Jeremías 23
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Davi Rakarurama
1“Vane nhamo vafudzi vari kuparadza uye vari kuparadzira makwai amafuro angu!” ndizvo zvinotaura Jehovha. 2Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, kuvafudzi vanofudza vanhu vangu: “Nemhaka yokuti makaparadzira makwai angu mukaadzingira kure uye mukasava nehanya nawo, ndichaisa rushamhu pamusoro penyu nokuda kwezvakaipa zvamakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 3“Ini pachangu ndichaunganidza akasara amakwai angu kubva kunyika dzose dzandakanga ndaadzingira uye ndichaadzosera kumafuro awo, kwaachava nezvibereko uye kwaachawanda. 4Ndichagadza vafudzi pamusoro pavo vachaafudza, uye havazotyi kana kuvhunduka, uye hakuna rimwe rawo ringashayikwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
5“Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“pandichamutsira Dhavhidhi Davi rakarurama,
Mambo achatonga nouchenjeri
nokururamisira uye nokuita zvakarurama munyika.
6Pamazuva ake Judha achaponeswa
uye Israeri achagara norugare.
Zita rake raachatumidzwa ndirori rokuti:
Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.
7Naizvozvo zvino mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “avasingazoti, ‘NaJehovha mupenyu iye akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti,’ 8asi vachazoti, ‘NaJehovha mupenyu, akabudisa vana vaIsraeri kubva kunyika yokumusoro nokunyika dzose kwaakanga avadzingira.’ Ipapo vachagara munyika yavo.”
Vaprofita venhema
9Kana vari vaprofita:
Mwoyo wangu waputsika mukati mangu;
mapfupa angu ose anodedera.
Ndakaita somunhu akadhakwa,
somunhu akundwa newaini,
nokuda kwaJehovha
uye nokuda kwamashoko ake matsvene.
10Nyika izere nemhombwe;
nyika yaoma nokuda kwokutukwa
uye mafuro omugwenga aoma.
Vaprofita votevera nzira yakaipa
uye vanoshandisa simba ravo nokusarurama.
11“Muprofita nomuprista vose havana umwari;
kunyange mutemberi yangu ndinowana kuipa kwavo,”
12“Naizvozvo nzira yavo ichatsvedza;
vachadzingirwa kurima
uye ikoko ndiko kwavachawira.
Ndichauyisa njodzi pamusoro pavo
mugore ravacharangwa,”
13“Pakati pavaprofita veSamaria
ndakaona chinhu chinonyangadza ichi:
Vakaprofita naBhaari,
uye vakatungamirira vanhu vangu vaIsraeri mukurasika.
14Uye pakati pavaprofita veJerusarema
ndakaona chimwe chinhu chinonyangadza:
Vanoita upombwe uye vanoreva nhema.
Vanosimbisa maoko evaiti vezvakaipa,
zvokuti hakuna anodzoka pazvakaipa zvake.
Vose vakaita seSodhomu kwandiri;
vanhu veJerusarema vakaita seGomora.”
15Naizvozvo, zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, pamusoro pavaprofita:
“Ndichaita kuti vadye kudya kunovava,
uye kuti vanwe mvura ine muchetura,
nokuti zvichibva nokumuprofita weJerusarema,
kushaya umwari kwapararira panyika yose.”
16Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:
“Regai kuteerera zvamunoprofitirwa navaprofita;
vanokuzadzai netariro dzenhema.
Vanotaura zviratidzo zvinobva pandangariro dzavo,
zvisingabvi mumuromo maJehovha.
17Vanoramba vachiti kuna avo vanondizvidza,
‘Jehovha anoti: Muchava norugare.’
Uye kuna vaya vose vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo,
vanoti, ‘Hakuna chakaipa chichakuwirai.’
18Asi ndiani pakati pavo akamira parangano yaJehovha,
kuti aone kana kunzwa shoko rake?
Ndiani akateerera akanzwa shoko rake?
19Tarirai, dutu raJehovha
richaputika muhasha dzake,
chamupupuri chichimona chakananga
pamisoro yavakaipa.
20Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki,
kusvikira apedza
zvinovavarirwa nomwoyo wake.
Pamazuva achauya
muchazvinzwisisa zvakanyatsojeka.
21Handina kutuma vaprofita ava,
kunyange zvakadaro vakamhanya neshoko ravo;
ini handina kutaura navo,
kunyange zvakadaro vakaprofita.
22Asi dai vakamira parangano yangu,
vangadai vakaparidza mashoko angu kuvanhu vangu,
uye vangadai vakavadzora panzira dzavo dzakaipa,
napamabasa avo akaipa.
23“Ko, ini ndinongori Mwari ari pedyo here,”
“ndisati ndiri Mwari ari kure?
24Pano munhu angavanda, panzvimbo dzakavanzika
zvokuti handingamuoni here?”
“Ko, handizadzi denga nenyika here?”
25“Ndakanzwa zvakataurwa navaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Vanoti, ‘Ndakarota! Ndakarota!’ 26Ko, izvi zvicharamba zviri mumwoyo yavaprofita venhema ava kusvikira rinhi ivo vanoprofita zvokunyengera kwendangariro dzavo? 27Vanofunga kuti zviroto zvavanoudzana zvichaita kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu sezvakaita madzibaba avo akakanganwa zita rangu nokuda kwokunamata Bhaari. 28Muprofita ane chiroto ngaataure kurota kwake, asi ane shoko rangu ngaataure nokutendeka. Nokuti mashanga ane basa rei pazviyo?” ndizvo zvinotaura Jehovha. 29“Shoko rangu harina kufanana nomoto here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nenyundo inoputsanya dombo?”
30“Naizvozvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanobirana mashoko anofungidzirwa kuti anobva kwandiri. 31Hongu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanoshandisa ndimi dzavo vachiti, ‘Jehovha ari kutaura.’ 32Zvirokwazvo handina ukama neavo vanoprofita zviroto zvenhema,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vanovaudza uye vanotsausa vanhu vangu nenhema dzavo dzisina maturo, asi handina kuvatuma kana kuvagadza. Havambobatsiri vanhu ava napaduku pose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Chirevo Chenhema naVaprofita Venhema
33“Paunobvunzwa navanhu ava, vaprofita kana vaprista, vachiti, ‘Chirevo ichi chaJehovha ndecheiko?’ uti kwavari, ‘Chirevo cheiko? Ndichakurasai, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ 34Kana muprofita kana muprista kana ani zvake achiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ ndicharanga munhu uyo nemhuri yake. 35Izvi ndizvo zvamunoramba muchitaura mumwe nomumwe wenyu kushamwari kana kuhama yake muchiti: ‘Mhinduro yaJehovha inoti kudiniko?’ kana kuti ‘Jehovha akataureiko?’ 36Hamufaniri kutaura ‘chirevo chaJehovha’ zvakare, nokuti shoko romunhu mumwe nomumwe richava chirevo chake, uye saizvozvo munominamisa mashoko aMwari mupenyu, Jehovha Wamasimba Ose, Mwari wedu. 37Izvi ndizvo zvamucharamba muchitaura kumuprofita muchiti: ‘Jehovha akakupindurei?’ kana kuti ‘Jehovha akataurei?’ 38Kunyange muchiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ izvi ndizvo zvinotaura Jehovha: Makashandisa mashoko anoti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ kunyange ndakanga ndakuudzai kuti musati, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha’. 39Naizvozvo, zvirokwazvo ndichakukanganwai uye ndichakurasai mubve pamberi pangu imi neguta randakakupai uye namadzibaba enyu. 40Ndichauyisa pamusoro penyu kunyadziswa kusingaperi, nyadzi dzisingaperi dzisingazokanganwiki.”

¿Sabías que…?
Pastores, el Renuevo Justo y la Verdadera Profecía
- En el mundo antiguo, los gobernantes eran descritos comúnmente como pastores. Jeremías contrasta a los líderes corruptos de Judá, que dispersaron a su pueblo, con la promesa de un Renuevo justo del linaje de David, que reinaría con sabiduría, impartiría justicia y reuniría al rebaño disperso.Fuentes: el propio texto bíblico
- El capítulo contrasta la capital del norte, Samaria, cuyos profetas invocaban a la deidad fenicia Baal, con los profetas de Jerusalén. Jeremías retrata los fracasos morales y las falsas promesas de paz en Jerusalén como tan graves como la proverbial maldad de Sodoma y Gomorra.Fuentes: el propio texto bíblico
- Jeremías emplea imágenes elocuentes para distinguir la auténtica revelación divina de los sueños inventados. La verdadera palabra de Dios se compara con el trigo nutritivo, el fuego consumidor y un martillo que despedaza la roca, mientras que las falsas profecías son descartadas como simple paja.Fuentes: el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Egypt · 30.129, 31.308 · versículo 7
- Samaria · 32.276, 35.195 · versículo 13
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 14, 15, 16
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org