Nations Bible

Mateo 6

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Kupa kuVarombo

1“Chenjerai kuti murege kuita ‘mabasa enyu okururama’ pamberi pavanhu kuti muonekwe navo. Kana mukaita saizvozvo, hamuzovi nomubayiro kuna Baba venyu vari kudenga.

2“Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. 3Asi kana wopa kuna vanoshaya ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva zviri kuitwa noruoko rwako rworudyi, 4kuitira kuti kupa kwako kuve pakavanda. Ipapo Baba vako, vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.

Kunyengetera

5“Uye pamunonyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira kuti vaonekwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. 6Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro. 7Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji. 8Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira.

9“Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita:

“ ‘Baba vedu vari kudenga,

zita renyu ngarikudzwe,

10umambo hwenyu ngahuuye,

kuda kwenyu ngakuitwe

panyika sezvinoitwa kudenga.

11Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva.

12Tiregererei zvatinokutadzirai,

sezvatinoregererawo vanotitadzira isu.

13Musatitungamirira mukuedzwa,

uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’

14Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo. 15Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu.

Kutsanya

16“Pamunotsanya, musaunyanisa zviso sezvinoita vanyengeri nokuti vanounyanisa zviso zvavo kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. 17Asi pamunotsanya, zorai mafuta mumisoro yenyu uye mugogeza kumeso kwenyu, 18kuitira kuti zvirege kuonekwa navanhu kuti muri kutsanya, asi zvizivikanwe chete naBaba venyu avo vasingaonekwi. Uye Baba venyu vanoona pakavandika, vachakupai mubayiro.

Pfuma yoKudenga

19“Musazviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye pane mbavha dzinopaza dzichiba. 20Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba. 21Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo.

22“Ziso ndiwo mwenje womuviri. Kana maziso ako akanaka, muviri wako wose uchava nechiedza. 23Asi kana maziso ako akaipa muviri wako wose uchange uzere nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, richange riri rima rakakura zvakadii!

24“Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari.

Musafunganya

25“Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hahusi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo? 26Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here? 27Ndiani pakati penyu angawedzera awa imwe chete paupenyu hwake nokuda kwokufunganya?

28“Ko, munofunganyirei pamusoro pezvokupfeka? Tarirai kuti maruva esango anokura sei? Haashandi kana kuruka. 29Asi ndinokuudzai kuti kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose, haana kumboshonga serimwe ramaruva aya. 30Zvino kana Mwari achishongedza saizvozvo uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku? 31Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana ‘Tichapfekei?’ 32Izvi ndizvo zvinoitwa nevedzimwe ndudzi, nokuti Baba venyu vari kudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi. 33Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri. 34Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

Justicia en secreto y confianza

  • Este capítulo forma parte del Sermón del Monte. Un registro de eventos fecha ese sermón en el año 28 d.C. y lo registra con una duración de un solo día.Fuentes: Sermon on the Mount · el propio texto bíblico
  • Jesús dice que no se toque trompeta en las sinagogas y en las calles al dar a los necesitados, como hacen los hipócritas para ser honrados. También advierte contra orar en las esquinas para ser vistos y contra ayunar con el rostro desfigurado; en cambio, describe orar en un cuarto interior con la puerta cerrada y ayunar con la cabeza ungida y el rostro lavado.Fuentes: el propio texto bíblico
  • Jesús dice que ni siquiera Salomón, con toda su gloria, se adornó como uno de los lirios del campo. Un artículo de diccionario explica que su nombre hebreo, Shelomoh, significa “Pacífico”, que era hijo de David y Betsabé, y que Natán lo llamó Jedidías, “amado del Señor”; su reinado se registra en 1 Reyes 1–11 y 2 Crónicas 1–9.Fuentes: el propio texto bíblico · Solomon

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.