Ezequiel 21
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Bhabhironi, munondo waMwari wokutonga
1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuJerusarema uparidze pamusoro penzvimbo tsvene. Profita pamusoro penyika yeIsraeri, 3uti kwairi, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kuzokurwisa. Ndichavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo ndigouraya pakati penyu vose vakarurama nevakaipa. 4Nokuti ndichaparadza vakarurama nevakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara kundorwa navose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro. 5Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo; hauchazodzokerimozve.’
6“Naizvozvo, gomera, mwanakomana womunhu! Gomera pamberi pavo nomwoyo wakapwanyika uye nokuchema neshungu. 7Zvino pavanokubvunza vachiti, ‘Unogomereiko?’ iwe uchati kwavari, ‘Nemhaka yamashoko ari kuuya. Mwoyo mumwe nomumwe uchanyauka uye ruoko rumwe norumwe rucharemara, mweya mumwe nomumwe uchaziya uye ibvi rimwe nerimwe richarukutika semvura.’ Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
8Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 9“Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naJehovha:
“ ‘Munondo, munondo,
wakarodzwa uye wakapukutwa,
10wakarodzerwa kuuraya,
wakapukutirwa kuti upenye semheni!
“ ‘Tichazofara here netsvimbo youshe yomwanakomana wangu Judha? Munondo unozvidza zvimiti zvose zvakadai.
11“ ‘Munondo wakagadzirirwa kuti upukutwe,
kuti ubatwe noruoko;
wakarodzwa uye wakapukutwa,
wakagadzirirwa kuiswa muruoko rwomuurayi.
12Chema uungudze, mwanakomana womunhu,
nokuti unorwa navanhu vangu;
unorwa namachinda ose aIsraeri.
Vakakandwa kumunondo,
pamwe chete navanhu vangu.
Naizvozvo uzvirove chipfuva.
13“ ‘Kuedzwa kuchauya zvirokwazvo. Ko, kana tsvimbo youshe yaJudha, iyo inozvidzwa nomunondo, ikasaenderera mberi chii chinoitika? ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’
14“Saka zvino, mwanakomana womunhu, profita
uye urovanise maoko ako pamwe chete.
Rega munondo ubaye kaviri,
kunyange katatu.
Ndiwo munondo wokuuraya,
iwo munondo wokuuraya kukuru,
uri kuuya kwavari kubva kumativi ose.
15Kuti mwoyo inyungudike
uye vanowa vawande,
munondo ndakauyisa pamasuo avo ose kuti uuraye.
Haiwa, wakagadzirirwa kuti upenye semheni,
wakabatwa kuti uuraye.
16Haiwa, iwe munondo, cheka kurudyi,
ugochekawo kuruboshwe,
kwose kunorerekera munondo wako.
17Neniwo ndicharova maoko angu pamwe chete,
uye hasha dzangu dzichaserera.
Ini Jehovha ndazvitaura.”
18Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: 19“Mwanakomana womunhu, tara migwagwa miviri yomunondo wamambo weBhabhironi yaachafamba nayo, yose iri miviri ichitangira munyika imwe chete. Uite chikwangwari panoparadzana mugwagwa uchipinda muguta. 20Utare mugwagwa mumwe chete womunondo unouya kuzorwa neRabha ravaAmoni uye mumwe uchizorwa neJudha neJerusarema rakakomberedzwa. 21Nokuti mambo weBhabhironi achamira pamharadzano dzemugwagwa, pamharadzano dzemigwagwa miviri, kuti aite zvokuvuka: Achakanda mijenya nemiseve, achabvunza zvifananidzo zvake, achaongorora chiropa. 22Muruoko rwake rworudyi muchava nomujenya weJerusarema, paachamisa zvokuparadza nazvo masvingo, kuti arayire zvokuuraya, adanidzire zvehondo, amise zvokuparadza nazvo masuo, vavake mirwi yokurwisa nokukomba guta. 23Zvichange zvakaita sokuvuka kuna vaya vakange vapikira kumuteerera, asi iye achavarangaridza nezvemhosva yavo agovatora kuti avaite nhapwa.
24“Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Nemhaka yokuti imi vanhu makandiyeuchidza mhosva yenyu nokundimukira pachena, muchiratidza pachena zvivi zvenyu pazvinhu zvose zvamunoita, nokuda kwokuti makaita izvi, muchaitwa nhapwa.
25“ ‘Haiwa, iwe muchinda waIsraeri akaipa uye anozvidza, ane zuva rasvika, ane nguva yokurangwa kwake yasvika pakupedzisira, 26zvanzi naIshe Jehovha: Bvisai nguwani youprista, bvisai korona. Hazvichazorambi zviri sezvazvaiva: vanozvidzwa vachasimudzirwa uye vanokudzwa vachaninipiswa. 27Dongo! Dongo! Ndichariita dongo! Harichazovandudzwazve kusvikira mwene waro auya; ndiye wandichapa.’
28“Uye iwe, mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavaAmoni nokutuka kwavo:
“ ‘Munondo, munondo,
wavhomorwa kuti uuraye,
wapukutwa kuti uparadze
uye kuti upenye semheni!
29Kunyange vakaona zviratidzo zvenhema pamusoro pako,
vakavuka zvenhema pamusoro pako,
zvichaiswa pamitsipa
yavakaipa vachazourayiwa,
vane zuva ravo rasvika,
ivo vane nguva yokurangwa yasvika pokupedzisira.
30Chidzosera munondo mumuhara wawo.
Panzvimbo yawakasikwa uri,
munyika yamadzitateguru ako,
ndipo pandichakutongera.
31Ndichadurura hasha dzangu pamusoro pako,
uye ndigofemera kutsamwa kwangu kunotyisa pamusoro pako;
ndichakuisa kuvanhu vane utsinye,
vanhu vanoziva kuparadza.
32Uchava huni dzomoto,
ropa rako richateurwa munyika yako,
hauchazorangarirwazve;
nokuti ini Jehovha ndazvitaura.’ ”
¿Sabías que…?
La Espada Desenvainada y la Adivinación en la Encrucijada
- Ezequiel describe al rey de Babilonia en una encrucijada decidiendo si atacar Rabá, la principal ciudad de los amonitas al este del Jordán, o Jerusalén. Para tomar su decisión, el rey recurre a tres prácticas de adivinación antiguas: echar suertes agitando flechas, consultar ídolos e inspeccionar el hígado de un animal.Fuentes: el propio texto bíblico · Rabbah
- El capítulo emplea la imagen poética de una espada afilada y pulida que brilla como un relámpago para retratar el inminente juicio. Ezequiel acompaña este mensaje con acciones físicas dramáticas, siendo instruido a gemir amargamente, golpearse el muslo y aplaudir con las manos.Fuentes: el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 2, 20, 21, 22, 23
- Babylon · 32.543, 44.422 · versículos 19, 21, 23
- Ammon · 31.955, 35.934 · versículos 20, 28
- Rabbah · Hoy: Amman · 31.955, 35.934 · versículos 20, 21
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org