Nehemías 13
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Zvakashandurwa naNehemia pakupedzisira
1Pazuva iroro Bhuku raMozisi rakaverengwa nenzwi guru vanhu vachizvinzwa uye zvakawanikwa zvakanyorwa kuti muAmoni nomuMoabhu havabvumirwi kupinda muungano yaMwari, 2nokuti havana kundosangana navaIsraeri nezvokudya nemvura asi vakaripira Bharamu kuti avatuke. Kunyange zvakadaro, Mwari wedu, akashandura kutuka kukava ropafadzo. 3Vanhu vakati vanzwa murayiro uyu, vakabvisa vose vakanga vari vatorwa pakuberekwa.
4Zvino zvisati zvaitika izvi, Eriashibhi muprista akanga agadzwa kuti ave mutariri wamatura okuvigira eimba yaMwari wedu. Akanga ane ukama hwepedyo naTobhia, 5uye akanga amugadzirira kamuri guru raimbochengeterwa zvipiriso zvezviyo nezvinonhuhwira uye midziyo yetemberi, nezvegumi zvezviyo, waini itsva namafuta akarayirwa kuti apiwe vaRevhi, vaimbi navachengeti vamasuo, uyewo nemigove yavaprista.
6Asi pazvaiitika zvose izvi, ndakanga ndisiri muJerusarema, nokuti mugore ramakumi matatu namaviri raAtazekisesi mambo weBhabhironi ndakanga ndadzokera kuna mambo. Mushure menguva yakati kuti ndakakumbira mvumo 7ndokudzokera kuJerusarema. Ipapo ndakanzwa pamusoro pechinhu chakaipa chakanga chaitwa naEriashibhi chokuti akagadzirira Tobhia kamuri muruvazhe rweimba yaMwari. 8Ndakashatirwa zvikuru ndokurasira kunze kwemba, midziyo yose yaTobhia. 9Ndakarayira kuti makamuri acheneswe, ndokubva ndadzorera imomo midziyo yose yeimba yaMwari, pamwe chete nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuhwira.
10Ndakaonawo kuti vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo, uye kuti vaRevhi vose navaimbi vaiva nebasa rokushumira vakanga vadzokera kuminda yavo. 11Saka ndakatsiura vabati ndikavabvunza ndikati, “Imba yaMwari yashayirwa hanya neiko?” Ipapo ndakavaunganidza pamwe chete ndikavadzosera kunzvimbo dzavo.
12VaJudha vose vakauya nezvegumi zvezviyo, newaini itsva namafuta vakazviisa mumatura. 13Ndakaisa Sheremia muprista, Zadhoki munyori, nomuRevhi ainzi Pedhaya kuti vave vatariri vamatura uye ndikaita kuti Hanania, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMatania, ave mubatsiri wavo, nokuti varume ava vakaonekwa kuti vaiva vakavimbika. Vaiva nebasa rokugovera hama dzavo migove yavo.
14Haiwa Mwari wangu, ndirangarireiwo nokuda kwaizvozvi, uye musadzima zvandakaita nokutendeka kuimba yaMwari wangu, neshumiro yayo.
15Mumazuva iwayo ndakaona varume muJudha vachitsika zvisviniro zvewaini nomusi weSabata vachiuya nezviyo vachizvikwidza pambongoro, pamwe chete newaini, mazambiringa, maonde namarudzi ose emitoro. Vaiuya nezvinhu zvose izvi muJerusarema nomusi weSabata. Naizvozvo ndakavayambira kuti vasatengesa zvokudya pazuva iroro. 16Varume vaibva kuTire vaigara muJerusarema vaiuya nehove nemhando dzose dzezvokutengesa vachizvitengesa muJerusarema kuvanhu veJudha nomusi weSabata. 17Ndakatsiura vakuru veJudha ndikati kwavari, “Chiiko ichi chinhu chakaipa chamunoita muchizvidza zuva reSabata? 18Ko, madzitateguru enyu haana kuita zvimwe chetezvo here, zvokuti Mwari wedu akazouyisa dambudziko iri pamusoro pedu napamusoro peguta rino? Zvino muri kumutsa hasha dzakawanda pamusoro paIsraeri nokuzvidza Sabata.”
19Zvino mimvuri yezuva rovira yakati yafukidza masuo eJerusarema, Sabata risati rasvika, ndakarayira kuti mikova ipfigwe uye kuti isazarurwa kusvikira Sabata rapfuura. Ndakaisa vamwe vavaranda vangu pamasuo kuti kurege kuva nomutoro ungauyiswa mukati nomusi weSabata. 20Naizvozvo kamwe chete kana kaviri, vashambadziri navatengesi vemhando dzose vakarara usiku hwose kunze kweJerusarema. 21Asi ndakavayambira ndikati, “Seiko muchirara usiku hwose parusvingo? Kana mukazviitazve, ndichakusungai.” Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi havana kuzouyazve nomusi weSabata. 22Ipapo ndakarayira vaRevhi kuti vazvinatse uye kuti vaende kundorinda masuo kuitira kuti zuva reSabata richengetwe riri dzvene.
Haiwa Mwari wangu, ndirangarireiwo pachinhu ichi, Mwari wangu, mugoratidza tsitsi kwandiri maererano norudo rwenyu rukuru.
23Pamusoro pezvo, mumazuva iwayo, ndakaona varume vokwaJudha vakanga vawana vakadzi vaibva kuAshidhodhi, neAmoni neMoabhu. 24Hafu yavana vavo vaitaura mutauro wechiAshidhodhi kana mutauro mumwewo wavamwe vanhu, uye vakanga vasingazivi mutauro wechiJudha. 25Ndakavatsiura ndikavatuka. Ndakarova vamwe varume uye ndikadzura bvudzi ravo. Ndakaita kuti vapike nezita raMwari uye ndikati kwavari, “Hamufaniri kupa vanasikana venyu kuti vawanikwe navanakomana vavo, kana kuzvitorera imi. 26Ko, Soromoni mambo weIsraeri haana kutadza here nokuda kwavakadzi vakadai? Pakati pendudzi zhinji hapana kumbova namambo akaita saye. Aidikanwa naMwari wake, uye Mwari akamuita mambo pamusoro pavaIsraeri vose, asi kunyange zvakadaro akapinzwa muchivi navakadzi vatorwa. 27Ko, isu zvino tingazvinzwawo here kuti nemiwo zvakare muri kuita zvinhu zvakaipa kudai uye kuti hamuna kutendeka kuna Mwari wedu, muchiwana vakadzi vatorwa?”
28Mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi muprista mukuru akanga ari mukuwasha waSanibharati muHoroni. Zvino ndakamudzingira kure neni.
29Haiwa Mwari wangu, varangarirei nokuti vakasvibisa basa rouprista uye nesungano youprista neyavaRevhi.
30Saka ndakanatsa vaprista navaRevhi pazvinhu zvose zvavatorwa, ndikavapa madzoro avo, mumwe nomumwe pabasa rake. 31Ndakapawo zvipo zvehuni panguva dzakatarwa nezvezvibereko zvokutanga.
Mundirangarirewo, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.
¿Sabías que…?
Las reformas finales de Nehemías
- Durante la ausencia de Nehemías en Babilonia junto al rey Artajerjes, el sacerdote Eliasib acondicionó una gran sala del templo para Tobías el amonita. Al regresar, Nehemías se indignó profundamente, arrojó todas las pertenencias de Tobías fuera de la habitación y restableció el espacio para guardar ofrendas, incienso y utensilios sagrados.Fuentes: Tobiah · el propio texto bíblico
- Para evitar que mercaderes de Tiro y comerciantes locales vendieran comida y mercancías en el día de reposo, Nehemías ordenó cerrar las puertas de Jerusalén al caer las sombras del atardecer antes del sábado y mantenerlas cerradas hasta su conclusión, apostando guardias para vigilar el cumplimiento del descanso.Fuentes: el propio texto bíblico
- Nehemías reprendió a los hombres de Judá que se habían casado con mujeres de Asdod, Amón y Moab al observar que la mitad de sus hijos ya no sabía hablar la lengua de Judá, lo cual consideraba una amenaza para la identidad religiosa y comunitaria del pueblo.Fuentes: el propio texto bíblico · Ashdod · Ammon · Moab
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Babylon · 32.543, 44.422 · versículo 6
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 6, 7, 15, 16, 19, 20
- Tyre · 33.271, 35.196 · versículo 16
- Ammon · 31.955, 35.934 · versículo 23
- Ashdod · Hoy: Tel Ashdod · 31.757, 34.658 · versículos 23, 24
- Moab · Hoy: Moab 1 · 31.181, 35.701 · versículo 23
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org