Daniel 3
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Chifananidzo cheGoridhe neVira roMoto
1Mambo Nebhukadhinezari akaita chifananidzo chegoridhe, chakanga chakareba makubhiti makumi matanhatu uye makubhiti matanhatu paupamhi, akachimisa pabani reDhura munyika yeBhabhironi. 2Ipapo akadana machinda, varayiri, madzishe, vapi vamazano, vachengeti vepfuma, vatongi vedzimhosva vakuru, vatongi vedzimhosva vadiki navamwe vabati vose vamatunhu kuti vauye kuzokumikidza chifananidzo chaakanga amisa. 3Saka machinda, varayiri, madzishe, vapi vamazano, vachengeti vepfuma, vatongi, navatongi vedzimhosva navamwe vabati vose vamatunhu vakaungana kuti vakumikidze chifananidzo chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari, vakamira pamberi pacho.
4Ipapo mushamarari akadanidzira zvikuru achiti, “Izvi ndizvo zvamunorayirwa kuti muite, imi vanhu, nemi ndudzi nemi vanhu vemitauro yose: 5Pamunongonzwa kurira kwehwamanda, nyere, mutopota, rudimbwa, mbira, mabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, munofanira kuwira pasi mugonamata chifananidzo chegoridhe chakamiswa naMambo Nebhukadhinezari. 6Ani naani asingawiri pasi achinamata achakandwa muvira romoto pakarepo.”
7Naizvozvo, pavakangonzwa kurira kwehwamanda, nyere, mutopota, rudimbwa, mbira nemhando dzose dzezviridzwa, vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakawira pasi ndokunamata chifananidzo chegoridhe chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari.
8Panguva iyi vamwe voruzivo nezvenyeredzi vakauya pamberi vakatuka vaJudha. 9Vakati kuna Mambo Nebhukadhinezari, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! 10Makatema chirevo imi mambo, kuti ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira namabhosvo uye nemhando dzose dzezviridzwa, anofanira kuwira pasi anamate chifananidzo chegoridhe, 11uye kuti ani naani asingawiri pasi akanamata achakandwa muvira romoto. 12Asi pane vamwe vaJudha vamakagadza pamusoro pamabasa enyika yeBhabhironi, Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, vasingatomboteereri imi mambo. Havamboshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”
13Nebhukadhinezari azere nehasha, akarayira kuti Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vauye. Saka varume ava vakauyiswa pamberi pamambo, 14Nebhukadhinezari akati kwavari, “Ichokwadi here, imi vanaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, kuti hamusi kushumira vamwari vangu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chandakamisa? 15Zvino pamunonzwa kurira kwehwamanda, nyere, mutopota, rudimbwa, mabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, kana mukagadzirira kuwira pasi, mukanamata chifananidzo chandakaita, zvakanaka hazvo. Asi kana musingachinamati, muchakandwa mumoto pakarepo. Zvino mwari achakurwirai muruoko rwangu ndoupiko?”
16Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura mambo vakati, “Imi Nebhukadhinezari, isu hatifaniri kuzvirwira pamberi penyu pamusoro penyaya iyi. 17Kana tikakandwa mumoto unopfuta, Mwari watinoshumira anogona kutiponesa pauri, uye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. 18Asi kunyange dai akasatirwira, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatizoshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”
19Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. 20Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo. 21Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nenguwani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto waipfuta kwazvo. 22Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, 23uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo.
24Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vanamupamazano vake achiti, “Ko, havasi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?”
Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.”
25Iye akati, “Tarirai! Ndiri kuona vanhu vana vachifamba-famba mumoto, vasina kusungwa uye vasina kutsva, uye wechina anoratidzika somwanakomana wavamwari.”
26Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wechoto chomoto waipfuta kwazvo akadanidzira akati, “Shadhireki, newe Meshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro-soro, budai. Uyai pano!”
Saka Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakabuda mumoto, 27uye machinda, varayiri, vabati navanamupamazano vamambo vakavaunganira. Vakaona kuti moto wakanga usina kumbokuvadza miviri yavo, uye nebvudzi remisoro yavo harina kumbotsva; uye nguo dzavo hadzina kutsva, uye pakanga pasina kunhuhwa kwomoto pavari.
28Ipapo Nebhukadhinezari akati, “Mwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake kuzorwira varanda vake! Ivo vakavimba naye vakazvidza murayiro wamambo uye vakazvipira kurasikirwa noupenyu hwavo pano kuti vashumire kana kunamata vamwari vapi zvavo kunze kwaMwari wavo. 29Naizvozvo ndinotema kuti vanhu vorudzi rupi kana mutauro upi zvawo vanotaura chinhu chipi zvacho chinopesana naMwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego vatemwe-temwe uye dzimba dzavo dziitwe madurunhuru amarara, nokuti hakuna mumwe mwari angaponesa nenzira iyi.”
30Ipapo mambo akasimudzira Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego munyika yeBhabhironi.

¿Sabías que…?
La estatua de oro y el horno ardiente
- La llanura de Dura, cuyo nombre significa "el círculo", se encontraba cerca de Babilonia, donde el rey Nabucodonosor levantó una estatua de oro de sesenta codos de alto y seis de ancho. En uno de los montículos del lugar se halló la base de una estatua colosal, considerada por investigadores como el pedestal de esta imagen de oro.Fuentes: Dura · el propio texto bíblico
- Sadrac y Mesac eran nombres babilónicos dados a los jóvenes hebreos cautivos Ananías y Misael, quienes fueron educados en Babilonia y puestos a cargo de la provincia. A pesar de su posición oficial, ellos y su compañero Abed-nego prefirieron ser arrojados al horno de fuego ardiente antes que adorar la estatua del rey.Fuentes: Shadrach · Meshach · el propio texto bíblico
- El rey Nabucodonosor, cuyo nombre en babilonio significa "¡Nebo, protege la corona!", fue el poderoso soberano que sucedió a su padre Nabopolasar. En inscripciones reales se llamaba a sí mismo "el favorito de Nebo", reflejando el entorno religioso babilónico frente al cual los tres hebreos mantuvieron su lealtad.Fuentes: Nebuchadnezzar · el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org