Nations Bible

Esdras 9

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Munyengetero waEzira pamusoro poKuwana Vakadzi Vokumwe

1Mushure mokunge zvinhu izvi zvose zvaitwa, vatungamiri vakauya kwandiri vakati, “Vanhu veIsraeri, zvichisanganisira vaprista navaRevhi, havana kuzvitsaura kubva kumarudzi avakavakidzana nawo nezvinonyangadza zvavo, zvakafanana nezvevaKenani, vaHiti, vaPerizi, vaJebhusi, vaAmoni, vaMoabhu, vaIjipita uye navaAmori. 2Vakatora vanasikana vavo vakavapa kuti vave vakadzi vavo uye nevevanakomana vavo, uye vakasanganisa rudzi rutsvene navanhu vakavapoteredza. Uye vatungamiri namakurukota ndivo vakatanga pakusatendeka uku.”

3Zvino ndakati ndichinzwa izvi, ndakabvarura nguo yangu nejasi rangu, ndikadzura bvudzi kubva mumusoro mangu nendebvu dzangu uye ndikagara pasi ndashungurudzika. 4Ipapo vose vakadedera nokuda kwamashoko aMwari waIsraeri vakauya vakaungana pandiri nokuda kwokusatendeka kwavatapwa. Uye ndakagarapo ndakashungurudzika kusvikira nguva yechibayiro chamadekwana.

5Zvino, panguva yechibayiro chamadekwana, ndakasimuka kubva pakuzvininipisa kwangu, nenguo nejasi rangu zvakabvaruka, uye ndikawira pasi namabvi angu ndikatambanudzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu 6ndikanyengetera, ndichiti:

“Haiwa Mwari wangu, ndinonyara uye handisakafanira kuti ndisimudze maoko nechiso changu kwamuri, Mwari wangu, nokuti zvivi zvedu zvakakura kupfuura misoro yedu uye mhosva yedu yasvika kumatenga. 7Kubva pamazuva amadzitateguru edu kusvikira zvino, mhosva yedu yakura kwazvo. Nokuda kwezvivi zvedu, isu namadzimambo edu uye navaprista vedu takaiswa kumunondo nokuutapwa, nokuparadzwa nokuninipiswa paruoko rwamadzimambo avatorwa sezvazviri nhasi.

8“Asi zvino, kwenguva duku duku, Jehovha Mwari wedu atiitira nyasha nokutisiyira vakasara uye nokutipa nzvimbo yakasimba muimba yake tsvene, naizvozvo Mwari wedu anopa chiedza kumeso edu uye norusununguko ruduku muuranda hwedu. 9Kunyange zvedu tiri varanda, Mwari wedu haana kutisiya tiri muuranda hwedu. Akatinzwira tsitsi pamberi pamadzimambo ePezhia: Akatipa, upenyu hutsva kuti tivakezve imba yaMwari wedu nokugadzira matongo ayo, uye atipa rusvingo rwokutidzivirira muJudha nomuJerusarema.

10“Asi zvino, nhai Mwari wedu, tichatiiko mushure meizvi? Nokuti takarasa mirayiro 11yamakapa kubudikidza navaranda venyu vaprofita pamakati, ‘Nyika yamuri kupinda kuti ive yenyu inyika yakasvibiswa nokuora kwavanhu vayo. Nezvinonyangadza zvavo vakaizadza noutsvina hwavo kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe rutivi. 12Naizvozvo, musapa vanasikana venyu kuti vawanikwe navanakomana vavo kana kutora vanasikana vavo kuti vawanikwe navanakomana venyu. Musaita chibvumirano kana ushamwari navo panguva ipi zvayo, kuitira kuti musimbe uye mudye zvinhu zvakanaka zvenyika uye mugoisiyira kuvana venyu senhaka isingaperi.’

13“Zvakaitika kwatiri zvakaitika nokuda kwamabasa edu akaipa nemhosva yedu huru, asi kunyange zvakadaro, imi Mwari wedu makatiranga zvishoma kupfuura zvaikodzera zvivi zvedu uye makatipa vakasara vakadai. 14Tingaputsazve here mirayiro yenyu nokuwanana namarudzi anoita zvinhu zvinonyangadza zvakadai? Hamungatitsamwiri zvakafanira kutiparadza, muchitisiya pasina mupenyu kana angasara here? 15Imi Jehovha, Mwari waIsraeri, makarurama! Tasara nhasi isu sevakasara. Zvino tiri pano pamberi penyu nemhosva yedu, kunyange pasina kana mumwe chete wedu angamira pamberi penyu nokuda kwechivi ichi.”

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

La oración de confesión de Esdras

  • Al enterarse de que los exiliados retornados y sus líderes se habían emparentado con los pueblos vecinos, Esdras mostró un profundo dolor rasgando su túnica y su manto, arrancándose cabellos de la cabeza y de la barba, y sentándose consternado hasta la ofrenda de la tarde.Fuentes: el propio texto bíblico
  • En su oración de confesión, Esdras reconoció que Dios había mostrado misericordia al remanente a través de los reyes del Imperio persa, quienes permitieron a los judíos reconstruir el templo en Jerusalén, aun cuando continuaban bajo dominio extranjero.Fuentes: el propio texto bíblico · Persia · Jerusalem

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 9
  • Judea · Hoy: Judea 2 · 31.777, 35.234 · versículo 9
  • Persia · 34.806, 48.516 · versículo 9

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.