Romanos 11
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Vakasara vavaIsraeri
1Zvino ndinobvunza ndichiti: Mwari akarasa vanhu vake here? Kwete napaduku pose! Nokuti ini pachangu ndiri muIsraeri, chizvarwa chaAbhurahama, ndiri worudzi rwaBhenjamini. 2Mwari haana kurasa vanhu vake, avo vaakaziva pakutanga. Hamuzivi here zvinorehwa noRugwaro pandima inotaura nezvaEria, kuti akakumbira sei kuna Mwari pamusoro peIsraeri achiti, 3“Ishe vakauraya vaprofita venyu uye vakaputsa aritari dzenyu; ndini ndoga ndasara, uye vari kuedza kundiuraya”? 4Uye Mwari akamupindura achiti kudiniko? “Ndakazvichengetera varume zviuru zvinomwe vasina kupfugamira Bhaari.” 5Saizvozvowo, panguva ino varipo vakasara, vakasanangurwa nenyasha. 6Uye kana zvava zvenyasha, saka hazvichisiri zvamabasa; kana dai zvaiva zvakadaro, nyasha hadzaizova nyasha.
7Zvino tichatiiko? Zvakatsvakwa navaIsraeri nokushingaira havana kuzviwana, asi vasanangurwa ndivo vakazviwana. Vamwe vakaomeswa mwoyo, 8sezvazvakanyorwa zvichinzi:
“Mwari akavapa mweya wehope,
meso kuti vasaona,
nzeve kuitira kuti vasanzwa,
kusvikira nanhasi uno.”
9Uye Dhavhidhi anoti:
“Tafura yavo ngaive musungo neriva,
nechigumbuso uye nechinotsiva kwavari.
10Meso avo ngaasvibirwe kuti vasaona;
uye mukotamise misana yavo nokusingaperi.”
Mapazi akasimwa pane mimwe miti
11Zvakare ndinobvunza ndichiti: Ko, vakagumbuswa vakawa zvokusazomukazve here? Kwete napaduku pose! Asi kuti nokuwa kwavo ruponeso rwakauya kune veDzimwe Ndudzi kuti Israeri ive negodo. 12Zvino kana kudarika kwavo kuchipfumisa nyika, uye kurasikirwa kwavo kuchireva pfuma kune veDzimwe Ndudzi, kuzara kwavo kuchauyisa pfuma yakakura zvakadii!
13Ndiri kutaura kwamuri imi veDzimwe Ndudzi. Sezvandiri mupostori weveDzimwe Ndudzi, ndinokudza ushumiri hwangu 14netariro yokuti zvimwe ndingamutsa godo kuvanhu vangu uye ndiponese vamwe vavo. 15Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, ko, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu kubva kurufu? 16Zvino kana chikamu chechikanyiwa chakapiwa sechibereko chokutanga chiri chitsvene, saka chikanyiwa chose chitsvene; kana mudzi uri mutsvene namatavi acho akadarowo.
17Kana mamwe matavi akavhuniwa, uye imi, kunyange muri muorivhi wokudondo, wakabatanidzwa pakati pamamwe, zvino mava nomugove pamwe chete nawo kubva pamudzi womuorivhi, 18musazvikudza pamusoro pamatavi ayo. Kana muchizvikudza murangarire izvi: Hamuzimi makatakura mudzi, asi kuti mudzi ndiwo wakakutakurai. 19Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa kuti ini ndibatanidzwe.” 20Ndizvozvo. Asi akavhuniwa nokuda kwokusatenda, uye iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi uve nokutya. 21Nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo.
22Naizvozvo nyatsofunga pamusoro pounyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi unyoro kwauri, kana ukaramba uchifamba muunyoro hwake. Kana zvikasadaro newewo uchatemwa. 23Uye kana vakasarambirira pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidza zvakare. 24Nokuti, kana iwe wakatemwa kubva pamuorivhi womumunda pakusikwa kwawo, uye ukabatanidzwa pamuorivhi womumunda zvichipesana namasikirwo azvo, ko, kuzoti ayo agara ari epo achazofara sei kuti abatanidzwezve mumuti wawo womuorivhi?
Israeri yose ichaponeswa
25Hama dzangu, handidi kuti musaziva, chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi: vaIsraeri vakaomeswa mwoyo kusvikira veDzimwe Ndudzi vakakwana vapinda. 26Naizvozvo Israeri yose ichaponeswa, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
“PaZioni pachabuda musununguri;
achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.
27Uye iyi ndiyo sungano yangu navo
kana ndabvisa zvivi zvavo.”
28Kana zviri zvevhangeri, ivo vavengi nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba, 29nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi. 30Nokuti sezvo imi makanga musingateereri Mwari pane imwe nguva magamuchira ngoni zvino nokuda kwokusateerera kwavo, 31saizvozvo naivowo zvino havachateereri kuitira kuti vagamuchire ngoni nokuda kwengoni dzaMwari kwamuri. 32Nokuti Mwari akapfigira vanhu vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.
Mamwe Mashoko
33Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari!
Kutonga kwake hakunganzverwi, uye makwara ake haangarondwi!
34“Ndianiko akaziva pfungwa dzaShe?
Kana akava mupi wake wamazano?”
35“Ndianiko akambopa kuna Mwari
kuti Mwari angamuripirazve?”
36Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake.
Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni.

¿Sabías que…?
Dios no ha rechazado a Israel
- El autor responde a su propia pregunta llamándose israelita, descendiente de Abraham, de la tribu de Benjamín. Abraham, hijo de Taré, es llamado padre de una multitud y heredero de las promesas. Benjamín fue el hijo menor de Jacob con Raquel, y en el Éxodo su tribu era la segunda más pequeña.Fuentes: el propio texto bíblico · Abraham · Benjamin (patriarch)
- El autor cita lo que la Escritura dice acerca de Elías: él apeló a Dios contra Israel, y la respuesta divina fue que siete mil hombres no habían doblado la rodilla ante Baal. Elías, el tisbita, entregó un mensaje del Señor a Acab. Baal, el principal dios masculino de los fenicios, era la religión de las diez tribus en tiempos de Acab, y el autor dice que, del mismo modo, un remanente es ahora escogido por gracia.Fuentes: el propio texto bíblico · Elijah · Baal
- El capítulo cita una promesa de que el Libertador vendrá de Sion y quitará la impiedad de Jacob. Sion era el monte sudoriental de Jerusalén; cuando David la tomó de los jebuseos, construyó allí una ciudadela y un palacio, y llegó a ser la ciudad de David. Jacob también es llamado Israel, y el capítulo dice que, en cuanto al evangelio, ellos son enemigos por causa de los gentiles, pero, en cuanto a la elección, son amados por causa de los patriarcas.Fuentes: el propio texto bíblico · Zion · Jacob (Israel)
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Zion · Hoy: Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 26
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org