Nations Bible

Ezequiel 17

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Makondo Maviri noMuzambiringa

1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, misa chinofananidzira utaurire imba yaIsraeri mufananidzo. 3Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Gondo guru rina mapapiro ane simba, rina manhenga marefu uye rizere namambava ana mavara mavara rakasvika kuRebhanoni. Rakabata musoro womusidhari, 4rikagura davi rokumusoro-soro rikaenda naro kure kunyika yavashambadziri, rikandorisima muguta ravatengesi.

5“ ‘Rakatora dzimwe mbeu dzenyika yenyu rikadzikavira muvhu rakaorera. Rakadzisima somuti womukonachando parutivi rwemvura zhinji, 6ikatungira ikava muzambiringa mupfupi unotandira. Matavi awo akadzoka akananga kwariri, asi midzi yawo yakaramba iri pasi pawo. Saka wakabva wava muzambiringa ukabudisa matavi uye ukatungira mashizha pamatavi.

7“ ‘Asi kwakanga kune rimwe gondo guru rakanga rina mapapiro ane simba guru uye rizere namambava. Zvino muzambiringa wakatandavadza midzi yawo yakananga kwariri kubva pamunda pawakanga wasimwa ukatambanudza matavi awo kwariri kuti uwane mvura. 8Wakanga wasimwa pavhu rakaorera pedyo nemvura zhinji kuti ubudise matavi, ubereke michero, ugova muzambiringa unoyevedza.’

9“Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muti uyu uchakura here? Hauchazodzurwi ukadimurirwa muchero wawo kuti uome here? Mashizha awo matsva ose achangobukira achaoma. Hakuzombotsvakwi ruoko rune simba kana vanhu vazhinji kuti udzurwe nemidzi yawo. 10Kunyange dai ukasimwazve, uchararama here? Haungazoomi chose here kana mhepo yokumabvazuva ikaurova, ukaoma mumunda mawakamera?’ ”

11Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 12“Uti kuimba iyi inondimukira, ‘Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?’ Uti kwavari, ‘Mambo weBhabhironi akaenda kuJerusarema akandotorako mambo waro namakurukota aro, akadzokera navo kuBhabhironi. 13Ipapo akatora mumwe weimba youmambo ndokuita chibvumirano naye, akamuisa pasi pemhiko. Akatorawo varume vaitungamirira nyika iyo, 14kuitira kuti umambo huderere, husingazogoni kumukazve, huchingovapo chete nokuchengeta chibvumirano chake. 15Asi mambo akamupandukira nokutuma nhume dzake kuIjipiti kundotorako mabhiza nehondo huru. Achabudirira here? Ko, iye anoita zvinhu zvakadaro angapunyuka here? Achaputsa chibvumirano akazopunyuka here?

16“ ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iye achafira muBhabhironi, munyika yamambo akamugadza pachigaro choushe, ane mhiko yaakazvidza uye ane chibvumirano chaakaputsa. 17Faro nehondo yake ine simba neboka rake guru hazvingazombomubatsiri muhondo, kana vakavaka mirwi kana nhare dzokuparadza vanhu vazhinji. 18Akashora mhiko nokuputsa kwaakaita sungano. Nokuti akanga aisa ruoko rwake pakupika uku ndokuzoita zvinhu zvose izvi, haangapunyuki.

19“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndichauyisa pamusoro pake mhiko yangu yaakazvidza uye nesungano yangu yaakaputsa. 20Ndichamuteya nomumbure wangu, uye achabatwa nomusungo wangu. Ndichamuuyisa kuBhabhironi ndigomutongerako nokuti akanga asina kutendeka kwandiri. 21Mauto ake ose anotiza achaurayiwa nomunondo, uye vakasara vavo vachaparadzirwa kunobva mhepo dzose. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndazvitaura.

22“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ini iyeni ndichatora bukira rinobva pamusoro chaipo pomusidhari ndigorisima; ndichavhuna davi nyoro kubva pabukira rapamusoro-soro ndigorisima pamusoro pegomo refu rakakwirira. 23Pamusoro-soro pamakomo eIsraeri ndipo pandicharisima; richabudisa matavi rigobereka muchero rigova musidhari unoyevedza. Shiri dzemhando dzose dzicharukira matendere adzo pauri; dzichawana ugaro pamumvuri wamatavi awo. 24Miti yose yomusango ichaziva kuti ini Jehovha ndinodzikisa miti yakareba uye ndinoita kuti miti mipfupi irebe. Ndinoomesa muti munyoro uye ndinoita kuti muti wakaoma ukure.

“ ‘Ini Jehovha ndazvitaura, uye ndichazviita.’ ”

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

La parábola de las águilas y el cedro

  • Ezequiel presenta una alegoría política donde la primera gran águila representa al rey de Babilonia, quien deportó a la realeza de Jerusalén e impuso a un rey vasallo mediante un pacto solemne. La segunda águila representa a Egipto y a su faraón, a quienes el monarca de Judá recurrió en busca de caballería y tropas, quebrantando su lealtad jurada.Fuentes: el propio texto bíblico · Babylon · Egypt · Pharaoh
  • En el mensaje profético, romper un juramento de vasallaje contraído ante Babilonia no se consideraba solo una rebelión diplomática, sino una traición espiritual contra Dios, quien reclamaba dicho juramento como su propio pacto.Fuentes: el propio texto bíblico
  • El capítulo concluye revirtiendo las intrigas políticas humanas: Dios mismo promete tomar un retoño tierno de la copa del cedro y plantarlo en las cumbres montañosas de Israel, donde crecerá como un cedro majestuoso que brindará refugio a aves de toda clase.Fuentes: el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Lebanon · 33.540, 35.584 · versículo 3
  • Canaan · 32.767, 35.333 · versículo 4
  • Babylon · 32.543, 44.422 · versículos 12, 14, 15, 16, 17, 20
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 12, 17
  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículo 15

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.