Apocalipsis 11
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Zvapupu Zviviri
1Ndakapiwa rutsanga rwakaita setsvimbo yokuyera ndikaudzwa kuti, “Enda undoyera temberi yaMwari nearitari, ugoverenga vanamati vari imomo. 2Asi usiye ruvazhe rwokunze; usaruyera, nokuti rwakapiwa kune veDzimwe Ndudzi. Vachafamba-famba muguta dzvene kwemwedzi makumi mana nemiviri. 3Uye ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, uye vachaprofita kwamazuva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi matanhatu, vakapfeka nguo dzamasaga.” 4Ava ndivo miti miviri yomuorivhi nezvigadziko zviviri zvemwenje zvimire pamberi paIshe wenyika. 5Kana munhu upi zvake akaedza kuvakuvadza, moto unobuda mumiromo yavo ugoparadza vavengi vavo. Aya ndiwo mafiro achaita ani zvake anoda kuvakuvadza. 6Varume ava vane simba rokuzarira denga kuti mvura irege kunaya panguva yavanenge vachiprofita; uye vane simba rokushandura mvura kuti ive ropa nokurova nyika namatenda amarudzi ose sapavanodira zvavo.
7Zvino pavanenge vapedza kupupura kwavo, chikara chinobva mugomba rakadzika zvisina mugumo chichavarwisa, chigovakunda uye chichavauraya. 8Mitumbi yavo icharaswa munzira yomuguta guru, rinonzi kana richifananidzirwa, Sodhomu neIjipiti, uko kwakarovererwawo Ishe wavo. 9Kwamazuva matatu nehafu, vanhu vanobva kuvanhu vose, kumarudzi ose, kundimi dzose, nokundudzi dzose vacharamba vakatarira mitumbi yavo uye vachadzivisa kuvigwa kwayo. 10Vanogara panyika vachafara pamusoro pavo uye vachapembera vagotumirana zvipo, nokuti vaprofita vaviri ava vakatambudza avo vanogara panyika.
11Asi mushure mamazuva matatu nehafu, mweya woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, kutya kukabata avo vakavaona. 12Ipapo vakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti, “Kwirai kuno.” Uye vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo vachizviona.
13Panguva yacho iyoyo kwakava nokudengenyeka kukuru kwenyika uye chegumi cheguta chikaondomoka. Zviuru zvinomwe zvavanhu zvakaurayiwa mukudengenyeka kwenyika ikoko, uye vakasara vakavhundutswa nazvo vakarumbidza Mwari wokudenga.
14Nhamo yechipiri yapfuura; nhamo yechitatu iri kuuya nokukurumidza.
Hwamanda yeChinomwe
15Mutumwa wechinomwe akaridza hwamanda yake, kudenga kukava namanzwi makuru aiti:
“Umambo hwenyika hwava umambo waIshe wedu naKristu wake,
uye achatonga nokusingaperi-peri.”
16Uye vakuru makumi maviri navana, vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari, 17vachiti:
“Tinokuvongai imi, Ishe Mwari Wamasimba Ose,
Iye aripo uye akanga aripo,
nokuti matora simba renyu guru
uye matanga kutonga.
18Ndudzi dzakatsamwa; uye hasha dzenyu dzauya.
Nguva yokutonga vakafa yasvika,
neyokupa varanda venyu vaprofita mubayiro,
uye navatsvene venyu neavo vanotya zita renyu,
zvose vaduku navakuru,
uye neyokuparadza avo vanoparadza nyika.”
19Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira okutinhira, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda.

¿Sabías que…?
Los dos testigos y la gran ciudad
- Apocalipsis 11 dice que los cuerpos de los dos testigos yacerán en la calle de la gran ciudad, llamada en sentido figurado Sodoma y Egipto, donde también fue crucificado su Señor. Una entrada de diccionario explica Sodoma como ardiente, o la amurallada, una ciudad destruida por fuego del cielo a causa de la maldad de sus habitantes, una destrucción que las Escrituras recuerdan con frecuencia. Egipto, la tierra del Nilo y de las pirámides, se describe igualmente como un lugar de gran importancia en las Escrituras.Fuentes: el propio texto bíblico
- A los dos testigos se les da poder para profetizar durante mil doscientos sesenta días, vestidos de cilicio. Son los dos olivos y los dos candeleros que están delante del Señor de la tierra, y tienen poder para cerrar el cielo de modo que no llueva, para convertir las aguas en sangre y para herir la tierra con toda clase de plagas.Fuentes: el propio texto bíblico
- Cuando los dos testigos terminan su testimonio, la bestia que sube del Abismo los vence y los mata. Durante tres días y medio, pueblos, tribus, lenguas y naciones ven sus cuerpos y no permiten que sean puestos en un sepulcro, mientras los habitantes de la tierra se burlan de ellos, celebran y se envían regalos, porque los dos profetas los habían atormentado. Después de eso, el aliento de vida que viene de Dios entra en ellos; se ponen de pie y suben al cielo en una nube, mientras sus enemigos los observan.Fuentes: el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org