Nations Bible

Gálatas 2

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Pauro anogamuchirwa naVapostori

1Mushure mamakore gumi namana ndakakwirazve kuJerusarema, panguva iyi ndakanga ndina Bhanabhasi. Ndakaendawo naTito. 2Ndakaenda nokuda kwokuzarurirwa uye ndikarondedzera pamberi pavo vhangeri randakaparidza pakati peveDzimwe Ndudzi. Asi ndakaita izvi kuna avo vakanga vari vatungamiri vari voga, nokuti ndaitya kuti ndakanga ndichimhanya kana kuti ndatomhanya nhangemutange yangu pasina. 3Asi kunyange naTito, akanga aneni, haana kumanikidzwa kuti adzingiswe, kunyange zvazvo akanga ari muGiriki. 4Nyaya iyi yakamutswa nokuda kwedzimwe hama dzenhema dzakanga dzapinda munzvimbo dzedu kuti vazosora rusununguko rwatinarwo muna Kristu Jesu uye kuti vagotiita nhapwa. 5Hatina kuvapa mukana napaduku, kuitira kuti chokwadi chevhangeri chigare mamuri.

6Kana vari vaya vanonzi vanoremekedzwa, hazvinei kuti vakanga vakadii, kwandiri hazvina mutsauko; Mwari haatongi nezvinoonekwa zvokunze, varume ivavo havana chavakawedzera pashoko rangu. 7Zvisinei hazvo, vakaona kuti ndakapiwa basa rokuparidza vhangeri kune veDzimwe Ndudzi, sezvakaitwawo Petro kuvaJudha. 8Nokuti Mwari, iye akanga achishanda muushumiri hwaPetro somupostori kuvaJudha, akanga achishandawo muushumiri hwangu somupostori kune veDzimwe Ndudzi. 9Jakobho, Petro, naJohani, ivo vainzi mbiru, vakandimbunda ini naBhanabhasi noruoko rworudyi rwokuwadzana pavakaona nyasha dzandakanga ndapiwa. Vakabvuma kuti tinofanira kuenda kune veDzimwe Ndudzi, uye ivo vaende kuvaJudha. 10Zvavakangokumbira zvakanga zviri zvokuti isu tirambe tichirangarira varombo, chinova ndicho chinhu chandaidisa kuita.

Pauro anotsoropodza Petro

11Petro akati asvika kuAndioki, ndakamutsoropodza pachena, nokuti akanga akanganisa zviri pachena. 12Vamwe varume vakabva kuna Jakobho vasati vasvika, akanga achimbodya neveDzimwe Ndudzi. Asi pavakasvika, akatanga kusuduruka uye akazvitsaura kubva kune veDzimwe Ndudzi nokuti akanga achitya vaya vakanga vari veboka rokudzingiswa. 13Vamwe vaJudha vakabatana naye pakunyengera kwake, zvokuti nokunyengera kwavo, naBhanabhasi akanga atsauswawo.

14Ndakati ndaona kuti vakanga vasingafambi muchokwadi chevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pavo vose, “Iwe uri muJudha, asi unoda kurarama somuHedheni, kwete somuJudha. Seiko, zvino, uchimanikidza veDzimwe Ndudzi kuti vatevere tsika dzechiJudha?

15“Isu tiri vaJudha pakuzvarwa uye hatisi vatadzi ve‘Dzimwe Ndudzi’ 16uye tinoziva kuti munhu haaruramisirwi nokuchengeta murayiro, asi nokutenda muna Jesu Kristu. Saka nesuwo, takaisa kutenda kwedu muna Kristu Jesu kuti tiruramisirwe nokutenda muna Kristu, uye kwete nokuchengeta murayiro, nokuti hakuna munhu acharuramisirwa nokuchengeta murayiro.

17“Kana tichitsvaka kuti kururamisirwa muna Kristu, zvikazoonekwa kuti isu pachedu tiri vatadzi, zvinoreva here kuti Kristu anosimudzira chivi? Kwete napaduku! 18Kana ndikavakazve chandakamboputsa, ndinoratidza kuti ndiri mudariki womurayiro. 19Nokuti kubudikidza nomurayiro ndakafa kumurayiro kuitira kuti ndiraramire Mwari. 20Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu. 21Handikonesi nyasha dzaMwari, nokuti kana kururama kuchigona kuwanikwa nomurayiro, Kristu akafira pasina!”

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

Gentiles, comunión y un enfrentamiento en Antioquía

  • Tito fue con Pablo y Bernabé a Jerusalén. El Easton's Bible Dictionary (1897) dice que parece haber sido gentil y que su nombre no aparece en Hechos. Pablo escribe que Tito, aunque era griego, no fue obligado a circuncidarse.Fuentes: Titus · el propio texto bíblico
  • El enfrentamiento posterior tuvo lugar en Antioquía de Siria, a orillas del Orontes, a unas trescientas millas al norte de Jerusalén. La ciudad ocupaba el tercer lugar entre las ciudades del Imperio romano, después de Roma y Alejandría, y fue allí donde a los creyentes se les llamó cristianos por primera vez.Fuentes: Antioch (Syria) · el propio texto bíblico
  • El Easton's Bible Dictionary (1897) describe a Santiago, nombrado con Cefas y Juan como uno de los pilares, como cabeza de la iglesia en Jerusalén, donde presidió el concilio sobre los gentiles. Pablo dice que, antes de que llegaran ciertos hombres de parte de Santiago, Cefas solía comer con los gentiles, pero luego se apartó por temor al grupo de la circuncisión.Fuentes: James (Brother of Jesus) · el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 1
  • Antioch · Hoy: Antioch on the Orontes · 36.227, 36.172 · versículo 11

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.