Nations Bible

Números 26

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Kuverengwa kwechipiri

1Shure kwedenda Jehovha akati kuna Mozisi naEreazari mwanakomana waAroni, muprista, 2“Verengai ungano yose yavaIsraeri nemhuri dzavo, vose vana makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo yaIsraeri.” 3Saka Mozisi naEreazari muprista vakataura navo pamapani eMoabhu paJorodhani nechokumhiri kweJeriko vakati, 4“Verengai varume vana makore makumi maviri kana anodarika, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.”

5Zvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri zvaiva:

Hanoki, kwakabva mhuri yaHanoki;

Paru, kwakabva mhuri yaParu;

6Hezironi, kwakabva mhuri yaHezironi;

Kami, kwakabva mhuri yaKami. 7Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaRubheni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvitatu, namazana manomwe ana makumi matatu.

8Mwanakomana waParu akanga ari Eriabhi, 9uye vanakomana vaEriabhi vakanga vari Nemueri, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu ndivo vatungamiri veungano vaya vakamukira Mozisi naAroni uye vakanga vari pakati pavateveri vaKora pavakamukira Jehovha. 10Nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza pamwe chete naKora, boka iroro parakafa, moto pawakaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu. Uye ivo vakava chiratidzo cheyambiro. 11Kunyange zvakadaro, rudzi rwaKora haruna kuparara.

12Zvizvarwa zvaSimeoni nemhuri dzavo zvaiva:

Nemueri kwakabva mhuri yavaNemueri;

Jamini, kwakabva mhuri yavaJamini;

Jakini, kwakabva mhuri yavaJakini;

13Zera, kwakabva mhuri yavaZera;

Shauri kwakabva mhuri yavaShauri. 14Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaSimeoni; pakanga pane varume zviuru makumi maviri nezviviri namazana maviri.

15Zvizvarwa zvaGadhi nemhuri dzavo zvaiva:

Zofani, kwakabva mhuri yavaZofani;

Hagi, kwakabva mhuri yavaHagi;

Shumi, kwakabva mhuri yavaShumi;

16Ozini, kwakabva mhuri yavaOzini;

Eri, kwakabva mhuri yavaEri;

17Arodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi;

Areri kwakabva mhuri yavaAreri. 18Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaGadhi; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana, namazana mashanu.

19Eri naOnani vakanga vari vanakomana vaJudha, asi vakafira muKenani.

20Zvizvarwa zvaJudha nemhuri dzavo zvaiva:

Shera, kwakabva mhuri yavaSherani;

Perezi, kwakabva mhuri yavaPerezi;

Zera, kwakabva mhuri yavaZera;

21Zvizvarwa zvaPerezi zvaiva:

Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi;

Hamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri. 22Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaJudha; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi manomwe nezvitanhatu, namazana mashanu.

23Zvizvarwa zvaIsakari nemhuri dzavo zvaiva:

Tora, kwakabva mhuri yavaTora;

Pua kwakabva mhuri yavaPua;

24Jashubhi kwakabva mhuri yavaJashubhi;

Shimironi kwakabva mhuri yavaShimironi. 25Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaIsakari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana matatu.

26Zvizvarwa zvaZebhuruni nemhuri dzavo zvaiva:

Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi;

Eroni, kwakabva mhuri yavaEroni;

Jareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri. 27Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu, namazana mashanu.

28Zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo kubudikidza naManase naEfuremu zvakanga zvakadai:

29Zvizvarwa zvaManase:

Makiri kwakabva mhuri yavaMakiri (Makiri akanga ari baba vaGireadhi);

Gireadhi kwakabva mhuri yavaGireadhi.

30Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaGireadhi:

Iezeri, kwakabva mhuri yaIezeri;

Hereki, kwakabva mhuri yavaHereki;

31Asirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri;

Shekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu;

32Shemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha;

Heferi, kwakabva mhuri yavaHeferi.

33(Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana; akanga achingova navanasikana bedzi, mazita avo aiva: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiriza.) 34Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaManase; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezviviri, namazana manomwe.

35Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEfuremu nemhuri dzavo:

Shutera, kwakabva mhuri yaShutera;

Bhekeri, kwakabva mhuri yaBhekeri;

Tahani, kwakabva mhuri yaTahani.

36Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaShutera:

Erani, kwakabva mhuri yaErani. 37Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaEfuremu; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matatu nezviviri, namazana mashanu.

38Zvizvarwa zvaBhenjamini nemhuri dzavo zvaiva:

Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera;

Ashibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri;

Ahiramu, kwakabva mhuri yaAhiramu;

39Shufami, kwakabva mhuri yavaShufami;

Hufami, kwakabva mhuri yavaHufami.

40Zvizvarwa zvaBhera kubudikidza naAradhi naNaamani zvaiva:

Aradhi, kwakabva mhuri yavaAradhi;

Naamani, kwakabva mhuri yavaNaamani. 41Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaBhenjamini; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu.

42Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaDhani nemhuri dzavo:

Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. 43Vose vakanga vari vemhuri yaShuhami; uye vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana mana.

44Zvizvarwa zvaAsheri nemhuri dzavo zvaiva:

Imina, kwakabva mhuri yavaImina;

Ishivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi;

Bheria, kwakabva mhuri yavaBheria;

45uye kubudikidza nezvizvarwa zvavaBheria:

Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri;

Marikieri, kwakabva mhuri yavaMarikieri. 46Asheri akanga ane mwanasikana ainzi Sera. 47Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaAsheri; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.

48Zvizvarwa zvaNafutari nemhuri dzavo zvaiva:

Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeeri;

Guni, kwakabva mhuri yavaGuni;

49Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri;

Shiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi. 50Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaNafutari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana mana.

51Uwandu hwavarume veIsraeri hwaisvika zviuru mazana matanhatu nechimwe, namazana manomwe ana makumi matatu.

52Jehovha akati kuna Mozisi, 53“Nyika inofanira kugoverwa kwavari senhaka zvichienderana namazita akaverengwa. 54Kuna vaya vanenge vakawanda, unofanira kuvapa nhaka huru, vashoma unovapa nhaka duku; mhuri imwe neimwe inofanira kupiwa zvakaenzana nouwandu hwokuverengwa kwavo. 55Unofanira kuona kuti nyika yagoverwa nemijenya. Nhaka ichagoverwa mhuri imwe neimwe ichange iri maererano namazita orudzi rwamadzitateguru avo. 56Nhaka imwe neimwe inofanira kugoverwa nemijenya pakati pemhuri huru nemhuri duku.”

57Ava ndivo vaRevhi vakaverengwa nemhuri dzavo:

Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni;

Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati;

Merari, kwakabva mhuri yavaMerari.

58Ava ndivo vakanga vari mhuri dzaRevhi:

mhuri yavaRibhini,

mhuri yavaHebhuroni,

mhuri yavaMari,

mhuri yavaMushi,

mhuri yavaKora.

(Kohati akanga ari baba vaAmurami; 59zita romukadzi waAmurami rainzi Jokebhedhi, chizvarwa chaRevhi, akaberekwa kuvaRevhi muIjipiti. Akaberekera Amurami Aroni, Mozisi nehanzvadzi yake Miriamu. 60Aroni ndiye akanga ari baba vaNadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari. 61Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pavakaita chipiriso nomoto usina kufanira pamberi paJehovha.)

62Varume vose pakati pavaRevhi, vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa vaisvika zviuru makumi maviri nezvitatu. Havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavo.

63Ava ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari muprista pavakaverenga vaIsraeri pamapani eMoabhu paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko. 64Hapana kana mumwe wavo akanga ari pakati pavaya vakaverengwa naMozisi naAroni muprista, pavakaverenga vaIsraeri murenje reSinai. 65Nokuti Jehovha akanga audza vaIsraeri avo kuti zvirokwazvo vaizofira murenje, uye hakuna kana mumwe wavo akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

El segundo censo en las llanuras de Moab

  • Este segundo censo militar fue realizado por Moisés y el sumo sacerdote Eleazar en las llanuras de Moab, junto al Jordán, frente a Jericó. Se registraron 601.730 hombres de veinte años o más aptos para la guerra, lo que sirvió de base para repartir la tierra prometida por sorteo según el tamaño de cada tribu.Fuentes: el propio texto bíblico · Eleazar · Moab
  • El censo evidenció un relevo generacional completo: de todos los israelitas censados en el monte Sinaí, no quedaba ningún hombre vivo, con la sola excepción de Caleb hijo de Jefone y Josué hijo de Nun.Fuentes: el propio texto bíblico · Sinai
  • Los levitas fueron contados por separado del resto de las tribus, sumando 23.000 varones de un mes de edad en adelante. Dado que no recibirían una herencia territorial entre las demás tribus de Israel, quedaron excluidos del censo general.Fuentes: el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Jericho · Hoy: Tell es Sultan · 31.872, 35.445 · versículos 3, 63
  • Jordan · Hoy: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículos 3, 63
  • Moab · Hoy: Moab 2 · 31.840, 35.674 · versículos 3, 63
  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículos 4, 59
  • Canaan · 32.767, 35.333 · versículo 19
  • Wilderness of Sinai · Hoy: about 50 km around Jebel Musa · 28.540, 33.973 · versículo 64

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.