Nations Bible

Isaías 37

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Kusunungurwa kweJerusarema kunoprofitwa

1Mambo Hezekia akati anzwa izvi, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha. 2Akatuma Eriakimu mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, navakuru vavaprista, vose vakapfeka masaga, kumuprofita Isaya mwanakomana waAmozi. 3Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva renhamo nokutukwa uye kunyadziswa, sezvinoitika kana vana vakasvika pakuzvarwa asi simba rokusununguka pasina. 4Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko omukuru wehondo, akatumwa naishe wake, mambo weAsiria, kuzomhura Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka pamusoro pamashoko aakanzwa iye Jehovha Mwari wenyu. Naizvozvo nyengetererai vakasara vari vapenyu.”

5Vabati vaHezekia vakati vasvika kuna Isaya, 6Isaya akati kwavari, “Udzai ishe wenyu kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Usatya hako zvawakanzwa, mashoko andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria. 7Teererai! Ndichaisa mweya maari wokuti akangonzwa rimwe guhu, achadzokera kunyika yake, uye ikoko, ndichaita kuti aurayiwe nomunondo.’ ”

8Mukuru wehondo akati anzwa kuti mambo weAsiria akanga abva kuBhakishi, akadzoka akawana mambo achirwa neRibhina.

9Zvino Senakeribhi akagamuchira mashoko okuti Tirihaka, muEtiopia mambo weIjipiti, akanga achiuya kuzorwa naye. Akati anzwa izvozvo, akatuma nhume kuna mambo Hezekia neshoko iri rokuti: 10“Udzai Hezekia mambo weJudha muti: Mwari waunovimba naye ngaarege kukunyengera achiti, ‘Jerusarema harizoiswa muruoko rwamambo weAsiria.’ 11Zvirokwazvo wakanzwa zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose vachidziparadza chose. Zvino iwe ucharwirwa here? 12Ko, vamwari vamamwe marudzi akaparadzwa namadzibaba angu vakavarwira here, vamwari veGezani, neHarani neRezefi navanhu vokuEdheni vakanga vari kuTeri Asari? 13Mambo weHamati aripiko, namambo weArifadhi namambo weguta reSefarivhaimi, kana Hena kana Ivha?”

Munyengetero waHezekia

14Hezekia akagamuchira tsamba kubva mumaoko enhume, akaiverenga. Ipapo akakwidza kutemberi yaJehovha akaitambanudza pamberi paJehovha. 15Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti, 16“Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mugere pakati pamakerubhimi, imi moga ndimi Mwari aripo pamusoro poumambo hwose hwenyika. Makasika denga nepasi. 17Rerekai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; zarurai meso enyu, Jehovha muone; teererai mashoko ose aSenakeribhi aakatuma kuzozvidza nawo Mwari mupenyu.

18“Ichokwadi, Jehovha, kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi dzose nenyika dzadzo. 19Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo akaitwa namaoko avanhu. 20Zvino, Jehovha Mwari wedu, tidzikinurei kubva muruoko rwake, kuitira kuti madzimambo ose enyika azive kuti imi moga, Jehovha, ndimi Mwari.”

Kuwa kwaSenakeribhi

21Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatumira shoko kuna Hezekia achiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Nokuda kwokuti wanyengetera kwandiri pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria, 22heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake:

“Mhandara Mwanasikana weZioni

anokuzvidza uye anokuseka.

Mwanasikana weJerusarema

anokudzungudzira musoro wake paunenge uchitiza.

23Ndianiko wawatuka uye ukamhura?

Ndianiko wawasimudzira inzwi rako,

uye ukasimudzira meso ako uchizvikudza?

Ndiye Mutsvene waIsraeri!

24Navaranda vako watutira

kutuka pamusoro paIshe.

Uye wakati,

‘Nengoro dzangu zhinji

ndakakwira makomo marefu,

kumusoro-soro kweRebhanoni.

Ndakatema misidhari yayo mirefu refu,

nemisipuresi yayo yakanakisisa.

Ndakasvika kumusoro-soro kwayo,

nokumasango ayo akanakisisa.

25Ndakachera matsime munyika yavamwe,

ndikanwa mvura imomo.

Netsoka dzangu

ndakapwisa hova dzose dzeIjipiti.’

26“Hauna kunzwa here?

Izvi ndakazviita kare.

Ndakazvironga pamazuva akare;

zvino ndaita kuti zviitike,

nokuti wakaparadza maguta akakomberedzwa

akava mirwi yamatombo.

27Vanhu vawo, vapererwa nesimba,

vavhundutswa uye vanyadziswa.

Vafanana nembeu mumunda,

namabukira manyoro,

sebundo ramera padenga remba,

ratsva risati rakura.

28“Asi ndinoziva paunogara

uye nguva yaunouya neyaunoenda

uye kuti unondiitira hasha zvakadii.

29Nokuda kwehasha dzako kwandiri

uye nokuda kwokuti kusateerera kwako kwasvika munzeve dzangu,

ndichaisa chiredzo changu mumhuno dzako

namatomu angu mumuromo mako,

uye ndichaita kuti udzokere

nenzira yawakauya nayo.

30“Ichi ndicho chichava chiratidzo kuvarwi, iwe Hezekia:

“Gore rino muchadya zvinomera zvoga,

uye mugore rinotevera muchadya mabukira azvo.

Asi mugore rechitatu mudyare mugokohwa,

mudyare minda yemizambiringa mugodya michero yayo.

31Zvakare, vakasara veimba yaJudha vachava nemidzi pasi

uye vachabereka michero kumusoro.

32Nokuti muJerusarema muchabuda vachasara,

uye muZioni muchabuda boka ravachapunyuka.

Kushingaira kwaJehovha

kuchazviita.

33“Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria,

“Haazopindi muguta iri

kana kupfura museve pano.

Haazosviki mberi kwaro nenhoo

kana kuvaka gomo revhu pariri.

34Achadzokera nenzira yaakauya nayo;

haazopindi muguta rino,”

35“Ndichadzivirira guta rino uye ndichariponesa,

nokuda kwangu uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu!”

36Ipapo mutumwa waJehovha akabuda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu pamusasa wavaAsiria. Vanhu vakati vachimuka mangwanani, onei mitumbi yavakafa! 37Naizvozvo Senakeribhi mambo weAsiria akaputsa musasa. Akadzokera kuNinevhe akandogara ikoko.

38Mumwe musi achinamata ari mutemberi yamwari wake Nisiroki, Adhiramereki naSharezeri, vanakomana vake vakamuuraya nomunondo, ndokutizira kunyika yeArarati. Mwanakomana waEsarihadhoni akamutevera paushe.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

La oración de Ezequías y la liberación de Jerusalén

  • Cuando el rey Ezequías recibió la carta amenazante del rey asirio Senaquerib, subió al templo en Jerusalén y extendió el documento ante Dios en oración. En su plegaria señaló que los dioses de las naciones conquistadas habían caído por ser solo obras humanas de madera y piedra, a diferencia del Dios vivo.Fuentes: el propio texto bíblico · Hezekiah
  • El relato menciona a Tirhaca, rey de Cus, quien marchó para combatir a Senaquerib. En aquel periodo, Cus y Egipto se encontraban unificados bajo gobernantes etíopes, lo que constituía una fuerza militar en el sur que se oponía a la expansión asiria.Fuentes: Tirhakah · Cush · el propio texto bíblico
  • Tras el desastre que diezmó a su ejército frente a Jerusalén, Senaquerib se retiró a su capital en Nínive. Mientras adoraba en el templo de su dios Nisroc, sus propios hijos, Adramelec y Sarezer, lo asesinaron.Fuentes: el propio texto bíblico · Sennacherib · Adrammelech

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Assyria · 36.359, 43.153 · versículos 4, 6, 8, 10, 11, 18, 21, 33, 37, 38
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 8, 9, 10, 22, 32, 33
  • Lachish · Hoy: Tell ed Duweir · 31.565, 34.849 · versículo 8
  • Cush · Hoy: Cush 1 · 16.935, 33.751 · versículo 9
  • Eden · Hoy: Beth-eden · 36.701, 38.087 · versículo 12
  • Haran · Hoy: Harran · 36.864, 39.033 · versículo 12
  • Hamath · Hoy: Hama · 35.136, 36.750 · versículo 13
  • Zion · Hoy: Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 22
  • Lebanon · 33.540, 35.584 · versículo 24
  • Mount Carmel · 32.672, 35.023 · versículo 24
  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículo 25
  • Mount Zion · 31.772, 35.229 · versículo 32
  • Nineveh · 36.359, 43.153 · versículo 37
  • Ararat · Hoy: Urartu · 39.703, 44.300 · versículo 38

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.