Nations Bible

Ezequiel 39

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

1“Mwanakomana womunhu, profita pamusoro paGogi, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda mukuru weMesheki neTubhari. 2Ndichakutendeutsa ndigokukwekweredza. Ndichakubvisa kumusoro ndigokutumira kundorwisa pamakomo eIsraeri. 3Ipapo ndicharova museve wako nechokuruboshwe rwako ndigowisira miseve yako pasi ichibva muruoko rwako rworudyi. 4Uchawa pamakomo aIsraeri, iwe namauto ako ose uye nendudzi dzaunadzo. Ndichakupa iwe sechokudya chemhando dzose dzeshiri dzinodya nyama uye nokumhuka dzesango. 5Uchawira pamhene, nokuti ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 6Ndichatuma moto pamusoro paMagogi uye napamusoro pavagere zvakanaka muzviwi, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.

7“ ‘Ndichazivisa zita rangu dzvene pakati pavanhu vangu vaIsraeri. Handichazobvumiri kuti zita rangu dzvene risvibiswe, uye ndudzi dzichaziva kuti ini Jehovha ndini mutsvene woga waIsraeri. 8Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Iri ndiro zuva randakareva.

9“ ‘Ipapo vaya vanogara mumaguta aIsraeri vachabuda kunze vagoshandisa zvombo sehuni vagozvipisa, senhoo duku nehuru, uta nemiseve, tsvimbo dzehondo namapfumo. Vachazvishandisa sehuni kwamakore manomwe. 10Havachazounganidzi huni kubva musango kana kudzitema kumatondo, nokuti vachashandisa zvombo sehuni. Uye vachapamba vaya vakambovapamba uye vachatorera nechisimba vaya vakambovatorera nechisimba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

11“ ‘Pazuva iro, ndichapa Gogi nzvimbo yamakuva muIsraeri, mumupata wavaya vanoshanya vachienda kumabvazuva vakananga kugungwa. Ichadzivirira nzira yavashanyi, nokuti Gogi navanhu vake vachavigwapo. Saka ichatumidzwa kunzi Mupata waHamoni Gogi.

12“ ‘Imba yaIsraeri ichapedza mwedzi minomwe ichivaviga kuitira kuti nyika inatswe. 13Vanhu vose vomunyika vachavaviga, uye zuva rokukudzwa kwangu richava zuva ravacharangarira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

14“ ‘Vachapa vanhu basa rokuchenesa nyika nguva dzose. Vamwe vachapota nenyika yose uye, kubatanidza naivavo vamwe vachaviga vaya vakasiyiwa vachingova pachena. Mushure memwedzi vachazotanga kutsvaga. 15Pavachange vachipota nenyika, kana mumwe akaona bvupa romunhu, achaisapo chiratidzo parutivi rwaro kusvikira vacheri vamarinda variviga muMupata waHamoni Gogi. 16Uyezve, pachava neguta rinonzi Hamona ipapo. Nokudaro vachanatsa nyika.’

17“Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha: Danidzira kumarudzi ose eshiri uye nemhuka dzose dzesango uti, ‘Unganai uye muve pamwe chete muchibva kwose kwose muuye kuchibayiro chandiri kukugadzirirai, chibayiro chikuru pamusoro pamakomo eIsraeri. Muchadya nyama uye muchanwa ropa ipapo. 18Muchadya nyama yavarume vane simba nokunwa ropa ramachinda enyika kunge ramakondobwe, neremakwayana, nerembudzi uye rehando, mhuka dzose dzakakodzwa dzinobva kuBhashani. 19Pachibayiro chandinokugadzirirai, muchadya mafuta kusvikira makorwa nawo, uye muchanwa ropa kusvikira madhakwa. 20Patafura yangu muchadya mukaguta mabhiza navatasvi vavo, varume vane simba navarwi vemhando dzose,’ ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

21“Ndicharatidza kubwinya kwangu pakati pendudzi, uye ndudzi dzose dzichaona kuranga kwandinoita noruoko rwandinoisa pamusoro pavo. 22Kubva pazuva iro zvichienda mberi, imba yaIsraeri ichaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo. 23Uye ndudzi dzichaziva kuti vanhu vaIsraeri vakaenda kuutapwa nokuda kwechivi chavo, nokuti vakanga vasina kutendeka kwandiri. Saka ndakavavanzira chiso changu ndikavaisa mumaoko avavengi vavo, uye vose vakaurayiwa nomunondo. 24Ndakavaitira zvakafanira kusachena kwavo nokudarika kwavo, uye ndakavavanzira chiso changu.

25“Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Zvino ndichabvisa Jakobho kubva mukutapwa uye ndichanzwira tsitsi vanhu vose veIsraeri, uye ndichashingairira zita rangu dzvene. 26Vachakanganwa kunyadziswa kwavo nokusatendeka kwavo kwose kwavakaratidza kwandiri pavakagara zvakanaka munyika yavo pasina aivavhundusa. 27Pandichavadzosa kubva kundudzi uye ndikavaunganidza vachibva kunyika dzavavengi vavo, ndicharatidza utsvene hwangu kubudikidza navo pamberi pendudzi zhinji. 28Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, nokuti kunyange ndakavadzingira kuutapwa pakati pendudzi, ndichavaunganidza munyika yavo, pasina wandinosiya. 29Handingazovavanzirizve chiso changu, nokuti ndichadurura Mweya wangu pamusoro peimba yaIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

La derrota de Gog y la restauración de Israel

  • El entierro de la multitud de Gog se describe como un proceso de siete meses para purificar la tierra. Se lleva a cabo al este del Mar en el Valle de los Viajeros, que recibe el nombre simbólico de Valle de Hamón-gog, que significa multitud de Gog, junto a una ciudad llamada Hamona.Fuentes: el propio texto bíblico · Hamonah · Valley of Hamongog
  • Ezequiel se dirige a Gog como príncipe soberano de Mesec y Tubal, de la tierra de Magog. Las tradiciones antiguas a menudo asociaban a Mesec con los moscos entre los mares Negro y Caspio, mientras que autores antiguos como Jerónimo vinculaban a Magog con los pueblos de las estepas del norte.Fuentes: el propio texto bíblico · Meshech · Magog
  • El texto describe a los habitantes de Israel recogiendo armas de madera abandonadas — incluidos escudos, arcos, flechas y lanzas — para usarlas como leña durante siete años, eliminando la necesidad de cortar madera de los bosques.Fuentes: el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Meshech · Hoy: about 200 km around Gordion · 39.655, 31.994 · versículo 1
  • Tubal · Hoy: Tabal · 37.296, 36.254 · versículo 1
  • Salt Sea · Hoy: Dead Sea · 31.500, 35.500 · versículo 11
  • Hamonah · Hoy: in Abarim · 31.754, 35.715 · versículo 16
  • Bashan · 32.781, 35.935 · versículo 18

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.