Nations Bible

2 Samuel 11

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Dhavhidhi naBhatishebha

1Munguva yechirimo, madzimambo paanoenda kundorwa, Dhavhidhi akatuma Joabhu navaranda vamambo nehondo yose yeIsraeri. Vakandoparadza vaAmoni uye vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi akasara muJerusarema.

2Zvino rimwe zuva madekwana Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake akafamba pamusoro pedenga romuzinda. Aripo padenga akaona mukadzi aishamba. Mukadzi uyu akanga akanaka kwazvo, 3uye Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza nezvomukadzi uyu. Murume akatumwa akati, “Ko, uyu haasi Bhatishebha here mwanasikana waEriamu mukadzi waUria muHiti?” 4Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora. Akauya kwaari, iye akarara naye; nokuti akanga azvinatsa pakusachena kwake. Ipapo akadzokera kumba kwake. 5Mukadzi uyu akabata pamuviri ndokubva atuma shoko kuna Dhavhidhi achiti, “Ndava nemimba.”

6Saka Dhavhidhi akatuma shoko kuna Joabhu akati, “Nditumire Uria muHiti.” Saka Joabhu akamutumira kuna Dhavhidhi. 7Uria akati asvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti Joabhu aiva akadini hake, zvose navarwi uye kuti hondo yaifamba sei. 8Ipapo Dhavhidhi akati kuna Uria, “Enda hako kuimba yako unoshamba tsoka dzako.” Naizvozvo Uria akabva pamuzinda wamambo, uye achangoenda, mambo akamutumira chipo. 9Asi Uria akarara pasuo romuzinda navaranda vose vatenzi wake akasaenda kumba kwake.

10Zvino Dhavhidhi paakaudzwa kuti, “Uria haana kuenda kumba kwake,” akamubvunza akati, “Hauna kubva parwendo here? Sei usina kuenda kumba kwako?”

11Uria akati kuna Dhavhidhi, “Areka navaIsraeri pamwe chete navaJudha vagere mumatende, uye tenzi wangu Joabhu navanhu vaishe wangu vari mumisasa kusango. Ko, ini ndaigozoenda sei kumba kwangu kuti ndidye ndichinwa nokurara nomudzimai wangu? Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, handingaiti chinhu chakadaro!”

12Ipapo Dhavhidhi akati kwaari, “Chigara hako pano kwezuva rimwe chete, mangwana ndigokutendera hangu kuti udzokere.” Naizvozvo Uria akagara muJerusarema zuva iroro neraitevera. 13Akakokwa naDhavhidhi, akadya nokunwa naye, uye Dhavhidhi akaita kuti adhakwe. Asi ava madekwana Uria akabuda akandovata panhoo yake pamwe chete navaranda vatenzi wake; haana kuenda kumba kwake.

14Chifumi chamangwana Dhavhidhi akanyora tsamba kuna Joabhu akaituma naUria. 15Akanyora mairi achiti, “Isa Uria pamberi paya panorwiwa zvinotyisa zvikuru. Ipapo iwe umusiye ari oga kuti abayiwe afe.”

16Saka Joabhu paakanga akakomba guta, akaisa Uria panzvimbo yaaiziva kuti ndipo paiva navarume voumhare. 17Varume veguta pavakabuda vakarwa naJoabhu, vamwe vevarume vehondo yaDhavhidhi vakakundwa; uye Uria muHiti akafawo.

18Joabhu akatumira Dhavhidhi mashoko amafambiro akanga aita hondo. 19Akarayira nhume achiti, “Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mafambiro aita hondo, 20hasha dzamambo dzingakwira, uye angangokubvunza achiti, ‘Ko, sei maswedera pedyo zvakadaro neguta muchirwa? Manga musingazivi here kuti vaizokupfurai nemiseve vari parusvingo? 21Ndianiko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhi-Bhesheti? Haasi munhukadzi here akakanda guyo pamusoro pake richibva parusvingo, zvokuti akafira paTebhezi? Sei maswedera pedyo norusvingo?’ Kana akakubvunza izvi, ipapo uti kwaari, ‘Muranda wenyu Uria muHiti afawo.’ ”

22Nhume yakaenda, uye yakati yasvika, yakaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yarayirwa naJoabhu. 23Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Varume avo vatikurira vakatibudira pachena, asi isu tavasairira kusvikira vasvika pasuo reguta. 24Ipapo vapfuri vapfura varanda venyu vari parusvingo, uye vamwe vavaranda vamambo vafa. Uyewo, muranda wenyu Uria muHiti afa.”

25Dhavhidhi akarayira nhume achiti, “Uti kuna Joabhu, ‘Izvi ngazvirege kukushungurudza; munondo haubayi rutivi rumwe asi nokunouyawo wabaya. Ramba uchirwisa guta uriparadze.’ Taura izvi kuna Joabhu kuti umukurudzire.”

26Zvino mukadzi waUria paakanzwa kuti murume wake akanga afa, akamuchema. 27Zvino mazuva okuchema akati apera, Dhavhidhi akamuuyisa kumba kwake, akava mukadzi wake, uye akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi chakaitwa naDhavhidhi hachina kufadza Jehovha.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

David, Betsabé y Urías

  • Urías es identificado como hitita y formaba parte del grupo de guerreros de élite de David, conocidos como los "valientes". Cuando fue llamado a Jerusalén desde el frente, se negó a disfrutar de la comodidad de su casa por solidaridad con sus compañeros y con el Arca del Pacto, que permanecían en tiendas en campo abierto.Fuentes: el propio texto bíblico · Uriah
  • El asedio a Rabá, la ciudad principal de los amonitas al este del río Jordán, sirve de trasfondo para este capítulo. Aunque la primavera era la época acostumbrada en que los reyes salían a combatir, David se quedó en Jerusalén y encomendó la campaña militar a su comandante Joab.Fuentes: el propio texto bíblico · Rabbah · Joab
  • Al instruir a su mensajero sobre las bajas ocurridas junto al muro de la ciudad, Joab recordó el precedente militar de la muerte de Abimélec en Tebes, donde una mujer lo mató arrojando una piedra de molino desde la muralla. El texto bíblico menciona al padre de Abimélec, Gedeón, con el nombre de Jerubeset.Fuentes: el propio texto bíblico · Jerubbesheth · Thebez

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Ammon · 31.955, 35.934 · versículo 1
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 1, 12, 22
  • Rabbah · Hoy: Amman · 31.955, 35.934 · versículo 1

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.