Lucas 3
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Johani Mubhabhatidzi Anogadzira Nzira
1Mugore regumi nemashanu rokutonga kwaTibheriasi Kesari, Pondio Pirato paakanga ari mubati weJudhea, Herodhi ari mubati weGarirea, mununʼuna wake Firipi ari mubati weIturea neTirakoniti, uye Risania ari mubati weAbhurini, 2panguva youprista hwaAnasi naKefasi, shoko raMwari rakasvika kuna Johani mwanakomana waZekaria mugwenga. 3Akaenda munyika yose yakapoteredza Jorodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi. 4Sezvazvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muprofita zvichinzi:
“Inzwi rounodana murenje richiti,
‘Gadzirai nzira yaShe,
ruramisai migwagwa yake.
5Mipata yose ichafushirwa,
makomo ose nezvikomo zvichaderedzwa.
Migwagwa yakakombama ichatwasanudzwa,
pasakaenzana pachaenzaniswa.
6Uye marudzi ose avanhu achaona ruponeso rwaMwari.’ ”
7Johani akati kuvanhu vazhinji vaiuya kuzobhabhatidzwa naye, “Imi vana venyoka! Ndianiko akuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya? 8Chiberekai zvibereko zvinoenderana nokutendeuka. Uye musatanga kuti mumwoyo menyu, ‘Abhurahama ndiye baba vedu.’ Nokuti ndinoti kwamuri Mwari anogona kumutsira Abhurahama vana pamabwe aya. 9Demo ratoiswa pamidzi yemiti, uye muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.”
10Vanhu vazhinji vakati, “Zvino toita seiko?”
11Johani akapindura akati, “Munhu ane nguo mbiri ngaagovane neasina, uye ane zvokudya ngaaitewo saizvozvo.”
12Vateresi vakauyawo kuzobhabhatidzwa. Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, toita seiko?”
13Akati kwavari, “Musatora mari inopfuura mwero wamunofanira kutora.” 14Ipapo vamwe varwi vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko?” Iye akati, “Musatorera vanhu mari nechisimba uye musapomera vanhu nhema, mugutsikane nomubayiro wenyu.”
15Vanhu vakanga vakamirira vakatarisira, uye vose vakanga vachikahadzika mumwoyo mavo kuti zvimwe Johani akanga ari iye Kristu. 16Johani akavapindura vose achiti, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura. Asi shure kwangu kunouya mumwe ane simba kundipfuura zvokuti ini handina kukodzera kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto. 17Rusero rwake rwuri muruoko rwake kuti apepete paburiro rake uye agounganidza gorosi mudura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.” 18Uye namamwe mashoko mazhinji, Johani akakurudzira vanhu akaparidza vhangeri kwavari.
19Asi Johani akati atsiura Herodhi mutongi nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi womununʼuna wake, uye nezvimwe zvinhu zvose zvakaipa zvaakanga aita, 20Herodhi akawedzera pazviri zvose nokuita izvi: Akapfigira Johani mutorongo.
Kubhabhatidzwa kwaJesu uye Rudzi Rwake
21Vanhu vose vakati vachiri kubhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo. Uye akati achinyengetera, denga rakazaruka, 22Mweya Mutsvene akauya pamusoro pake nomufananidzo wenjiva. Uye inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndiwe mwanakomana wangu, wandinoda; ndiwe wandinofarira kwazvo.”
23Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Sokuonekwa kwazvo, akanga ari mwanakomana,
mwanakomana waHeri, 24mwanakomana waMatati,
mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMereki,
mwanakomana waJani, mwanakomana waJosefa,
25mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi,
mwanakomana waNahumi, mwanakomana waEsiri,
mwanakomana waNagai, 26mwanakomana waMaati,
mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeini,
mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJodha,
27mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa,
mwanakomana waZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri,
mwanakomana waNeri, 28mwanakomana waMereki,
mwanakomana waAdhi, mwanakomana waKosamu,
mwanakomana waErimadhami, mwanakomana waEri,
29mwanakomana waJoshua, mwanakomana waEriezeri,
mwanakomana waJerimi, mwanakomana waMatati,
mwanakomana waRevhi, 30mwanakomana waSimeoni,
mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa,
mwanakomana waJonami, mwanakomana waEriakimi,
31mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena,
mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatani,
mwanakomana waDhavhidhi, 32mwanakomana waJese,
mwanakomana waObhedhi, mwanakomana waBhoazi,
mwanakomana waSarimoni, mwanakomana waNahashoni,
33mwanakomana waAminadhabhi, mwanakomana waRami,
mwanakomana waHezironi, mwanakomana waPerezi,
mwanakomana waJudha, 34mwanakomana waJakobho,
mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahama,
mwanakomana waTera, mwanakomana waNahori,
35mwanakomana waSerugi, mwanakomana waReu,
mwanakomana waPeregi, mwanakomana waEbha,
mwanakomana waShera, 36mwanakomana waKainani,
mwanakomana waArifasadhi, mwanakomana waShamu,
mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki,
37mwanakomana waMetusera, mwanakomana waEnoki,
mwanakomana waJaredhi, mwanakomana waMaharareri,
mwanakomana waKenani, 38mwanakomana waEnoshi,
mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhamu,
mwanakomana waMwari.

¿Sabías que…?
Juan el Bautista prepara el camino
- Lucas sitúa la predicación de Juan en el año decimoquinto de Tiberio César, hijastro de Augusto, quien lo sucedió en el año 14 d. C. y murió en el 37 d. C. El Diccionario Bíblico de Easton (1897) señala que Juan comenzó su ministerio público en ese año, y que Poncio Pilato, el sexto procurador romano de Judea del 26 al 36 d. C., mantuvo su sede en Cesarea durante un período que abarcó los ministerios de Juan y de Jesús. Herodes Antipas, hijo de Herodes, era entonces tetrarca de Galilea.Fuentes: el propio texto bíblico · Tiberius · Pontius Pilate · Herod Antipas
- El capítulo sitúa estos acontecimientos durante el sumo sacerdocio de Anás y de Caifás. El Diccionario Bíblico de Easton (1897) registra que Anás fue sumo sacerdote del año 7 al 14 d. C. y fue depuesto por el procurador romano, y que Caifás, que se había casado con la hija de Anás, fue elevado a ese cargo en el año 25 d. C. La misma entrada sugiere que los judíos aún podían considerar a Anás el sumo sacerdote legítimo, pues la ley de Moisés mantenía el cargo de por vida, y que probablemente servía junto a Caifás como presidente del sanedrín o como adjunto del sumo sacerdote.Fuentes: el propio texto bíblico · Annas
- Juan, hijo de Zacarías, era de linaje sacerdotal: su padre era sacerdote del turno de Abías, y su madre, Elisabet, pertenecía a las hijas de Aarón. El Diccionario Bíblico de Easton (1897) señala que la misión de Juan fue objeto de profecía, incluida la voz que clama en el desierto en Isaías, y que su nacimiento ocurrió seis meses antes del de Jesús. En este capítulo predica un bautismo de arrepentimiento por toda la región alrededor del Jordán, y el tetrarca Herodes después lo encarcela, luego de que Juan lo reprende por causa de Herodías.Fuentes: el propio texto bíblico · John the Baptist
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Abilene · 33.627, 36.106 · versículo 1
- Galilee · 32.760, 35.527 · versículos 1, 19
- Ituraea · 33.400, 35.850 · versículo 1
- Judea · Hoy: Judea 1 · 31.777, 35.234 · versículo 1
- Trachonitis · Hoy: Lajat · 32.969, 36.455 · versículo 1
- Jordan · Hoy: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículo 3
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org