Números 15
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Zvimwe Zvipiriso
1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandinokupai kuti mugare, 3uye mukauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kubva kumombe kana makwai, kuti muite zvinonhuhwira zvinofadza Jehovha, zvingava zvinopiswa kana zvibayiro, zvemhiko dzakasarudzika kana zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kana zvipiriso zvemitambo, 4ipapo munhu anouya nechipiriso chake achapa kuna Jehovha chipiriso chezvipo chiri chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehini yamafuta. 5Pagwayana rimwe nerimwe rechipiriso chinopiswa kana rechibayiro, munofanira kugadzira chikamu chimwe chete muzvina chehini yewaini chive chipiriso chokunwa.
6“ ‘Munofanira kugadzira negondobwe chipiriso chezviyo chezvikamu zviviri mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yamafuta, 7uye nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. Muchipe sechinonhuhwira chinofadza kuna Jehovha.
8“ ‘Pamunogadzirira Jehovha nzombe duku sechipiriso chinopiswa kana sechibayiro, chemhiko yakasarudzika kana chipiriso chokuwadzana, 9munofanira kuuya nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu kubva mugumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nehafu yehini yamafuta pamwe chete nehando. 10Uyezve muuye nehafu yehini yewaini sechipiriso chokunwa. Chichava chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira chinofadza Jehovha. 11Hando imwe neimwe kana gondobwe, gwayana rimwe nerimwe kana mbudzana, zvinofanira kugadzirwa nenzira iyoyi. 12Munofanira kuita izvi pane chimwe nechimwe chazvo, sokuwanda kwezvamunenge magadzira.
13“ ‘Munhu wose anoberekwa munyika yenyu, anofanira kuita zvinhu izvi nenzira iyi paanenge achiuya nechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. 14Kuzvizvarwa zvinotevera kana mutorwa kana mumwe munhuwo zvake agere pakati penyu akapa chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza Jehovha, anofanira kuita zvakangofanana nezvamunoita imi. 15Ungano inofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa agere pakati penyu; uyu murayiro usingaperi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Muchafanana pamberi paJehovha imi nomutorwa. 16Mirayiro mimwe cheteyo ichashanda kwamuri mose, imi nomutorwa agere pakati penyu.’ ”
17Jehovha akati kuna Mozisi, 18“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mopinda munyika yandinokuendesai 19uye mukadya zvokudya zvenyika iyo, munofanira kupa chikamu kuna Jehovha sechipiriso. 20Munofanira kupa keke rinoitwa noupfu hwenyu hwokutanga mugoripa sechipiriso chinobva paburiro. 21Kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera munofanira kupa chipiriso ichi kuna Jehovha kubva paupfu hwenyu hwokutanga.
Zvipiriso zvezvivi zvisina kuitwa nobwoni
22“ ‘Zvino kana musingatadzi nobwoni kuchengeta mirayiro iyi yakapiwa kuna Mozisi naJehovha, 23zvipi zvazvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, kubva nezuva razvakapiwa naJehovha uye zvichienda mberi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera, 24uye kana izvi zvikaitwa kwete nobwoni zvisina kuzivikanwa neungano, ungano yose inofanira kupa hando duku sechipiriso chinopiswa, sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, nenhongo yembudzi kuti ive chipiriso chechivi. 25Muprista anofanira kuyananisira ungano yose yavaIsraeri, uye vachakanganwirwa, nokuti zvakanga zvisina kuitwa nobwoni, uye, nokuda kwokukanganisa kwavo, vakavigira Jehovha chipiriso chinopiswa uye nechipiriso chechivi. 26Ungano yose yavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo vachakanganwirwa, nokuti vanhu vose vakatadza vasingazivi.
27“ ‘Asi kana munhu mumwe chete akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nembudzana hadzi yegore rimwe chete kuti chive chipiriso chechivi. 28Muprista anofanira kuyananisira uyo akatadza pamberi paJehovha nokutadza nokusaziva, uye kana ayananisirwa, achakanganwirwa. 29Murayiro mumwe chete iwoyu unoshanda kuna vose vanotadza vasingazivi, angava akaberekerwa muIsraeri kana mutorwa.
30“ ‘Asi ani naani anotadza nokuzvikudza, angava akaberekwa muIsraeri kana mutorwa, anomhura Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. 31Nokuti akazvidza shoko raJehovha uye akaputsa mirayiro yake, munhu uyo anofanira kubviswa zvachose; mhosva yake inogara pamusoro pake.’ ”
Munhu akaputsa murayiro weSabata anourayiwa
32VaIsraeri vachiri murenje, mumwe murume akawanikwa achiunganidza huni nezuva reSabata. 33Avo vakamuwana achiunganidza huni vakauya naye kuna Mozisi naAroni nokuungano yose, 34uye vakamuchengeta mutorongo, nokuti vakanga vasingazivi zvaifanira kuitwa kwaari. 35Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Murume uyo anofanira kufa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwomusasa.” 36Saka ungano yakamubudisa kunze kwomusasa vakamutaka namabwe kusvikira afa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
Pfunha paNguo
37Jehovha akati kuna Mozisi, 38“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kusvikira kuzvizvarwa zvichatevera, munofanira kugadzira pfunha pamakona enguo dzenyu, dzinenge dzine tambo yebhuruu papfunha imwe neimwe. 39Muchava nepfunha idzi kuti mudzitarire uye naizvozvo mucharangarira zvakarayirwa naJehovha zvose, kuti muzviteerere mugorega kuita ufeve muchitevera kuchiva kwemwoyo yenyu nameso enyu. 40Ipapo mucharangarira kuteerera mirayiro yangu yose uye muchazvitsaura kuti muve vanhu vaMwari wenyu. 41Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”

¿Sabías que…?
Ofrendas, Obediencia y Recordatorios
- Las normas dadas para las ofrendas de cereal, las libaciones y los pecados involuntarios se aplicaban por igual a los israelitas nativos y a los extranjeros que residían entre ellos. La ley estableció expresamente un único estatuto permanente para ambos grupos ante el SEÑOR.Fuentes: el propio texto bíblico
- La ley hacía una clara distinción entre los pecados cometidos por error, para los cuales se proveía expiación mediante sacrificios, y los pecados desafiantes. Quien pecaba con rebeldía era considerado como blasfemo contra el SEÑOR y despreciador de Su palabra, quedando separado de la comunidad.Fuentes: el propio texto bíblico
- Para ayudar al pueblo a recordar todos los mandamientos divinos, se ordenó a los israelitas colocar borlas con un cordón azul en las esquinas de sus vestiduras. Mirar estas borlas tenía como fin evitar que se extraviaran siguiendo su propio corazón y sus propios ojos.Fuentes: el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Egypt · 30.129, 31.308 · versículo 41
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org