Nations Bible

Números 5

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Kunatswa kwoMusasa

1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Rayira vaIsraeri kuti vabudise mumusasa ani zvake ane chirwere cheganda romuviri kana kuerera kupi zvako, kana akasvibiswa nokuda kwechitunha. 3Uvabudise vose varume navakadzi zvimwe chetezvo; uvabudise kunze kwomusasa kuitira kuti varege kusvibisa musasa wavo, wandigere pakati pavo.” 4VaIsraeri vakaita saizvozvo, vakavabudisa kunze kwomusasa. Vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

Kuripira zvinenge zvakanganiswa

5Jehovha akati kuna Mozisi, 6“Uti kuvaIsraeri: ‘Kana murume kana mukadzi akakanganisira mumwe nenzira ipi zvayo uye saizvozvo akasava akatendeka kuna Jehovha, munhu uyo ane mhosva, 7uye anofanira kureurura chivi chaakaita. Anofanira kuripira zvizere mhosva yake, achiwedzera chikamu chimwe chete muzvishanu chayo agozvipa zvose kumunhu waakatadzira. 8Asi kana munhu uyo asina hama yepedyo uyo angapiwa zviri kuripirwa mhosva, muripo uyu ndowaJehovha uye unofanira kupiwa kumuprista, pamwe chete negondobwe rokumuyananisira. 9Zvinotsaurwa zvose zvinopiwa navaIsraeri kumuprista zvichava zvake. 10Zvipo zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe ndezvake iye pachake, asi zvaanopa kumuprista zvichava zvomuprista.’ ”

Kuongororwa kwomukadzi asina kutendeka

11Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 12“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mukadzi womunhu akatsauka, akasava akatendeka kwaari, 13akavata nomumwe murume, uye izvi zvikavanzwa kumurume wake uye kusvibiswa kwake kusati kwabatwa (sezvo pasina chapupu pamusoro pake uye asati abatwa achiita izvozvo), 14uye murume wake akava neshanje mukati make uye akafungira mukadzi wake, uye iye mukadzi achinge akasvibiswa, kana dai akava neshanje uye achimufungira kunyange zvake iye asina kusvibiswa, 15ipapo anofanira kutora mukadzi wake agoenda naye kumuprista. Anofanira kuendawo nechipiriso chechegumi cheefa youpfu hwebhari pachinzvimbo chake. Haafaniri kudira mafuta pamusoro pacho kana zvinonhuhwira pachiri, nokuti chipiriso chezviyo cheshanje, chipiriso chechiyeuchidzo chokurangaridza mhosva.

16“ ‘Muprista achamuuyisa agoita kuti amire pamberi paJehovha. 17Ipapo anofanira kutora mvura tsvene mumudziyo wevhu agoisa guruva rinobva pauriri hwetabhenakeri mumvura. 18Shure kwokunge muprista amisa mukadzi uyu pamberi paJehovha, achasunungura vhudzi rake agoisa mumaoko ake chipiriso chokuyeuchidza, chipiriso chezviyo cheshanje, muprista pachake akabata mvura inovava inouyisa chituko. 19Ipapo muprista anofanira kuita kuti mukadzi uyu apike uye agoti kwaari, “Kana kusina mumwe murume akavata newe uye usina kumbotsauka ukava wakasvibiswa panguva yokuwanikwa kwako nomurume wako, mvura inovava iyi, iyo inouyisa kutukwa, ngairege kukukuvadza. 20Asi kana wakatsauka iwe wakawanikwa nomurume wako uye ukazvisvibisa nokuvata nomumwe murume pachinzvimbo chomurume wako,” 21ipapo muprista anofanira kuisa mukadzi uyu pachituko ichi chemhiko achiti, “Jehovha ngaaite kuti vanhu vako vakutuke uye vakurambe paanoita kuti chidya chako chionde uye kuti dumbu rako rizvimbe. 22Mvura iyi inouyisa kutuka ngaipinde mumuviri wako kuitira kuti dumbu rako rizvimbe uye chidya chako chionde.”

“ ‘Ipapo mukadzi anofanira kuti, “Ameni. Ngazviite saizvozvo.”

23“ ‘Muprista anofanira kunyora zvituko izvi papepa ipapo agozvisuka mumvura inovava. 24Anofanira kunwisa mukadzi uyu mvura inovava, inouyisa kutukwa, uye mvura iyi ichapinda maari igouyisa kutambudzika nokuvaviwa. 25Muprista anofanira kutora kubva mumaoko omukadzi chipiriso chezviyo cheshanje, agochininira pamberi paJehovha nokuchiuyisa kuaritari. 26Ipapo muprista anofanira kutora tsama yechipiriso chezviyo sechipiriso chokurangaridza agochipisa paaritari; shure kwaizvozvo, anofanira kunwisa mukadzi uyu mvura. 27Kana akazvisvibisa uye anga asina kutendeka kumurume wake, ipapo kana zvaitwa kuti anwe mvura inouyisa kutukwa, ichapinda maari igoita kuti arwadziwe zvikuru; dumbu rake richazvimba uye chidya chake chichaonda, uye achava akatukwa pakati pavanhu vokwake. 28Kunyange zvakadaro hazvo, kana mukadzi uyo asina kuzvisvibisa uye akachena achasunungurwa pamhosva iyo uye achagona kubereka vana.

29“ ‘Uyu, zvino ndiwo murayiro weshanje kana mukadzi atsauka, akazvisvibisa iye ari mukadzi womunhu, 30uye kana murume akava neshanje nokuda kwokufungira mukadzi wake. Muprista anofanira kumumisa pamberi paJehovha agotevedza murayiro uyu wose kwaari. 31Murume achange asina mhosva pakukanganisa kupi zvako, asi mukadzi achava nemhosva yechivi chake.’ ”

¿Sabías que…?

La pureza del campamento y la ley de los celos

  • Para preservar la pureza ritual del campamento donde Dios habitaba en medio del pueblo, toda persona con una enfermedad de la piel, un flujo corporal o impureza por contacto con un cadáver debía salir fuera del campamento.Fuentes: el propio texto bíblico
  • Cuando alguien cometía un pecado contra otra persona, debía confesarlo y hacer restitución completa añadiendo una quinta parte del valor al afectado o a su pariente, o al sacerdote si no había pariente.Fuentes: el propio texto bíblico
  • La ofrenda de cereal presentada por una esposa bajo sospecha de infidelidad consistía en harina de cebada sin aceite ni incienso, identificándola como una ofrenda memorial para sacar a la luz la presunta iniquidad.Fuentes: el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.