Jeremías 7
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Zvitendero zvenhema hazvina maturo
1Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha: 2“Mira pasuo reimba yaJehovha, uparidzepo shoko iri rokuti:
“ ‘Inzwai shoko raJehovha imi mose vanhu veJudha vanopinda napamasuo aya kuzonamata Jehovha. 3Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Shandurai nzira dzenyu namaitiro enyu, ndigokugarisai munzvimbo ino. 4Musavimba namashoko anonyengedza muchiti, “Iyi ndiyo temberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha!” 5Kana mukashandura chaizvoizvo nzira dzenyu namaitiro enyu mukaitirana zvakarurama, 6kana mukasamanikidza vatorwa, nenherera kana chirikadzi uye mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, uye kana mukasatevera vamwe vamwari muchizvipinza munjodzi, 7ipapo ndichakugarisai munzvimbo ino, munyika yandakapa madzitateguru enyu nokusingaperi-peri. 8Asi tarirai, munovimba namashoko okunyengera asina maturo.
9“ ‘Mungaba mugouraya, mugoita upombwe mugopika nhema, muchipisira zvinonhuhwira kuna Bhaari, mugotevera vamwe vamwari vamusina kumboziva, 10ndokuzouya zvino momira pamberi pangu muimba ino, iyo ine Zita rangu, muchiti, “Takasunungurwa,” makasunungurwa kuti muite izvi zvose zvinonyangadza here? 11Ko, imba ino, inodanwa neZita rangu, yava bako ramakororo here? Asika, ndanga ndichizviona, ndizvo zvinotaura Jehovha.
12“ ‘Chiendai zvino kunzvimbo iri muShiro pandakagarisa Zita rangu pakutanga mugoona zvandakuitirai nokuda kwezvakaipa zvavanhu vangu Israeri. 13Pamakanga muchiita zvinhu zvose izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndakataura nemi ndataurazve asi hamuna kuteerera; ndakakudanai asi hamuna kupindura. 14Naizvozvo, zvandakaitira Shiro ndizvo zvandichaita iye zvino kuimba inodanwa neZita rangu, iyo temberi yamunovimba nayo, nzvimbo yandakakupai imi namadzibaba enyu. 15Ndichakubvisai pamberi pangu sezvandakaita kuhama dzenyu dzose, ivo vanhu vaEfuremu.’
16“Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava kana kupa chikumbiro chipi zvacho kana kuvareverera; usavakumbirira kwandiri, nokuti handingakunzwi. 17Hauoni here zvavari kuita mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema? 18Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, uye madzimai anokanya furawu ndokuitira Mambokadzi woKudenga makeke echingwa. Vanodurura zvipiriso zvokunwa kuna vamwe vamwari kuti vanditsamwise. 19Asi ndini here wavanotsamwisa? ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko, hakuzi kuzvikuvadza pachavo here kuti vanyadziswe?
20“ ‘Naizvozvo Ishe Jehovha anoti: Kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa pamusoro penzvimbo iyi, pamusoro pavanhu nezvipfuwo, napamusoro pemiti yesango napamusoro pezvibereko zvevhu, uye zvichatsva zvikasadzimwa.
21“ ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Endererai mberi, wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pamusoro pezvimwe zvibayiro mugodya nyama yacho pachenyu! 22Nokuti pandakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti ndikataura navo, handina kungovapa mirayiro pamusoro pezvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, 23asi ndakavapa murayiro uyu wokuti nditeererei, uye ndichava Mwari wenyu nemi muchava vanhu vangu. Mufambe munzira dzose dzandakakurayirai, kuti zvigova zvakanaka kwamuri. 24Asi havana kuteerera kana kurereka nzeve dzavo; asi vakatevera kutsauka kwoukukutu hwemwoyo yavo yakaipa. Vakadzokera shure vakasaenda mberi. 25Kubvira panguva yakabuda madzitateguru enyu muIjipiti kusvikira zvino, zuva nezuva, ndakatuma varanda vangu vaprofita ndavatumazve. 26Asi havana kunditeerera kana kuita hanya. Vaiva nemitsipa mikukutu uye vakaita zvakaipa kupfuura madzitateguru avo.’
27“Pauchavataurira zvose izvi, havasi kuzokuteerera; pauchavadana, havasi kuzokupindura. 28Naizvozvo iwe uti kwavari, ‘Urwu ndirwo rudzi rusina kuteerera Jehovha Mwari warwo kana kubvuma kurayirwa. Chokwadi chakaparara, hachisisipo pamiromo yavo. 29Veurai bvudzi renyu mugorirasira kure; chemai muri pazvikomo zvisina miti, nokuti Jehovha akaramba uye akasiya chizvarwa ichi chaakatsamwira.
Mupata woKuurayiwa kwaVanhu
30“ ‘Vanhu veJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Vakamisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakapiwa Zita rangu vakaisvibisa. 31Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti muMupata waBheni Hinomi kuti vapise vanakomana navasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvarayira, chisina kumbopinda mupfungwa dzangu. 32Saka chenjerai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, apo vanhu vasingazopadaidzi kuti Tofeti kana Mupata waBheni Hinomi, asi Mupata woKuurayiwa kwaVanhu, nokuti vachaviga vakafa muTofeti kusvikira pasisina nzvimbo. 33Ipapo mitumbi yavanhu ava ichava zvokudya zveshiri dzedenga nemhuka dzenyika, uye hapazovi nomunhu angazvivhundutsira kuti zvibve. 34Ndichaita kuti inzwi rokupembera nomufaro uye namanzwi omwenga nechikomba mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema zvigume nokuti nyika ichava dongo.

¿Sabías que…?
El sermón del templo y la falsa seguridad
- El pueblo de Judá creía que la presencia del templo en Jerusalén garantizaba la protección divina. Jeremías refutó esa presunción señalando a Silo, un santuario anterior en el territorio de Efraín que Dios había abandonado debido a la maldad del pueblo.Fuentes: el propio texto bíblico · Shiloh · Ephraim
- El capítulo describe la idolatría como una actividad familiar en las calles de Jerusalén, donde los hijos recogían leña, los padres encendían el fuego y las mujeres amasaban la harina para deidades extranjeras, además de ofrecer incienso a Baal.Fuentes: el propio texto bíblico · Baal · Jerusalem
- Jeremías condenó los sacrificios de niños en Tofet, en el valle de Hinom, advirtiendo que el lugar de tales ritos pasaría a llamarse Valle de la Matanza debido al juicio venidero.Fuentes: el propio texto bíblico · Topheth · Valley of the Son of Hinnom · Valley of Slaughter
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Shiloh · Hoy: Khirbet Seilun · 32.056, 35.290 · versículos 12, 14
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 17, 29, 34
- Egypt · 30.129, 31.308 · versículos 22, 25
- Topheth · Hoy: in the Hinnom Valley · 31.769, 35.228 · versículos 31, 32
- Valley of Hinnom · Hoy: Hinnom Valley · 31.769, 35.228 · versículos 31, 32
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org