Nations Bible

Números 29

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Mutambo weHwamanda

1“ ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye murege kubata basa ramazuva ose. Izuva rokuti muridze hwamanda. 2Munofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa chehando imwe chete duku, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara, zvive zvinonhuhwira zvinofadza pamberi paJehovha. 3Mugadzire pamwe chete nehando duku chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa pamwe chete namafuta, negondobwe, zvikamu zviviri mugumi; 4pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi. 5Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti muzviyananisire. 6Izvi zviri kupamhidzirwa pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvomwedzi nomwedzi, nezvezuva nezuva uye nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa sokurongwa kwazvo. Ndizvo zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, zvinonhuhwira zvinofadza.

Zuva Rokuyananisira

7“ ‘Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene. Munofanira kuzviramba uye murege kubata basa. 8Mupe chibayiro chinopiswa chehando duku yegore rimwe chete kuna Jehovha sezvinonhuhwira zvinofadza: hando imwe chete negondobwe rimwe chete uye namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvisina kuremara. 9Mugadzire pamwe chete nehando, chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi; 10uye parimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi. 11Muisewo nhongo yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chechivi chokuyananisira uye nechibayiro chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.

Mutambo waMatumba

12“ ‘Pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose. Muite mutambo wokupemberera Jehovha kwamazuva manomwe. 13Muuye nechibayiro chinopiswa kuti chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando duku gumi nenhatu, makondobwe maviri namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, ose asina kuremara. 14Mugadzire chipiriso chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta pamwe chete neimwe neimwe yehando duku gumi nenhatu; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakondobwe maviri, zvikamu zviviri mugumi, 15uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana gumi namana, chikamu chimwe chete mugumi. 16Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, pamusoro pechipiriso chinopiswa nechipiriso chacho chezviyo nechipiriso chokunwa.

17“ ‘Pazuva rechipiri mugadzire hando duku gumi nembiri, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe, zvose zvisina kuremara. 18Mugadzire nehando, namakondobwe uye namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 19Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.

20“ ‘Pazuva rechitatu, mugadzire hando gumi neimwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 21Mugadzire pamwe chete nehando, makondobwe, uye namakwayana, zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 22Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

23“ ‘Pazuva rechina, mugadzire hando gumi, makondobwe uye makwayana gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 24Pamwe chete nehando, namakondobwe, namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 25Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nechipiriso chokunwa.

26“ ‘Pazuva rechishanu, mugadzire hando pfumbamwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 27Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 28Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

29“ ‘Pazuva rechitanhatu, mugadzire hando sere, makondobwe maviri uye makwayana makono egore rimwe chete, gumi namana, zvose zvisina kuremara. 30Pamwe chete nehando, namakondobwe uye namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 31Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

32“ ‘Pazuva rechinomwe, mugadzire hando nomwe, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 33Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 34Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye chipiriso chokunwa.

35“ ‘Pazuva rorusere, unganai uye murege kuita basa ramazuva ose. 36Mupe chibayiro chinopiswa nomoto chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando imwe chete, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 37Mugadzire hando, gondobwe namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, maererano nouwandu hwakarayirwa. 38Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

39“ ‘Kupamhidzira pamusoro pezvamakapika uye zvipo zvokupa nokuzvisarudzira, mugadzirire Jehovha izvi pamitambo yenyu yakatarwa: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvokunwa uye nezvipiriso zvokuwadzana.’ ”

40Mozisi akataurira vaIsraeri zvose zvaakarayirwa naJehovha.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

Las ofrendas del séptimo mes

  • El séptimo mes en el calendario bíblico estaba marcado por importantes convocaciones sagradas: el toque de trompetas en el primer día, un día solemne de humillación en el décimo día y una fiesta de siete días a partir del día quince, concluida con una asamblea en el octavo día.Fuentes: el propio texto bíblico
  • Durante la fiesta de una semana que comenzaba el día quince, los holocaustos diarios seguían un patrón descendente único para los novillos: comenzaban con trece novillos el primer día y disminuían en uno cada día hasta que se ofrecían siete en el séptimo día.Fuentes: el propio texto bíblico
  • Estos sacrificios prescritos para las fiestas no reemplazaban el culto habitual; se ofrecían además de los holocaustos diarios regulares, las ofrendas mensuales y cualquier ofrenda voluntaria, de voto o de paz presentada por los adoradores.Fuentes: el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.