Ezequiel 12
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Vakatapwa
1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, iwe ugere pakati pavanhu vanondimukira. Vane meso okuona asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa asi havanzwi, nokuti vanhu vokumukira.
3“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, rongedza midziyo yako utame uye utame masikati, vakakutarira, ubude ubve panzvimbo yauri uende kune imwe nzvimbo. Zvimwe vachanzwisisa, kunyange vari imba inondimukira. 4Masikati chaiwo, vakatarira, iwe budisa nhumbi dzako dzakarongedzerwa kutama. Ipapo panguva yamadekwana, ivo vakatarira, buda iwe sezvinoita vaya vanoenda muutapwa. 5Uboore masvingo vakatarira ugotora nhumbi dzako ubude napo. 6Udziise papfudzi rako ivo vakangotarisa ugobuda nadzo kwasviba. Ufukidze chiso chako kuti urege kuona nyika, nokuti ndakuita chiratidzo kuimba yaIsraeri.”
7Saka ndakaita sezvandakarayirwa. Panguva yamasikati ndakabudisa zvinhu zvangu zvarongedzerwa kutama. Zvino panguva yamadekwana ndakaboora masvingo namaoko angu. Ndakabudisa nhumbi dzangu kwasviba, ndakazvitakura pamapfudzi angu ivo vakangotarisa.
8Shoko raJehovha rakasvika kwandiri panguva yamangwanani richiti, 9“Mwanakomana womunhu, imba iyo yokundimukira yaIsraeri haina kukubvunza here kuti, ‘Uri kuiteiko?’
10“Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Chirevo ichi chinoreva muchinda weJerusarema neimba yose yaIsraeri iripo.’ 11Uti kwavari, ‘Ini ndiri chiratidzo kwamuri.’
“Sezvandakaita, ndizvo zvavachaitirwawo. Vachaenda kuutapwa senhapwa.
12“Muchinda ari pakati pavo achaisa zvinhu zvake papfudzi kwasviba agoenda, uye achaboorerwa buri rokubuda naro parusvingo. Achafukidza chiso chake kuitira kuti arege kuona nyika. 13Ndichamutambanudzira mumbure wangu, uye achabatwa mumusungo wangu; ndichamuendesa kuBhabhironi, nyika yavaKaradhea, asi haasi kuzoiona, uye ikoko ndiko kwaachafira. 14Ndichaparadzira kumhepo vose vakamupoteredza, vashandiri vake namauto ake, uye ndichavateverera nomunondo wakavhomorwa.
15“Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavaparadzira pakati pendudzi ndigovaparadzira kunyika dzose. 16Asi ndichasiya vashoma vavo pamunondo, napanzara nedenda, kuitira kuti pakati pendudzi kwavachaenda zvimwe vangarangarira zvinyangadzo zvavo zvavakaita zvose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”
17Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 18“Mwanakomana womunhu, udedere paunenge uchidya zvokudya zvako, uye udedere uye utye paunonwa mvura yako. 19Uti kuvanhu venyika, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavanogara muJerusarema uye nomunyika yaIsraeri: Vachadya zvokudya zvavo nokufunganya uye vachanwa mvura yavo vaora mwoyo, nokuti nyika yavo ichatorerwa zviri mairi nokuda kwechisimba chaavo vose vanogaramo. 20Maguta anogarwa navanhu achava matongo uye nyika ichaparadzwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
21Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 22“Mwanakomana womunhu, chirevo ichi chamunacho munyika yaIsraeri ndecheiko chinoti, ‘Mazuva ari kungopera uye zviratidzo zvose zvinongova pasina?’ 23Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichaita kuti chirevo ichi chigume, uye havachazochitauri muIsraeri.’ Uti kwavari, ‘Mazuva aswedera okuti zviratidzo zvose zvizadziswe. 24Nokuti hakuchazovazve nezviratidzo zvenhema kana kuvuka kunobata kumeso pakati pavanhu veIsraeri. 25Asi ini Jehovha ndichataura zvandichataura, uye zvichazadzisika zvisinganonoki. Nokuti pamazuva enyu, imi imba yokumukira, ndichazadzisa zvose zvandinotaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
26Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, 27“Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri iri kuti, ‘Chiratidzo chaanoona ndechamakore mazhinji kubva iye zvino, uye anoprofita zvenguva inouya zviri kure.’
28“Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna shoko rangu richanonokazve; zvose zvandinoreva zvichazadzisika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

¿Sabías que…?
Señales de Exilio y la Certeza del Juicio
- A Ezequiel se le ordenó escenificar el exilio venidero como una señal viva para su comunidad. A la vista del pueblo, preparó un equipaje de exilio, abrió una abertura en la pared con sus manos al anochecer y salió cargando sus bultos con el rostro cubierto.Fuentes: el propio texto bíblico
- Esta representación simbolizaba el destino del príncipe en Jerusalén. La profecía anunciaba que intentaría escapar por una brecha en la muralla, caería en una trampa y sería llevado cautivo a Babilonia, donde moriría sin llegar a ver la tierra.Fuentes: el propio texto bíblico · Babylon · Jerusalem
- El capítulo refuta un refrán popular entre los israelitas que afirmaba que las visiones fallaban y que las profecías solo trataban de un futuro lejano. Ezequiel respondió declarando que el cumplimiento de tales juicios era inminente y ocurriría en su propia generación.Fuentes: el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 10, 12, 19
- Babylon · 32.543, 44.422 · versículo 13
- Chaldea · 30.962, 46.104 · versículo 13
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org