Nations Bible

Daniel 5

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Ruoko Runonyora paMadziro

1Mambo Bherishazari akaitira makurukota chiuru mabiko makuru akanwa waini pamwe chete navo. 2Bherishazari achiri kunwa waini yake, akarayira kuti vauyise midziyo yegoridhe neyesirivha iya yakanga yatorwa nababa vake Nebhukadhinezari kubva kutemberi yokuJerusarema, kuitira kuti mambo namakurukota ake, navakadzi vake uye navarongo vake vanwiremo. 3Saka vakauyisa midziyo yegoridhe yakanga yatorwa mutemberi yaMwari muJerusarema, uye mambo namakurukota ake, vakadzi vake navarongo vake vakanwira mairi. 4Pavakanga vachinwa waini, vakarumbidza vamwari vegoridhe, vesirivha, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe.

5Pakarepo minwe yoruoko rwomunhu yakaonekwa ikanyora pamadziro akanamwa, pedyo napachigadziko chomwenje mumuzinda wamambo. Mambo akatarisa chanza pachakanga chichinyora. 6Chiso chake chakashanduka akatsvukuruka uye akavhunduka zvikuru, mabvi ake akadedera uye makumbo ake akarukutika.

7Mambo akadana vaya vamazango, vazivi vezvenyeredzi navavuki kuti vaunzwe ndokuti kuvarume ava vakachenjera veBhabhironi, “Ani naani anoverenga runyoro urwo uye akanditaurira zvarunoreva achapfekedzwa nguo dzepepuru uye nouketani hwegoridhe mumutsipa wake, uye achaitwa mutongi wapamusoro-soro wechitatu muumambo.”

8Ipapo vakachenjera vose vamambo vakapinda, asi havana kugona kuverenga runyoro kana kutaurira mambo zvarwaireva. 9Saka Mambo Bherishazari akanyanya kutya uye uso hwake hukanyanya kutsvukuruka. Makurukota ake akakanganisika.

10Mambokadzi akati achinzwa inzwi ramambo namakurukota ake, akauya muimba yaiitirwa mabiko, akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Musatya! Regai kutsvukuruka kuuso kwenyu! 11Muumambo hwenyu muno murume ano mweya wavamwari vatsvene maari. Panguva yababa venyu iye akawanikwa achigona zviri mberi nezivo nouchenjeri hwakafanana nohwavamwari. Mambo Nebhukadhinezari baba venyu, ndati baba venyu imi mambo, vakamugadza kuti ave mukuru wenʼanga, nowevamazango, vazivi vezvenyeredzi navavuki. 12Murume uyu Dhanieri, iye akatumidzwa zita rokuti Bheriteshazari namambo, akawanikwa aine pfungwa dzine shungu nezivo uye ano kunzwisisa, kugona kududzira kurota, nokutsanangura zvirahwe uye nokupedza matambudziko akaoma. Daidzai Dhanieri, uye iyeye achakuudzai zvinoreva runyoro.”

13Saka Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo, mambo akati kwaari, “Ndiwe Dhanieri mumwe wavakatapwa nababa vangu mambo kubva kuJudha here? 14Ndanzwa kuti mweya wavamwari uri mauri uye kuti unoona zviri mberi, une zivo nouchenjeri hwapamusoro. 15Vachenjeri nevamazango vakauyiswa pamberi pangu kuti vazoverenga runyoro urwu uye vagondiudza zvarunoreva, asi havana kugona kunditsanangurira. 16Zvino ndanzwa kuti unogona kupa dudziro uye unopedza matambudziko akaoma. Kana ukagona kuverenga runyoro uye ukanditaurira zvarunoreva, uchapfekedzwa nguo yepepuru, uchaiswa uketani hwegoridhe pamutsipa wako, uye uchaitwa mutongi wechitatu wapamusoro-soro muumambo.”

17Ipapo Dhanieri akapindura mambo achiti, “Zvichengeterei henyu zvipo zvenyu uye mugopa mibayiro yenyu kuno mumwe. Kunyange zvakadaro, ndichaverengera mambo runyoro ndigomuudza zvarunoreva.”

18“Haiwa mambo, Mwari Wokumusoro-soro akapa baba venyu Nebhukadhinezari ushe, ukuru, kukudzwa nokubwinya. 19Nokuda kwechinzvimbo chakakwirira chaakamupa, vanhu vose nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakadedera uye vakamutya. Avo vaaida kuuraya, aiuraya, avo vaaida kuraramisa, airaramisa; avo vaaida kusimudzira, aisimudzira; uye avo vaaida kuninipisa, aininipisa. 20Asi mwoyo wake wakati wazvikudza uye waomeswa nokuzvikudza, akabviswa pachigaro chake choushe vakamutorera kukudzwa kwake. 21Akadzingwa pakati pavanhu akapiwa pfungwa yemhuka; akagara pakati pembizi akadya uswa semombe; uye muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira aziva kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye kuti anogadza pamusoro pavo ani zvake waanoda.

22“Asi imi mwanakomana wake, imi Bherishazari, hamuna kuzvininipisa, kunyange maiziva henyu chinhu ichi. 23Pamusoro pezvo imi masarudza kurwa naIshe wokudenga. Maita kuti midziyo yegoridhe iuyiswe kwamuri ichibva kutemberi, uye imi namakurukota enyu, vakadzi venyu navarongo venyu manwira waini mairi. Marumbidza vamwari vesirivha, vegoridhe, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe, vasingagoni kuona, kunzwa kana kunzwisisa. Asi hamuna kukudza Mwari akabata muruoko rwake upenyu hwenyu nenzira dzenyu dzose. 24Naizvozvo akatumira ruoko rwakanyora zvakanyorwa.

25“Izvi ndizvo zvakanyorwa:

mene, mene, tekere, ufasini.

26“Hezvino zvinoreva mashoko aya:

“ Mene: Mwari akaverenga mazuva okutonga kwenyu akaagumisa.

27Tekere: Makayerwa pachiyero mukawanikwa makareruka.

28Peresi: Umambo hwenyu hwakakamuraniswa hukapiwa vaMedhia navaPezhia.”

29Ipapo Bherishazari akarayira kuti Dhanieri ashongedzwe nguo dzepepuru, ketani yegoridhe ikaiswa pamutsipa wake, zvikaziviswa kuti akanga ava mutongi wapamusoro wechitatu muumambo.

30Usiku ihwohwo Bherishazari, mambo wavaBhabhironi akaurayiwa, 31Dhariasi muMedhia akatora umambo ane makore makumi matanhatu namaviri.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

La escritura en la pared y la caída de Babilonia

  • Aunque el texto llama repetidamente a Nabucodonosor padre de Belsasar, en el uso semítico antiguo el término podía denotar un antecesor o abuelo. Los registros históricos señalan que Belsasar era hijo del rey Nabonido y nieto de Nabucodonosor a través de su madre, Nitocris.Fuentes: Belshazzar · el propio texto bíblico
  • Belsasar ofreció convertir a quien pudiera interpretar la misteriosa inscripción en el tercer gobernante del reino. Debido a que Belsasar era corregente con su padre Nabonido, la tercera posición era el rango más alto que podía otorgar.Fuentes: Belshazzar · el propio texto bíblico
  • La profanación de los vasos sagrados de oro y plata traídos del templo de Jerusalén provocó el presagio divino sobre el yeso del palacio. Daniel interpretó la inscripción como el anuncio de que el reino babilónico había sido pesado, hallado falto y entregado a los medos y persas.Fuentes: Belshazzar · el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 2, 3
  • Babylon · 32.543, 44.422 · versículos 7, 11
  • Chaldea · 30.962, 46.104 · versículos 7, 11

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.