Marcos 9
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
1Uye akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazoraviri rufu vasati vaona umambo hwaMwari huchisvika nesimba.”
Kubwinya kwaJesu
2Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo. 3Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno. 4Uye ipapo pakaonekwa pamberi pavo Eria naMozisi, uye vakanga vachitaurirana naJesu.
5Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” 6Akashaya zvokutaura, nokuti vakanga votya zvikuru.
7Ipapo gore rakaonekwa rikavafukidza, uye inzwi rakabuda mugore rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda. Munzwei!”
8Pakarepo, vakatarisa kwose kwose, uye havana kuzoona munhu aripo navo kunze kwaJesu.
9Pavakanga vava kuburuka mugomo, Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu upi zvake zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana woMunhu amuka kubva kuvakafa. 10Vakachengeta shoko iri pakati pavo, vachikurukurirana pamusoro pokuti, “kumuka kwavakafa” kunorevei.
11Uye vakamubvunza vakati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?”
12Jesu akapindura akati, “Kutaura chokwadi, Eria anofanira kutanga kuuya, uye agovandudza zvinhu zvose. Zvino kwakanyorerwei kuchinzi Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika zvikuru uye agorambwa? 13Asi ndinoti kwamuri, Eria akauya, uye vakaita kwaari zvinhu zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.”
Kuporeswa kwoMukomana Aiva noMweya Wakaipa
14Vakati vasvika kuna vamwe vadzidzi, vakaona vanhu vazhinji zhinji vakavakomberedza uye vadzidzisi vomurayiro vachiita nharo navo. 15Vanhu vose pavakangoona Jesu, vakashamiswa zvikuru uye vakamhanya kundomukwazisa.
16Akati, “Muri kuvabvunzeiko?”
17Mumwe murume aiva pakati pavanhu vazhinji akapindura akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, akabatwa nomweya wakamupa umbeveve. 18Pose pose paunomubata, unomukanda pasi. Anopupuma furo pamuromo, worumanisa meno ake uye anobva aoma. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kugona kuzviita.”
19Jesu akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai nomukomana kwandiri.”
20Saka vakauya naye. Mweya wakati uchiona Jesu, pakarepo wakawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo.
21Jesu akabvunza baba vomukomana akati, “Ane nguva yakadii achiita izvi?”
Vakapindura vakati, “Kubva pauduku hwake. 22Kazhinji unosimuwisira mumoto kana mumvura kuti umuuraye. Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire.”
23Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda.”
24Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!”
25Jesu akati aona kuti vanhu vazhinji vakanga vomhanyira panzvimbo iyo, akarayira mweya wakaipa akati, “Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari.”
26Mweya wakadanidzira, ukamubvundisa zvikuru uye ukabuda. Mukomana akaita sokunge chitunha zvokuti vazhinji vakati, “Afa.” 27Asi Jesu akamubata noruoko akamumisa netsoka dzake, uye akakwanisa kumira.
28Mushure mokunge Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Seiko isu takakundikana kuudzinga?”
29Akapindura achiti, “Rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera nokutsanya.”
30Vakabva panzvimbo iyoyo vakapfuura nomuGarirea. Jesu akanga asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu kuti vaiva kupi, 31nokuti akanga achidzidzisa vadzidzi vake. Akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achazopandukirwa achiiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya, uye shure kwamazuva matatu achamuka.” 32Asi havana kunzwisisa zvaakanga achireva uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.
Mukuru ndiani?
33Vakasvika kuKapenaume. Paakanga ari mumba, akavabvunza akati, “Manga muchikakavadzana pamusoro peiko munzira?” 34Asi vakanyarara nokuti vakanga vakakavadzana vari munzira pamusoro pokuti mukuru ndiani.
35Agara pasi, Jesu akadana vane gumi navaviri akati, “Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva iye wokupedzisira, uye muranda wavose.”
36Akatora mwana muduku akamumisa pakati pavo. Akamubata mumaoko ake, akati kwavari, 37“Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku ava muzita rangu anogamuchira ini; uye ani naani anondigamuchira haagamuchiri ini asi iye akandituma.”
Uyo asingatirwisi ndowedu
38Johani akati, “Mudzidzisi, taona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu tikamudzivisa, nokuti anga asiri mumwe wedu.”
39Jesu akati, “Musamudzivisa. Hakuna munhu anoita chishamiso muzita rangu angazotaura zvakaipa pamusoro pangu mushure maizvozvo, 40nokuti ani naani asingarwisani nesu ndowedu. 41Ndinokuudzai chokwadi, ani naani anokupai mukombe wemvura muzita rangu nokuda kwokuti muri vaKristu zvirokwazvo haangazorasikirwi nomubayiro wake.
Kuita kuti mumwe atadze
42“Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make. 43Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kune moto usingadzimwi, 44umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. 45Uye kana rutsoka rwako ruchiita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri, 46umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi. 47Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena, 48uko
“ ‘kusingafi honye dzavo
uye moto wacho usingadzimwi.’
49Munhu wose acharungwa nomoto.
50“Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”
¿Sabías que…?
La transfiguración y la enseñanza en el camino
- Seis días después, Jesús llevó a Pedro, Santiago y Juan solos a un monte alto, y fue transfigurado delante de ellos. Pedro, llamado originalmente Simón, era pescador de Betsaida, en el mar de Galilea. Santiago, hermano mayor de Juan e hijo de Zebedeo, también era pescador y estuvo presente con Pedro y Juan en la transfiguración.Fuentes: el propio texto bíblico · Simon Peter · James (Son of Zebedee)
- En el monte alto, Elías, el tisbita y el Elías del Nuevo Testamento, apareció con Moisés, hablando con Jesús. Mientras bajaban, los discípulos preguntaron por qué los escribas dicen que Elías debe venir primero. Jesús respondió que Elías en efecto viene primero y que ya ha venido.Fuentes: el propio texto bíblico · Elijah
- Jesús y los discípulos pasaron por Galilea, pero él no quería que nadie lo supiera, porque los estaba enseñando, y llegaron a Capernaúm. Capernaúm, la ciudad de Nahúm, era una ciudad de Galilea que se convirtió en la propia ciudad de Jesús después de su expulsión de Nazaret. Los judíos llamaban Galil a una llanura elevada entre las montañas de Neftalí, y la región llegó a llamarse Galilea de los gentiles.Fuentes: el propio texto bíblico · Capernaum · Galilee
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Galilee · 32.760, 35.527 · versículo 30
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org