Nations Bible

Ezequiel 46

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

1“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Suo roruvazhe rwomukati rakatarisa kumabvazuva rinofanira kugara rakapfigwa mazuva matanhatu anobatwa nawo basa, asi pazuva reSabata uye pazuva roKugara kwoMwedzi rinofanira kuzarurwa. 2Muchinda anobva kunze anofanira kupinda napabiravira rapasuo agomira pambiru dzapasuo. Vaprista vanofanira kubayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chake chokuwadzana. Anofanira kunamata ari pachikumbaridzo chepasuo ipapo agobuda kunze, asi harifaniri kuzopfigwa kusvikira madekwana. 3Vanhu venyika vanofanira kunamata pamberi paJehovha vari pamukova wesuo pamaSabata napaKugara kwoMwedzi. 4Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvigirwa Jehovha nomuchinda nomusi weSabata, chinofanira kuva chamakwayana matanhatu makono negondobwe, ose asina kuremara. 5Chipiriso chezviyo chinopiwa pamwe chete negondobwe chinofanira kuita efa imwe chete, uye chipiriso chezviyo nemakwayana chinofanira kuva sezvaanoda, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe. 6Pazuva roKugara kwoMwedzi anofanira kupa hando duku, makwayana matanhatu negondobwe, zvose zvisina kuremara. 7Anofanira kupa sechipiriso chezviyo efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondobwe, uye namakwayana paanoda kupa napo, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe. 8Panopinda muchinda, anofanira kupinda napabiravira rapanzira yesuo, uye anofanira kubuda nenzira imwe cheteyo.

9“ ‘Vanhu venyika pavanouya pamberi paJehovha panguva yemitambo yakatarwa, ani naani anopinda napasuo rokumusoro kundonamata anofanira kubuda nokusuo rezasi; uye ani naani anopinda nesuo rezasi anofanira kubuda nesuo rokumusoro. Hakuna munhu anotenderwa kudzoka nesuo raambopinda naro, asi mumwe nomumwe anofanira kubuda neimwe nzira. 10Muchinda anofanira kuva pakati pavo, pavanopinda anofanira kupinda navo, napavanobuda anofanira kubuda navo.

11“ ‘Pamitambo napamitambo yakatarwa, chipiriso chezviyo chinofanira kuita efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondobwe, uye namakwayana sezvaanoda, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe. 12Kana muchinda achipa chipiriso chokungopa kuna Jehovha, chingava chipiriso chinopiswa kana chokuwadzana, suo rakatarisa kumabvazuva rinofanira kumuzarurirwa iye. Achapa chipiriso chake chinopiswa kana chipiriso chokuwadzana sezvaanoita nomusi weSabata. Ipapo anofanira kuzobuda kunze, uye shure kwokubuda kwake, suo richapfigwa.

13“ ‘Zuva rimwe nerimwe unofanira kupa gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara kuti rive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha; mangwanani oga oga unofanira kuuya naro. 14Unofanira kuuyawo nechipiriso chezviyo chinokwana chikamu chimwe chete muzvitanhatu cheefa, nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yamafuta okunyorovesa upfu, mangwanani oga oga. Kupiwa kwechipiriso ichi kuna Jehovha, mutemo unogara nokusingaperi. 15Saka gwayana nechipiriso chezviyo namafuta zvichafanira kuuyiwa nazvo mangwanani oga oga kuti zvive chipiriso chinopiswa nguva dzose.

16“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muchinda achipa chipo chinobva panhaka yake kuno mumwe wavanakomana vake, chichavawo chezvizvarwa zvake zvinotevera, chichava chavo chenhaka. 17Kunyange zvakadaro, kana akapa chipo kubva panhaka yake kuno mumwe wavaranda vake, muranda uyu angachichengeta hake kusvikira pagore rokusununguka; ipapo chichadzoserwa kumuchinda. Nhaka yake ndeyavanakomana vake chete; ndeyavo. 18Muchinda haafaniri kutora nhaka ipi zvayo yavanhu, achivadzinga pazvinhu zvavo. Anofanira kupa vanakomana vake nhaka yavo inobva pane zvake, kuitira kuti vanhu vangu varege kuparadzaniswa nezvinhu zvavo.’ ”

19Ipapo murume uyu akandipinza napamukova uri parutivi pesuo rinoenda kumakamuri matsvene akatarisa kumusoro, akanga ari avaprista akandiratidza nzvimbo yakanga iri nechokumagumo kworutivi rwokumavirira. 20Akati kwandiri, “Iyi ndiyo nzvimbo ichabikirwa navaprista, chipiriso chemhosva nechipiriso chechivi nokubika chipiriso chezviyo, kuti varege kuzviuyisa kuruvazhe rwokunze zvaizoita kuti vanhu vanatswe.”

21Ipapo akandibudisa kuruvazhe rwokunze uye akanditungamirira tichitenderera makona arwo mana, uye akaona pakona imwe neimwe rumwe ruvazhe. 22Mukati mamakona mana oruvazhe rwokunze makanga muna mavazhe akakomberedzwa, akareba makubhiti makumi mana noupamhi hwaiva namakubhiti makumi matatu; ruvazhe rumwe norumwe mumakona mana aya rwakanga rwakaenzana. 23Kupoteredza mukati merimwe nerimwe ramavazhe mana aya makanga mune chidziro chamabwe, nenzvimbo dzechoto dzakavakwa dzakakomberedza pasi pechidziro. 24Iye akati kwandiri, “Idzi ndidzo dzimba dzokubikira dzichabikirwa zvibayiro zvinoitirwa vanhu navaya vanoshumira mutemberi.”

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

Culto, Deberes Reales y Cocinas del Templo

  • La puerta oriental del atrio interior se mantenía cerrada durante los seis días de trabajo, pero se abría en el día de reposo y en el novilunio. El príncipe debía permanecer junto al poste de la puerta y adorar en el umbral mientras los sacerdotes presentaban sus ofrendas, tras lo cual la puerta permanecía abierta hasta la tarde.Fuentes: el propio texto bíblico
  • Durante las fiestas señaladas, los fieles que entraban por la puerta norte debían salir por la del sur, y los que entraban por el sur debían salir por el norte. Asimismo, las leyes de propiedad prohibían que el príncipe despojara al pueblo de sus tierras, exigiéndole heredar únicamente de sus propias posesiones.Fuentes: el propio texto bíblico
  • La visión describe áreas de cocina independientes: salas especiales en el extremo occidental para que los sacerdotes cocinaran las ofrendas por la culpa y el pecado, y cuatro atrios en las esquinas del atrio exterior donde los ministros del templo cocinaban los sacrificios del pueblo.Fuentes: el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.