenzvimbo yaakanga achishandira. Akati kwaari, “Zita romurume wandashanda naye nhasi ndiBhoazi.”
20Naomi akati kumuroora wake, “Jehovha ngaamuropafadze! Iye asina kurega kuratidza tsitsi kuvapenyu navakafa.” Akatizve, “Murume iyeye ihama yedu yapedyo; mumwe wavadzikinuri vedu.”
21Ipapo Rute muMoabhu akati, “Abva ati kwandiri, ‘Gara navashandi vangu kusvikira vapedza kucheka zviyo zvangu zvose.’ ”
22Naomi akati kuna Rute muroora wake, “Zvichava zvakanaka kwauri mwanangu, kuti uende navasikana vake, nokuti ukaenda mumunda womumwe ungazokanganiswa.”
23Saka Rute akagara pedyo navasikana vaishandira Bhoazi achinongera kusvikira kuchekwa kwegorosi nebhari kwapera. Uye iye akagara navamwene vake.

¿Sabías que…?
Rut espiga en los campos de Booz
- Belén estaba situada en la región montañosa de Judá, y los valles fértiles al este servían como campos agrícolas donde Rut recogía las espigas de cebada que dejaban los segadores.Fuentes: Bethlehem · Ruth · el propio texto bíblico
- Booz era un terrateniente próspero en Belén, perteneciente al clan del difunto esposo de Noemí, Elimelec, lo que lo convertía en un pariente cercano y redentor de la familia.Fuentes: Boaz · Elimelech · el propio texto bíblico
- Aunque Rut era una extranjera procedente de Moab, Booz le ofreció una hospitalidad y protección especiales, compartiendo con ella grano tostado y agua, y ordenando a sus trabajadores que no la molestaran debido a su lealtad hacia Noemí.Fuentes: Ruth · el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org