Nations Bible

Lucas 16

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Mufananidzo woUchenjeri hwoMutariri Akanga Asakarurama

1Jesu akatiwo kuvadzidzi vake, “Kwakanga kuno mumwe murume mupfumi aiva nomutariri akanga achipomerwa mhosva yokuparadza pfuma yake. 2Saka akamudana akamubvunza achiti, ‘Zviiko izvi zvandiri kunzwa pamusoro pako? Zvidavirire pamusoro poutariri hwako, nokuti haungarambi uri mutariri.’

3“Mutariri akafunga nechomumwoyo make akati, ‘Zvino ndichaiteiko? Tenzi wangu ava kunditorera basa rangu. Handina simba rokurima, uye ndinonyara kupemha; 4ndinoziva zvandichaita kuitira kuti, ndikange ndarasikirwa nebasa rangu pano, vanhu vagondigamuchira mudzimba dzavo.’

5“Saka akadana mumwe nomumwe akanga ane chikwereti natenzi wake. Akabvunza wokutanga akati, ‘Une chikwereti chakaita sei iwe kuna tenzi wangu?’

6“Akapindura achiti, ‘Zviero zana zvamafuta omuorivhi.’

“Mutariri akati kwaari, ‘Tora tsamba yako, ugare pasi nokukurumidza, unyore makumi mashanu.’

7“Ipapo akabvunza wechipiri akati, ‘Iwe une chikwereti chakadiniko?’

“Akapindura akati, ‘Zviero zana zvegorosi.’

“Akamuudza kuti, ‘Tora tsamba yako unyore makumi masere.’

8“Tenzi womuranda uyu akarumbidza mutariri asakarurama uyu nokuti akanga aita nokuchenjera. Nokuti vanhu venyika ino vakachenjera kwazvo pakuita kwavo kukunda vana vechiedza. 9Ndinoti kwamuri, ‘Shandisai pfuma yenyika kuti muzviwanire shamwari, kuitira kuti painopera, mugozogamuchirwa mudzimba dzisingaperi.’

10“Ani naani anogona kutendeka pane zvinhu zviduku anogonawo kutendeka pane zvakawanda, uye ani naani asina kutendeka pazvinhu zviduku duku achavawo asina kutendeka pane zvakawanda. 11Saka kana manga musina kutendeka paupfumi hwenyika, ndianiko achavimba nemi paupfumi hwechokwadi? 12Uye kana wanga usina kutendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko achakupa zvinhu zvako iwe?

13“Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri. Nokuti achavenga mumwe agoda mumwe, kana kuti achanamatira kuno mumwe uye agozvidza mumwe. Hazvigoni kuti ushandire Mwari nepfuma.”

14VaFarisi, avo vaida mari vakanzwa zvose izvi vakatuka Jesu uye vakamuseka. 15Iye akati kwavari, “Imi munozviruramisira pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu. Zvinhu zvinokudzwa pakati pavanhu zvinonyangadza pamberi paMwari.

Zvimwe Zvidzidzo

16“Murayiro navaprofita zvakaparidzwa kusvikira pana Johani. Kubvira panguva iyoyo, vhangeri roumambo hwaMwari riri kuparidzwa, uye mumwe nomumwe anozvimanikidzira kupinda mahuri. 17Zviri nyore kuti denga nenyika zvipfuure pano kuti kavara kaduku koMurayiro kabviswe.

18“Ani naani anoramba mukadzi wake akawana mumwe mukadzi anoita upombwe, uye murume anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.

Mupfumi naRazaro

19“Paiva nomumwe murume mupfumi aipfeka nguo dzepepuru nomucheka wakaisvonaka uye aigara upenyu hwakaisvonaka mazuva ose. 20Pasuo rake paigara mupemhi ainzi Razaro, akanga azere namaronda 21uye achipanga hake kudya zvimedu zvaiwa patafura yomupfumi. Kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.

22“Nguva yokufa kwomupemhi yakati yasvika vatumwa vakamutora vakamuendesa pachipfuva chaAbhurahama. Mupfumi akafawo akavigwa. 23Ari mugehena, umo maairwadziwa, akatarisa kumusoro akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake. 24Saka akadanidzira kwaari achiti, ‘Baba Abhurahama, ndinzwirei ngoni mugotuma Razaro kuti anyike muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndiri kurwadziwa kwazvo mumoto muno.’

25“Asi Abhurahama akapindura akati, ‘Mwanakomana, rangarira kuti pamazuva oupenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvako zvakanaka, panguva iyoyo Razaro akagamuchira zvinhu zvakaipa, asi zvino ari kunyaradzwa pano, uye iwe uri kurwadziwa. 26Uye pamusoro paizvozvo zvose, pano mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu newe, kuitira kuti vanoda kubva kuno kuti vauye ikoko vakonewe, uye hakuna munhu angayambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’

27“Iye akapindura achiti, ‘Zvino ndinokukumbirai, baba, tumai Razaro kumba kwababa vangu, 28nokuti ndina vanunʼuna vashanu. Ngaaende anovayambira, kuitira kuti naivowo varege kuuya kunzvimbo ino yokurwadziwa.’

29“Abhurahama akati, ‘Mozisi navaprofita vanavo; ngavavanzwe.’

30“Iye akati, ‘Kwete, baba Abhurahama, asi kana mumwe akabva kuna vakafa akaenda kwavari, vangatendeuka.’

31“Iye akati kwaari, ‘Kana vasinganzwi Mozisi navaprofita, havangatendi kunyange dai mumwe akamuka kubva kuvakafa.’ ”

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

Riqueza, dos amos y Lázaro

  • En las palabras de Jesús sobre el rico y Lázaro, el rico clama: 'Padre Abraham', y Abraham responde: 'Hijo'. El Diccionario Bíblico de Easton (1897) explica el nombre Abraham como 'Padre de una multitud' y lo describe como heredero de las promesas.Fuentes: el propio texto bíblico · Abraham
  • Hablando a los fariseos, que se burlaban de él, Jesús dice que la Ley y los Profetas fueron proclamados hasta Juan, y que desde entonces se predica el evangelio del reino de Dios. El Diccionario Bíblico de Easton (1897) llama a Juan el Bautista 'precursor de nuestro Señor', afirma que su misión fue objeto de profecía, entre ellas Isaías 40:3 y Malaquías 3:1, y declara que su nacimiento ocurrió seis meses antes del de Jesús.Fuentes: el propio texto bíblico · John the Baptist
  • A un administrador acusado de desperdiciar los bienes de su señor se le ordena rendir cuentas y dejar el puesto. Hace que los deudores reescriban sus cuentas, reduciendo cien medidas de aceite de oliva a cincuenta y cien medidas de trigo a ochenta, y el señor elogia al administrador deshonesto porque había actuado con astucia. Jesús dice entonces que ningún siervo puede servir a dos amos, y que nadie puede servir al mismo tiempo a Dios y al dinero.Fuentes: el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.