Ezequiel 34
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Vafudzi naMakwai
1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavafudzi vaIsraeri; profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vafudzi vaIsraeri vanongova nehanya yokuzvifudza pachavo! Ko, vafudzi havafaniri kufudza makwai here? 3Munodya ruomba, munozvifukidza namakushe muchiuraya makwai akakora, asi hamuna hanya namakwai. 4Hamuna kusimbisa asina simba kana kurapa anorwara kana kusunga akakuvara. Hamuna kutsvaka akarasika kana kudzosa akadzingwa. Makaabata nehasha uye noutsinye. 5Saka akapararira nokuti kwakanga kusina mufudzi, uye paakapararira akava zvokudya zvezvikara zvesango. 6Makwai angu akadzungaira pamusoro pamakomo napazvikomo zvose. Akaparadzirwa panyika yose, uye hakuna akaaronda kana kuatsvaka.
7“ ‘Naizvozvo, imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha: 8Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, nokuda kwokuti makwai angu ashayiwa mufudzi, nokudaro akapambwa akava zvokudya zvemhuka dzose dzesango, uye nemhaka yokuti vafudzi vangu havana kuatsvaka asi kuti vakazvifudza vamene pachinzvimbo chamakwai angu, 9naizvozvo imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha: 10Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka navafudzi uye vachazvidavirira pamusoro pamakwai angu. Ndichavabvisa pakufudza makwai angu kuitira kuti vafudzi varege kuzozvifudza pachavo. Ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, uye haachazovi chokudya chavo.
11“ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ini pachangu ndichazvitsvakira makwai angu ndigoafudza. 12Somufudzi anofudza makwai ake akapararira paanenge anawo, saizvozvo neni ndichafudza makwai angu. Ndichaarwira kubva panzvimbo dzose dzaanga akapararira pazuva ramakore nerima. 13Ndichaabudisa kubva kundudzi ndigoaunganidza kubva kunyika dzose, uye ndigoauyisa munyika yawo. Ndichaafudzira pamakomo aIsraeri, muhova, nomunzvimbo dzokugara dzose dzenyika. 14Ndichaafudzira mumafuro akanaka, uye pamusoro pamakomo aIsraeri ndipo paachafura. Acharara pasi pamafuro akanaka ikoko, uye achafura pabumhudza rakanaka ikoko kumakomo eIsraeri. 15Ini pachangu ndichafudza makwai angu nokuavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 16Ndichatsvaka akarasika ndigodzosa akatetereka. Ndichasunga akakuvara ndigosimbisa asina simba, asi akakora neane simba ndichaaparadza. Ndichafudza boka nokururamisira.
17“ ‘Asi kana murimi, boka rangu, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatonga pakati pegwai nerimwe gwai, uye pakati pamakondobwe nembudzi. 18Ko, hazvina kuringana kwamuri here kuti mudye pamafuro akanaka? Zvakafanira here kuti mutsike netsoka dzenyu mafuro enyu akasara? Ko, hazvina kuringana here kuti munwe mvura yakachena? Ko, zvakafanira here kuti musvibise mvura yakasara namakumbo enyu? 19Ko, makwai angu angafanirwa nokudya kana kunwa zvamakabvongodza netsoka dzenyu here?
20“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha kwavari: Tarira, ini ndimene ndichatonga pakati peakakora nemakwai akaonda. 21Nokuda kwokuti munosunda norutivi nepfudzi, muchitunga makwai asina simba nenyanga dzenyu kusvikira maadzingira kure, 22ini ndicharwira makwai angu, uye haangazopambwizve. Ndichatonga pakati pehwai neimwe hwai. 23Ndichaisa pamusoro pawo mufudzi mumwe chete, muranda wangu Dhavhidhi uye achaafudza; iye achaafudza agova mufudzi wawo. 24Ini Jehovha ndichava Mwari wavo, uye muranda wangu Dhavhidhi achava muchinda pakati pawo. Ini Jehovha ndazvitaura.
25“ ‘Ndichaita sungano yorugare navo uye ndichadzinga zvikara panyika kuti vagogara mugwenga vagovata zvakanaka musango. 26Ndichaaropafadza nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu. Ndichanayisa mvura nenguva yayo; pachava nemibvumbi yamaropafadzo. 27Miti yesango ichabereka michero yayo uye ivhu richabereka zvibereko zvaro; vanhu vachagara zvakanaka panyika yavo. Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavhuna mazariro amajoko avo ndigovanunura kubva mumaoko aavo vanovaita nhapwa. 28Havachazopambwizve nendudzi, uye zvikara zvesango hazvingavadyizve. Vachagara zvakanaka, uye hakuna angavatyisa. 29Ndichavapa nyika ine mukurumbira nokuda kwezvibereko zvayo, uye havangazovi nedambudziko renzara munyika kana kuva chinhu chinosekwa nendudzi. 30Ipapo vachaziva kuti ini, Jehovha Mwari wavo, ndinavo uye kuti ivo, imba yaIsraeri, ndivo vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 31Imi makwai angu, makwai amafuro angu, muri vanhu, uye ini ndiri Mwari wenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
¿Sabías que…?
Los pastores y el rebaño de Israel
- En el lenguaje bíblico antiguo, los líderes y gobernantes solían ser representados como pastores con la responsabilidad de guiar y proteger al pueblo. Ezequiel censura a los dirigentes de Israel por aprovecharse de la lana y la carne mientras descuidaban curar, vendar o buscar a las ovejas vulnerables.Fuentes: el propio texto bíblico
- El ministerio profético de Ezequiel comenzó hacia el 592 a. C., siglos después de que el rey David pastoreara ovejas en las tierras altas de Judá. En esta profecía, Dios promete poner a 'mi siervo David' como un único pastor y príncipe sobre el rebaño disperso.Fuentes: David · Prophecies of Ezekiel · el propio texto bíblico
- El capítulo concluye con la promesa de un 'pacto de paz', en el que las fieras son eliminadas, las lluvias oportunas producen abundancia agrícola y se rompen las ataduras de la servidumbre para que el pueblo habite seguro.Fuentes: el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org