Nations Bible

Hechos 15

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Ungano paJerusarema

1Vamwe varume vakauya vachibva kuJudhea vakaenda kuAndioki, uye vakanga vachidzidzisa hama vachiti: “Kunze kwokunge madzingiswa, maererano netsika yakadzidziswa naMozisi, hamungaponeswi.” 2Izvi zvakasvitsa Pauro naBhanabhasi pakupesana navo zvikuru uye nokukakavadzana navo. Saka Pauro naBhanabhasi vakasarudzwa kuti vaende kuJerusarema pamwe chete navamwe vatendi, kuti vandoona vapostori navakuru pamusoro peshoko iri. 3Kereke yakavatuma parwendo rwavo, uye pavakafamba vachipinda nomuFonisia nomuSamaria, vakarondedzera kuti veDzimwe Ndudzi vainge vachitendeuka sei. Shoko iri rakafadza hama dzose zvikuru. 4Vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke navapostori uye navakuru, vakarondedzera kwavari zvinhu zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo.

5Ipapo vamwe vatendi vakanga vari vebato ravaFarisi vakasimuka vakati, “VeDzimwe Ndudzi ava vanofanira kudzingiswa uye vanosungirwa kuti vateerere murayiro waMozisi.”

6Vapostori navakuru vakasangana kuti vaongorore nyaya iyi. 7Shure kwehurukuro huru, Petro akasimuka akati, “Hama dzangu, munoziva imi kuti nguva dzakare Mwari akandisarudza pakati penyu kuti veDzimwe Ndudzi vanzwe shoko revhangeri rinobva pamiromo yangu vagotenda. 8Mwari, iye anoziva mwoyo yavanhu akaratidza kuti anovagamuchira nokuvapa Mweya Mutsvene, sezvaakangoitawo kwatiri. 9Haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, nokuti akanatsa mwoyo yavo nokutenda. 10Naizvozvo zvino, munodireiko kuedza Mwari nokuisa pamitsipa yavadzidzi joko risina kugona kutakurwa nesu kana namadzibaba edu? 11Kwete! Isu tinotenda kuti takaponeswa kubudikidza nenyasha dzaShe wedu Jesu sezvavakangoitwawo.”

12Sangano rose rakanyarara pavakanga vakateerera kuna Bhanabhasi naPauro vachirondedzera pamusoro pezviratidzo nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari pakati peveDzimwe Ndudzi kubudikidza navo. 13Vakati vapedza, Jakobho akapindura achiti, “Hama dzangu, nditeererei. 14Simoni arondedzera kwatiri kuti pakutanga Mwari akaratidza nyasha dzake sei paakazvitorera vanhu vake kubva kune veDzimwe Ndudzi. 15Mashoko avaprofita anotenderana naizvozvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:

16“ ‘Shure kwaizvozvo ndichadzoka

ndigozovakazve tende yaDhavhidhi yakawa.

Ndichavakazve matongo ayo,

uye ndichaivandudzazve,

17kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe,

uye neveDzimwe Ndudzi vose vanodanwa nezita rangu,

ndizvo zvinotaura Ishe, anoita zvinhu izvi,’

18zvakangova zvazivikanwa kubva kare.

19“Naizvozvo, kufunga kwangu ini ndinoti hatifaniri kuomesera veDzimwe Ndudzi ava vari kutendeukira kuna Mwari. 20Asi ngativanyorerei tsamba tichivataurira kuti varege kudya zvakasvibiswa nezvifananidzo, vabve paupombwe, nokudya nyama yemhuka dzakadzipwa, uye neropa. 21Nokuti kubva kare Mozisi akanga achiparidzwa muguta rimwe nerimwe uye anoverengwa musinagoge paSabata rimwe nerimwe.”

Tsamba yeDare kuVatendi vechiHedheni

22Ipapo vapostori navakuru, nekereke yose, vakafunga kusarudza vamwe varume pakati pavo kuti vagovatuma kuAndioki pamwe chete naPauro naBhanabhasi. Vakasarudza Judhasi (ainzi Bhanabhasi) naSirasi, varume vaviri ava vakanga vari vatungamiri pakati pehama.

23Vakatumira tsamba yaiti:

Vapostori navakuru, idzo hama dzenyu, kuvatendi nokune veDzimwe Ndudzi vari muAndioki, Siria nomuSirisia:

Kwaziwai.

24Takanzwa kuti vamwe vakabva kwatiri vasina mvumo yedu vakakanganisa pfungwa dzenyu nezvavakataura. 25Saka tose takatenderana kuti tisarudze varume pakati pedu tigovatuma kwamuri pamwe chete neshamwari dzedu dzinodikanwa ivo Bhanabhasi naPauro, 26varume vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu. 27Naizvozvo tiri kutumira Judhasi naSirasi kuti vagotsigira namashoko omuromo wavo pane zvatanyora. 28Zvinenge zvakanaka kuMweya Mutsvene nesu kuti tirege kukuremedzai nomutoro upi zvawo unopfuura zvinodikanwa izvi: 29Munofanira kurega zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, neropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye noupombwe. Muchaita zvakanaka kuti murege izvi. Chisarai.

30Varume ava vakaenda ndokubva vaburuka vakaenda kuAndioki, kwavakandounganidza kereke pamwe chete ndokubva vavapa tsamba. 31Vanhu vakaiverenga vakafara kwazvo nokuda kweshoko rayo rokukurudzira. 32Judhasi naSirasi avo vakanga vari vaprofita, vakataura zvakawanda zvokukurudzira nokusimbisa hama. 33Shure kwokunge vambogara kwechinguva ikoko, vakaperekedzwa nehama namaropafadzo orugare kuti vachidzokera havo kuna avo vakanga vavatuma. 34Kunyange zvakadaro, Sirasi akasarudza kusarapo. 35Asi Pauro naBhanabhasi vakasara muAndioki, uko ivo navamwe vazhinji vakadzidzisa uye vakaparidza shoko raShe.

Kupesana kwaPauro naBhanabhasi

36Mushure mechinguva Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Ngatimbodzokera timbondoshanyira hama kuna mamwe maguta atakaparidza shoko raShe tinoona kuti vakadii zvavo.” 37Bhanabhasi akanga achida kutora Johani, ainziwo Mako, kuti vaende pamwe chete naye, 38asi Pauro haana kuona zvakanaka kuti vaende naye, nokuti akanga ambovasiya paPamufiria uye haana kuramba ainavo pabasa. 39Vakava nokupesana kukuru zvokuti vakaparadzana. Bhanabhasi akatora Mako akakwira chikepe vakaenda kuSaipurasi, 40asi Pauro akasarudza Sirasi akaenda akakumikidzwa kunyasha dzaShe nehama. 41Akapinda nomuSiria nokuSirisia, achisimbisa kereke.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

El concilio sobre los creyentes gentiles

  • La controversia comenzó en Antioquía, a orillas del Orontes, unas trescientas millas al norte de Jerusalén, ciudad que entonces ocupaba el tercer lugar entre las ciudades del Imperio romano, después de Roma y Alejandría. De camino al concilio, Pablo y Bernabé pasaron por Fenicia, una franja costera de unas ciento veinte millas, y por Samaria. Una nota cronológica fecha el Concilio de Jerusalén en el año 46 d. C.Fuentes: Antioch (Syria) · Phenicia · el propio texto bíblico · Jerusalem Council
  • El Easton's Bible Dictionary (1897) afirma que Santiago, a quien llama hermano o pariente cercano de Jesús, dirigía la iglesia en Jerusalén y presidió el concilio sobre los gentiles. La carta que siguió iba dirigida a los creyentes gentiles de Antioquía, Siria y Cilicia. Cilicia, provincia de origen de Pablo y provincia marítima romana en el sureste de Asia Menor desde el 67 a. C., incluía su ciudad natal, Tarso.Fuentes: James (Brother of Jesus) · el propio texto bíblico · Cilicia · Paul
  • Judas, llamado Barsabás, y Silas, también conocido como Silvano, eran profetas y hombres destacados de la iglesia de Jerusalén, enviados para confirmar en persona la decisión del concilio. Un desacuerdo posterior y agudo por Juan Marcos, primo de Bernabé, separó a los dos misioneros: Bernabé se llevó a Marcos y zarpó hacia Chipre, mientras Pablo eligió a Silas. Una nota cronológica fecha esa separación en el año 47 d. C.Fuentes: el propio texto bíblico · Silas · John Mark · Paul and Barnabas part ways

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Antioch · Hoy: Antioch on the Orontes · 36.227, 36.172 · versículos 1, 22, 23, 30, 35
  • Judea · Hoy: Judea 1 · 31.777, 35.234 · versículo 1
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 2, 3, 4, 22, 23, 33
  • Phoenicia · 33.271, 35.196 · versículo 3
  • Samaria · Hoy: Samaria 2 · 32.276, 35.195 · versículo 3
  • Cilicia · 36.913, 34.892 · versículos 23, 41
  • Syria · Hoy: Syria 2 · 33.511, 36.306 · versículos 23, 41
  • Pamphylia · 37.000, 31.000 · versículo 38
  • Cyprus · 35.000, 33.000 · versículo 39

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.